Saturday, November 28, 2015

“Svinurai nguva dzose muchinamata!”

SVONDO 1 romuAdhivendi C 2015
Yeremiya 33: 14-16; 1 vaTesaronika 3:12-4:2; Ruka 21:25-28, 34-36

“Svinurai nguva dzose muchinamata!”

Nhasi tinotanga nguva yeAdvent, nguva yekugadzirira nekumirira kuuya kwaMambo. Kuuya kwaMambo kuri paviri. Kunoti kuuya kwake kwechiposhi achizvarwa semucheche, nekuuya kwake pakupedzisira kuzodzika denga idzwa nenyika yakanakaka.

Tinopemberera zuva rekuzvarwa kwaKristo musi wa25 December. Ndipo panobva mashoko ekuti “Izwi akava munhu akagara nesu.” Kuuya uku kwakatikoshera nekuti kunotiyeuchidza kutishanyira kwakaita Mwari wedu. Zita rake anozi “Emmanuel,” ndiko kuti Mwarianesu. Saka mavhiki mana anotevera akanangana nekutigadzirira kupemberera zuva iri ratakazvarirwa mununuri. Tinogadzirira kuti Mambo mucheche awane nzvimbo yakanaka yekugara mumoyo medu. Paakazvarwa paBethlehem, akashayirwa imba, akazozvarirwa mudanga, ko nhasi tinoda kuti azvarirwe mudanga zvakare here?

Kuuya kwaMambo kwechipiri ndiko kudzoka kwake pakupedzisira kwaachaita. Tinotendera kuti Kristo akafa akamuka muvafi akakwira kudenga, achazouyzazve kuzotonga vapenyu navafi. Tinogadzirira kuuya kuchaita Mambo uku nguva dzose, asi panguva ino yeAdvent tinonyanya kugadzirira kuuya kwaMambo uku. Tinogadzirira tichiziva kuti Mambo achadzoka kuzotitonga, kuzonatsa nekururamisa zvisikwa zvose. Tinoshuwira kuti kana adzoka atiwane takakodzerana naye. Tinoda kuti kana adzoka azotitore sevasarudzwi vake, agopinda nesu mumbiri yekupenya kwake.

Kuuya kwaMambo kwechiposhi ndiyo nyaya huru yaiparidzwa nevaprofita vakare. Chiporofita chaicho, chemubhaibheri chakanangana nekufanotaurira vanhu zvekuuya kweMuponesi. Muprofita angaporofitewo hake zvimwe zvinhu zvidiki, asi pekupedzisira akanga ari mutumwa waMwari anotaurira vanhu vake zvekuuya kweMuponesi. Ndiro rakanga riri basa guru revaprofita. Chiprofita ichocho chakaperera panaJohane mubhapatidzi. Vatumwa vaMwari vanozotevera mushure mekuuya kwaMambo, basa ravo guru kuparidza zvekufa nekumuka kwaKristo. Vapostori ndivo vakatumwa naiye Kristo, vachitungamirirwa naMweya Mutsvene, kuti vaende kundudzi dzese dzevanhu, nekuzvisikwa zvose zvapasi vachindoparidza dama rakanaka reruponeso.

Muchidzidzo chechiposhi tinonzwa Jeremiah achiti: “Tarisai muone, mazuva ava kusvika andinozoita zvandakatsidzira kuita. Ndichaitira vemba yaIsraeri nevemba yaYuda zviya zvandakavatsidzira.” Vaprofita vaiita basa rekuyeuchidza vanhu vaMwari kuti vasakanganwe zvavakatsidzirwa naMwari, kuti achazovatumira muponesi achazovanunura. Vaive nenhamo zhinji kwazvo, vaive nhapwa, vaigara musango munyika dzisiri dzavo, vachidzvinyirirwa nekushungurudzwa, zvinongoitwavo vanhu vasina misha yavo vagere mativi mana enhika nhasi. Asi Mwari aida kuti vazive kuti haana kuvarasa, uye haana kukanganwa kuvaitira zvakanaka zvaakavatsidzira.

