SVONDO 1 romuAdhivendi C 2015
Yeremiya 33: 14-16; 1
vaTesaronika 3:12-4:2; Ruka 21:25-28, 34-36
“Svinurai nguva dzose
muchinamata!”
Nhasi
tinotanga nguva yeAdvent, nguva yekugadzirira nekumirira kuuya kwaMambo. Kuuya
kwaMambo kuri paviri. Kunoti kuuya kwake kwechiposhi achizvarwa semucheche,
nekuuya kwake pakupedzisira kuzodzika denga idzwa nenyika yakanakaka.
Tinopemberera
zuva rekuzvarwa kwaKristo musi wa25 December. Ndipo panobva mashoko ekuti “Izwi
akava munhu akagara nesu.” Kuuya uku kwakatikoshera nekuti kunotiyeuchidza
kutishanyira kwakaita Mwari wedu. Zita rake anozi “Emmanuel,” ndiko kuti Mwarianesu.
Saka mavhiki mana anotevera akanangana nekutigadzirira kupemberera zuva iri
ratakazvarirwa mununuri. Tinogadzirira kuti Mambo mucheche awane nzvimbo
yakanaka yekugara mumoyo medu. Paakazvarwa paBethlehem, akashayirwa imba,
akazozvarirwa mudanga, ko nhasi tinoda kuti azvarirwe mudanga zvakare here?
Kuuya
kwaMambo kwechipiri ndiko kudzoka kwake pakupedzisira kwaachaita. Tinotendera
kuti Kristo akafa akamuka muvafi akakwira kudenga, achazouyzazve kuzotonga
vapenyu navafi. Tinogadzirira kuuya kuchaita Mambo uku nguva dzose, asi panguva
ino yeAdvent tinonyanya kugadzirira kuuya kwaMambo uku. Tinogadzirira tichiziva
kuti Mambo achadzoka kuzotitonga, kuzonatsa nekururamisa zvisikwa zvose.
Tinoshuwira kuti kana adzoka atiwane takakodzerana naye. Tinoda kuti kana
adzoka azotitore sevasarudzwi vake, agopinda nesu mumbiri yekupenya kwake.
Kuuya
kwaMambo kwechiposhi ndiyo nyaya huru yaiparidzwa nevaprofita vakare.
Chiporofita chaicho, chemubhaibheri chakanangana nekufanotaurira vanhu zvekuuya
kweMuponesi. Muprofita angaporofitewo hake zvimwe zvinhu zvidiki, asi
pekupedzisira akanga ari mutumwa waMwari anotaurira vanhu vake zvekuuya
kweMuponesi. Ndiro rakanga riri basa guru revaprofita. Chiprofita ichocho chakaperera
panaJohane mubhapatidzi. Vatumwa vaMwari vanozotevera mushure mekuuya kwaMambo,
basa ravo guru kuparidza zvekufa nekumuka kwaKristo. Vapostori ndivo vakatumwa
naiye Kristo, vachitungamirirwa naMweya Mutsvene, kuti vaende kundudzi dzese
dzevanhu, nekuzvisikwa zvose zvapasi vachindoparidza dama rakanaka reruponeso.
Muchidzidzo
chechiposhi tinonzwa Jeremiah achiti: “Tarisai muone, mazuva ava kusvika
andinozoita zvandakatsidzira kuita. Ndichaitira vemba yaIsraeri nevemba yaYuda
zviya zvandakavatsidzira.” Vaprofita vaiita basa rekuyeuchidza vanhu vaMwari
kuti vasakanganwe zvavakatsidzirwa naMwari, kuti achazovatumira muponesi
achazovanunura. Vaive nenhamo zhinji kwazvo, vaive nhapwa, vaigara musango
munyika dzisiri dzavo, vachidzvinyirirwa nekushungurudzwa, zvinongoitwavo vanhu
vasina misha yavo vagere mativi mana enhika nhasi. Asi Mwari aida kuti vazive
kuti haana kuvarasa, uye haana kukanganwa kuvaitira zvakanaka zvaakavatsidzira.
Vaikanganwa
chitsidzo chaMwari ndivo vaitsakatikira musango. Asi avo vairamba vakarangarira
kuti Mwari achavaponesa, kunyange dai vaifira musango, vaifa vakabatana naMwari.
Kutarisira kuuya kwemuponesi ndicho chakava chisimbiso chavo munhamo huru
dzavairarama nadzo. Mariya naElizabeth, vakanga vakamirirawo kuuya kwemuponesi
uku. Mariya paanoziviswa kuti ndiye achava amai vomununuri anogoverana dama
rakanaka iri nehama yake Elizabeth. Elizabeth anobva aona chiriporipo kuti
zvose zvakanga zvakatsidzirwa naMwari zvakanga zvazoitika. Saka tinomunzwa
achiti kunaMariya: “Mugoni zvako iwe wakatendera kuti zvose zvakataurwa naMambo
zvichazoitika.” Mufaro waMariya naElizabeth wakava mukuru pakuziva kuti “mwana
akarurama waDhavhiti,” akanga ave zvino pakati pavo. Munguva ino yeAdvent,
tinomirira kuuya kwaMambo tiine mufaro mumwechete waMariya naElizabeth.
Tinomirira tichiziva kuti mwana achazvarwa uyu, “ndiye achasakisa kuti munyika
muitwe zvakarurama nezvinotendeseka.”
Muchidzidzo
chechipiri tinonzwa mupositori Pauro achitikomekedza vatenderi kuti tivavarire
kuzomira pamberi paMwari Baba vedu tiri vatsvene tisina chatingapomerwe pakuuya
kwaMambo wedu Yesu navasande vake vose. Vapositori vakasiyana nevaprofita
pakuti vapositori vakanga vave kuparidza vave nedama ranakana rizere. Saka
Pauro anotaura nezve “chidzidzo chiya chamakagamuchira kwatiri chemufambiro
wamunofarira kuita kuti mufadze Mwari.” Kuuya kwakaita Kristo akazadzikisa
zvaitaurwa semviromviro nevaprofita saka vapositori vakanga vave kuzviparidza
vaine muti uzere. Vapositori vakanga
vave nedama rakanaka rizere, saka basa ravo guru rakanga rave rekusimbisisa
mafambiro chaiwo anodikanwa nedama rakanaka: “hongu matowa nawo, (mafambiro
aya), asi tinokukumbirisai nokukukomeresai, muzita raMambo Yesu, kuti munyanye
kufambira mberi.” Saka nguva ino yeAdvent tiri kukurudzirwa zvimwe chetezvo,
kuti tinyanye kuenderera mberi mumafambiro edama rakanaka takamirira kuuya
kwaMambo.
Mudama
rakanaka tinonzwa Kristo achitinyeurira nezvekuuya kwake kwechipiri. Hanzi
kuchava nekutambudzika nekuparadzwa kukuru chaizvo: “ndudzi dzapasi pose dzichazombwendeswa
dzichikangaidzwa nokutinhira kwegungwa nokwamasaisai.” Asi mukati
mekutambudzika uku ndimo muchaonekwa mwanakomana wemunhu achiuya ari mugore
aine simba nokupenya. Kristo ndiye mwanakomana wemunhu uyu achazouya. Kuuya
kwaanoita kunofanira kushingisa nekutsigisa avo vose vanomutevera. Kunyangwe
dai nhamo iyoyo ikazotyisa nekurwadza zvakadii, vatenderi vane chitarisiro
chekuti vanenge vasiri vega, havachazosiiwi vega senherera. Mwanakomana wemunhu
achatishanyira panguva iyoyo ndiye mumwechete anonzi Emmanuel, kana kuti Mwari
anesu. Mwari acharamba ainesu kudzamara kumagumo.
Kristo
anotinyevera kuti tirambe takasimba, tisaburitswe mugwara nematambudziko aya:
“Kana izvi zvoitika, itii twasu, misoro yenyu iti twii: nokuti kusunungurwa
kwenyu kwaswedera.” Nekuti tinogona kurasikirwa nenhaka yehupenyu hwedenga,
nekuda kwenhamu dzinopfuura. Mazuvano vazhinji vari kurasa chitendero nekuda
kwekufunga kuti ruponeso rwaMwari rwavanonokera. Kurwara, kurwarira, kushaya
chekubata, kushaya basa, kushaya pekugara, kushaya anoroora kana wekuroora,
kushaya mbereko, kutadza kugarisana mumba, kuvengana nehama neshamwari, kufunga
kuti ndakaroyiwa, kutya munyama nedzimwe nhamo zhinji zviri kuita kuti “moyo
yavanhu iti papata kuoma nokutya.” Pamusana pekutya uku vanhu vaakungoti
chamuka inyama, chero ndawana chingandiponese. Kune vanhu vari kuvimbisa
kupona, asi vasiri pachokwadi. Izvi zviri kuita kuti vanhu vazhinji vari
kutambudzika varasiswe, vanyeperwe, vadyirwe mari, vaparadzane nehama, vabviswe
pachitendero chechokwadi, vagosara vari pachena. Ruponeso chairwo runotaurwa
naKristo runobva mukutsungirira.
Kristo
anotichenjedza zvakare kuti tirege: “Kutindivadzwa moyo nokudyiririra
nokudutira…” Mukati nenhamo zhinji zviri nyore kuzvirasira mune zvinhu zvapasi
pano. Mukaona nyika dzese dzine hondo kana dzine mamiriro ehupfumi asina kunaka,
ndimo munoitwa zvinorova maererano nekuzvifadza panyama nekurarama hupenyu
hwemutambarakede pasina kufunga remangwana. Muraramiro wakadai uyu unokonzeresa
zvirwere, kuparwa kwemhosva, kumbunyikidzwa nekubhinywa kwevanhukadzi nevana,
upomwe, humhondi, kuba, kunyepa - zvinogoneka bedzi kana moyo yevanhu
yatindivara nekufunganya nezvehupenyu huno. Zvino Kristo ari kuti chenjerai
nokuti: “muchazobva mowirwa nezuva iroro, nokuti richawira vose vanogara pasi
paro seriva.”
Kristo
anotipa mushonga wekudzivirira matambudziko aya. Mushonga uyu kunamata.
Kunamata kwechokwadi hakusi kuya kwatinoita bedzi patinenge tichinzwa kuda
kunamata. Kunamata kwechokwadi hakuneyi nekuti zvanakidza, zvafadza zvaita
mukurumbira here. Vanhu vazhinji vari kurasika pakunamata nekuti vari kutsvaga
zvinogutsameso nenzeve, zvinotekenyedza nyama, zvinoita kuti hana yavo irove,
zvinodziisa ropa mutsinga dzavo. Manzwiro akadai handiwo musimboti wekunamata.
Kunamata kwechokwadi ndekwekutsungirira, kurambonamata, kunyangwe dai pasina
zvaunonzwa zvinotapira. Kunamaka kwechokwadi kuzvipira kugarosumudzira pfungwa
nemweya kunaMwari, kana dai wakaneta, usinganzwi kuda, pasina wekunamata naye,
pasina ari kukona kuti uri kunamata. Chakakosha pakunamata ndechichi: kuti
wauya kuzonamata. Wauya kuzonamata chero nyama dzako dzisiri kuda kunamata,
chero pfungwa dzako dzisiri kuda hadzo, chero dai Mweya wako uri kuramba, asi
wauya chete pana Mwari, wazvirigira patsoka dzake, uri kugomera uripo
pamuchinjikwa panaYesu. Mumwe musi kunamata kunouya nyore nekuzadza moyo
nemweya nenyama, asi nguva zhinji kunamata kunonetsa kuuya, kunoita kunge
kukama dombo chaiko. Saka Kristo achiti: “Svinurai nguva dzose muchinamata…”
kunyangwe dai kunamata kusiri kuuya nyore!
Nguva
ino yeAdvent inguva yekuteerera vaprofita, vanotivimbisa zvekuuya kwemuponesi.
Inguvazve yekuteerera vapositori, vanotidzidzisa kufamba mafambiro anodikanwa
nedama rakanaka raKristo. Inguva zvakare yekuteerera Kristo anotidzidzisa
kunamata nguva dzose: “Kuti tiwanikwe takakodzera kupunyuka izvi zvose
zvichazoitika, tigomira pamberi paMwanakomana weMunhu!”
Amen.
______________________________________________
© Fr William Guri, C.Ss.R., Annapolis MD, 29/11/2015.
No comments:
Post a Comment