Vaikanganwa chitsidzo chaMwari ndivo vaitsakatikira musango. Asi avo vairamba vakarangarira kuti Mwari achavaponesa, kunyange dai vaifira musango, vaifa vakabatana naMwari. Kutarisira kuuya kwemuponesi ndicho chakava chisimbiso chavo munhamo huru dzavairarama nadzo. Mariya naElizabeth, vakanga vakamirirawo kuuya kwemuponesi uku. Mariya paanoziviswa kuti ndiye achava amai vomununuri anogoverana dama rakanaka iri nehama yake Elizabeth. Elizabeth anobva aona chiriporipo kuti zvose zvakanga zvakatsidzirwa naMwari zvakanga zvazoitika. Saka tinomunzwa achiti kunaMariya: “Mugoni zvako iwe wakatendera kuti zvose zvakataurwa naMambo zvichazoitika.” Mufaro waMariya naElizabeth wakava mukuru pakuziva kuti “mwana akarurama waDhavhiti,” akanga ave zvino pakati pavo. Munguva ino yeAdvent, tinomirira kuuya kwaMambo tiine mufaro mumwechete waMariya naElizabeth. Tinomirira tichiziva kuti mwana achazvarwa uyu, “ndiye achasakisa kuti munyika muitwe zvakarurama nezvinotendeseka.”

Muchidzidzo chechipiri tinonzwa mupositori Pauro achitikomekedza vatenderi kuti tivavarire kuzomira pamberi paMwari Baba vedu tiri vatsvene tisina chatingapomerwe pakuuya kwaMambo wedu Yesu navasande vake vose. Vapositori vakasiyana nevaprofita pakuti vapositori vakanga vave kuparidza vave nedama ranakana rizere. Saka Pauro anotaura nezve “chidzidzo chiya chamakagamuchira kwatiri chemufambiro wamunofarira kuita kuti mufadze Mwari.” Kuuya kwakaita Kristo akazadzikisa zvaitaurwa semviromviro nevaprofita saka vapositori vakanga vave kuzviparidza vaine muti uzere. Vapositori  vakanga vave nedama rakanaka rizere, saka basa ravo guru rakanga rave rekusimbisisa mafambiro chaiwo anodikanwa nedama rakanaka: “hongu matowa nawo, (mafambiro aya), asi tinokukumbirisai nokukukomeresai, muzita raMambo Yesu, kuti munyanye kufambira mberi.” Saka nguva ino yeAdvent tiri kukurudzirwa zvimwe chetezvo, kuti tinyanye kuenderera mberi mumafambiro edama rakanaka takamirira kuuya kwaMambo.

Mudama rakanaka tinonzwa Kristo achitinyeurira nezvekuuya kwake kwechipiri. Hanzi kuchava nekutambudzika nekuparadzwa kukuru chaizvo: “ndudzi dzapasi pose dzichazombwendeswa dzichikangaidzwa nokutinhira kwegungwa nokwamasaisai.” Asi mukati mekutambudzika uku ndimo muchaonekwa mwanakomana wemunhu achiuya ari mugore aine simba nokupenya. Kristo ndiye mwanakomana wemunhu uyu achazouya. Kuuya kwaanoita kunofanira kushingisa nekutsigisa avo vose vanomutevera. Kunyangwe dai nhamo iyoyo ikazotyisa nekurwadza zvakadii, vatenderi vane chitarisiro chekuti vanenge vasiri vega, havachazosiiwi vega senherera. Mwanakomana wemunhu achatishanyira panguva iyoyo ndiye mumwechete anonzi Emmanuel, kana kuti Mwari anesu. Mwari acharamba ainesu kudzamara kumagumo.

Kristo anotinyevera kuti tirambe takasimba, tisaburitswe mugwara nematambudziko aya: “Kana izvi zvoitika, itii twasu, misoro yenyu iti twii: nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” Nekuti tinogona kurasikirwa nenhaka yehupenyu hwedenga, nekuda kwenhamu dzinopfuura. Mazuvano vazhinji vari kurasa chitendero nekuda kwekufunga kuti ruponeso rwaMwari rwavanonokera. Kurwara, kurwarira, kushaya chekubata, kushaya basa, kushaya pekugara, kushaya anoroora kana wekuroora, kushaya mbereko, kutadza kugarisana mumba, kuvengana nehama neshamwari, kufunga kuti ndakaroyiwa, kutya munyama nedzimwe nhamo zhinji zviri kuita kuti “moyo yavanhu iti papata kuoma nokutya.” Pamusana pekutya uku vanhu vaakungoti chamuka inyama, chero ndawana chingandiponese. Kune vanhu vari kuvimbisa kupona, asi vasiri pachokwadi. Izvi zviri kuita kuti vanhu vazhinji vari kutambudzika varasiswe, vanyeperwe, vadyirwe mari, vaparadzane nehama, vabviswe pachitendero chechokwadi, vagosara vari pachena. Ruponeso chairwo runotaurwa naKristo runobva mukutsungirira.

Kristo anotichenjedza zvakare kuti tirege: “Kutindivadzwa moyo nokudyiririra nokudutira…” Mukati nenhamo zhinji zviri nyore kuzvirasira mune zvinhu zvapasi pano. Mukaona nyika dzese dzine hondo kana dzine mamiriro ehupfumi asina kunaka, ndimo munoitwa zvinorova maererano nekuzvifadza panyama nekurarama hupenyu hwemutambarakede pasina kufunga remangwana. Muraramiro wakadai uyu unokonzeresa zvirwere, kuparwa kwemhosva, kumbunyikidzwa nekubhinywa kwevanhukadzi nevana, upomwe, humhondi, kuba, kunyepa - zvinogoneka bedzi kana moyo yevanhu yatindivara nekufunganya nezvehupenyu huno. Zvino Kristo ari kuti chenjerai nokuti: “muchazobva mowirwa nezuva iroro, nokuti richawira vose vanogara pasi paro seriva.”

Kristo anotipa mushonga wekudzivirira matambudziko aya. Mushonga uyu kunamata. Kunamata kwechokwadi hakusi kuya kwatinoita bedzi patinenge tichinzwa kuda kunamata. Kunamata kwechokwadi hakuneyi nekuti zvanakidza, zvafadza zvaita mukurumbira here. Vanhu vazhinji vari kurasika pakunamata nekuti vari kutsvaga zvinogutsameso nenzeve, zvinotekenyedza nyama, zvinoita kuti hana yavo irove, zvinodziisa ropa mutsinga dzavo. Manzwiro akadai handiwo musimboti wekunamata. Kunamata kwechokwadi ndekwekutsungirira, kurambonamata, kunyangwe dai pasina zvaunonzwa zvinotapira. Kunamaka kwechokwadi kuzvipira kugarosumudzira pfungwa nemweya kunaMwari, kana dai wakaneta, usinganzwi kuda, pasina wekunamata naye, pasina ari kukona kuti uri kunamata. Chakakosha pakunamata ndechichi: kuti wauya kuzonamata. Wauya kuzonamata chero nyama dzako dzisiri kuda kunamata, chero pfungwa dzako dzisiri kuda hadzo, chero dai Mweya wako uri kuramba, asi wauya chete pana Mwari, wazvirigira patsoka dzake, uri kugomera uripo pamuchinjikwa panaYesu. Mumwe musi kunamata kunouya nyore nekuzadza moyo nemweya nenyama, asi nguva zhinji kunamata kunonetsa kuuya, kunoita kunge kukama dombo chaiko. Saka Kristo achiti: “Svinurai nguva dzose muchinamata…” kunyangwe dai kunamata kusiri kuuya nyore!

Nguva ino yeAdvent inguva yekuteerera vaprofita, vanotivimbisa zvekuuya kwemuponesi. Inguvazve yekuteerera vapositori, vanotidzidzisa kufamba mafambiro anodikanwa nedama rakanaka raKristo. Inguva zvakare yekuteerera Kristo anotidzidzisa kunamata nguva dzose: “Kuti tiwanikwe takakodzera kupunyuka izvi zvose zvichazoitika, tigomira pamberi paMwanakomana weMunhu!”

Amen.

______________________________________________
 © Fr William Guri, C.Ss.R., Annapolis MD, 29/11/2015.


No comments: