Saturday, November 14, 2015

Mwanakomana achauya!

Svondo 33 Regore B 2015

Dhaniyeri 12:1-3; VaHebheru 10:11-14, 18; Mariko 13:24-32

Mukupera kwegore reKirike tinosangana nezvidzidzo zvinotaura nezvemazuva ekupedzisira. Bhuku raDhaniyeri rinotiudza nezvenhamo huru nekuponeswa kwevanhu. Vamwe vachamuka vachipinda muhupenyu husingaperi, vamwewo vachamuka vachipinda mukunyadziswa nomukushorwa kusingaperi. Dhaniyeri anotiyeuchidza kuti mushure mekufa muchava nekutongwa, kupihwa mubairo kana kurangwa maererano nemararamire atakaita muhupenyu huno. Dhaniyeri anosimbisa chitendero chedu nekutiudza kuti Mikaeri anozouya mushure nekutambudzika uku. Mikaeri ingirozi yaMwari, pose panosvika ngirozi yaMwari ruponeso rwaMwari runovapo.

Dama rakanaka rinotaurawo nezvematambudziko enguva yekupedzisira. Ndipo pachauya Mwanakomana wemunhu ari mumakore aine simba guru. Achatuma vatumwa vake kunokokorodza vasarudzwi vake pasi pose. Vasarudzwi ndivo vaya vachaonekwa vakakodzerana naye, vanenge vasina kukodzerana naye vacharaswa. Nyaya yokutongwa maererano nemararamire atakaita muhupenyu huno inosimbisiswa zvakare. Sekuuya kunonzi kuchaita Mikaeri, Mwanakomana wemunhu achauyawo pazuva remhedziso. Pose pane Mwanakomana wemunhu pane kuponeswa nehupenyu husingaperi.

Dama rakanaka rinotitaurira kuti: “Kana zviri zvezuva iri nenguva iyi, hapana ani anoziva, kana nengirozi dziri kudenga kanawo naMwanakomana; asi Baba voga.” Patinonzwa nezvekutongwa kwekupedzisira nezuva remhedziso tinobatwa nekutya nekukahadzika kukuru kuti izvi zvichaitika rini? Asi Kristo pachake haana kutiudza kuti ndirini uchaitika izvi. Saka tingaitei neruzivo rwekuti kuchava nekutambudzika nekutongwa kukuru isu tisingazivi kuti kuchavako rini?

Panoitika mhirizhonga nemhere mhere  zviri nyore kufunga kuti ndiko kuguma kwepasi kwakataurwa mumagwaro. Musi weChishanu uno takaona kuParis vanhu vanokarosvika mazana maviri vachipfuurwa nepfuti vachifa. MunaApril takaona kuGarisa University kuKenya vanhu 147 vachipfuurwa nepfuti. Zviri kuSyria, Afghanistan, Burundi, Sudan, hatingatauri. Kune nzvimbo dzakawanda pasi pano mugore rino kwataona vanhu vachiparadzwa nehondo nekurwisana, tisingatauri zvekundengendeka kwepasi nedzimwe njodzi. Ndiko here kuguma kwapasi?

Patinonzwa nezvekuwirwa nedambudziko kwevamwe vanhu tinobatwa nekutya nekukahadzika kukuru. Sekupfuurwa kwakaitwa vanhu kuParis, hapana anoziva kuti mangwana zvichaitika kupi. Maitikiro ari kuita nhamo idzi haana maziviro – zvinogona kungoitika pauri kana pandiri mangwana. Ukazvitarisisa unoona kuti hupenyu hwedu huri pachena. Hapana kungwara, kuzvidzivirira, kunzvenga, kana kugadzirira kwaungaite pfumvu yakadai. Zvinhu zvatinoona mazuva ese sezvisingakuvadzi, zvinogona kukuvadza. Ndege inogona kungoputika mudenga, chitima chinopotsa njanji, vanhu vari kuzvionera havo bhora munhandare vanogona kungoerekana mabara epfuti ave kunaya, vanhu vari kuzvidyira havo mumba mavo,  vanhu vari kuzvifambira, vana vari kudzidza zvavo muchikoro, vanogona kungokanuka vave munjodzi. Hapana paungamboti apa pakanaka, hapana njodzi, panoponesa, ndipo pekuhwanda.

Hanzi naKristo: “Regai muonde ukudzidzisei muenzaniso. Kana maona muonde watunga pfumvudza, moziva kuti zhizha roswedera.” Kunyangwe tisingasivi kuti kuguma kwepasi kuchaitika rini, kuti zuva remhedziso ririko rini, hazvititadzisi kugara tichigadzirira kutongwa kuchazouya. Ko tinogadzirira sei kutongwa kuchazouya mushure mekufa? Ko tingagadzirire sei kuuya kweMwanakomana waMwari ari mumakore achipenya, aine simba guru, pamwechete nevatumwa vake vana Mikaeri?

Pakati pezvisikwa zvose zvaMwari, vanhu ndisu chete tine chipo chekuziva kuti tichafa. Ndosaka tichitya kufa, nekuti tinoziva kuti tichafa. Dzimwe mhuka dzose dzakasikwa naMwari hapana imwechete inofunga nezvekuti ichafa. Mhuka dzinotarisana nerufu parunenge rwatosvika, asi munhu anogara akaziva kuti kufa kuchauya rufu ruchiri kure kure naye. Kuziva kuti ndinofa ndiko kunotungamirira munhu mune zvose zvaanoita muhupenyu huno. ChiKristo chechokwadi hachivanziri munhu nyaya yekuti achafa. “Yeuka munhu uri huruva, uchadzokerazve kuhuruva.” “Mwari ndinoziva ndinofa, asi handizivi sei, kupi, rini…” “Tireverereiwo isu vatadzi, zvino nepanguva yekufa kwedu.” “Pakufa kwangu huyai muzondinyaradza nevaraidzo yenyu inokodzera kuisvodiwa kwazvo.” “Ndinotya kurangwa kunozouya mushure nekufa, mundisunungure…”

Kuziva kuti tinofa ndiko kunotipa kutsvaga Mwari nekuvavarira hupenyu husingaperi. ChiKristo chinotidzidzisa kuti tingararame sei hupenyu huno isu tichiziva kuti tinofa. Kurarama kwatinoita kunoitawo kuti kufa kwatichaita kuve nezvakunoreva. Tikararama hupenyu zvisina gwara, tinofawo zvisina gwara. Tikararama tiri munaKristo, tinofa tiri munaKristo. Tikafa pamwe chete naye murubhapatidzo, tine chokwadi chekuti tichamuka pamwechete naye mukumuka kwake muvafi. “Rudo rwaKristo rwakatiita vamwe naKristo.” “Chiiko chingatiparadzanise nerudo rwaKristo?...Muizvi zvose tiri vakundi, nokuna iye akatida…hapana chinhu chinogona kuparadza rudo rwedu naKristo.

Kana takabatana naKristo rufu harutityisi. Rungave rufu rwekunge tarwara, kana rufu rwekuurayiwa nehondo kana nenjodzi. Kubatana naKristo uku kunobva mukuzvipira kuva pamwe chete naKristo kwatinoita zuva rega rega. Izvi zvinogoneka nekuzvipira kurarama zuva rega rega sekunge ndiro zuva rako rekupedzisira muhupenyu huno. Zvibvunze kuti kana ndikafa nhasi, hupenyu hwangu hwakamira sei? Ndingawanikwe here ndakakodzerana naMwari kana ndikafa nhasi uno? Mwari anganditonge sei kana akandidaidza nhasi?

Ndakambobatsira mumwe musikana akanga kafirwa nehanzvadzi yake. Musikana aichema chaizvo asinganyararidziki nekuti zuva rakafa hanzvadzi yake iyi vakanga vatukana pafoni, akarovera foni pasi nehasha nekuramwa. Paakanzwa kuti hanzvadzi yake yafa, akademba kuti haana kunge ataura naye mashoko akanaka ekupedzisira. Ko aiziva here kuti kutaura pafoni uku ndiko kwekupedzisira nehanzvadzi yake? Ukanyatsofunga kuti mashoko awabva kutaurira mumwe wako, pangadai pari pafoni kana pameso pake, anogona kuva ndiwo ekupedzisira, ungade kuti mashoko aya ave api? Itsika yakanaka usati warara, kuongorora zuva rawaswera uchitarisisa zvose zvawaita nezvawataura. Wozvibvunza kuti Tenzi akati ndipe kuno hoyo mweya wako husiku huno, anouwana wakadii? Kurangarira uku kunotibatsira kukurumidza kupfidza kana tichinge takanganisa. Tikapfidza nemoyo wose tikakumbira kuregererwa, Mwari haatirasi. “Mambo hamudi kuti mutadzi afe, munoda kuti atendeuke ararame.”

Tikafunga nezvekufa kwedu nenzira iyi tinogona kushandura magariro edu nevamwe. Kana tikaziva kuti zuva ranhasi rinogona kuva zuva rangu rekupedzisira, tinogona kuvavarira kunatsurudza maitiro edu kuti agova akarurama. Kuchechi yedu yekuNazareth House kwaive nechinyorwa chandinoda panopfekera mupristi zvekuti mupristi aichiona pose paanopfeka kuti aite misa. Chaive nemashoko anoti: “Mupriste waMwari iwe, vavarira kupira muteuro wemisa uyu wawatarisana nawo, sekunge ndiyo misa yako yekupedzisira.” Mashoko aya akandivhundutsa chaizvo ndichangogazwa. Ndakanyora mashoko aya muhana mangu, zvekuti pakazobviswa chinyorwa ichi, kana pandinoenda kusina chiyeuchidzo ichi, hana yangu inondidzidzisa pamberi pemisa yega yega nemashoko iwaya.

Kurarama tichitora zuva rega rega kunge ndiro zuva redu rekupedzisira kunotibatsira kuti zuva remhedziso rikauya chero nguva ipi rinotiwana takagadzirira. Kristo anotipa muenzaniso wemuonde unotiratidza kuuya kwezhizha nekutunga kwawo mashizha matsva.  Anoenderera mberi achiti: “Naizvozvo nemiwo, kana moona izvi zvichiitika, chibvai maziva kuti iye woswedera, atova pamusuo.” Matambudziko atiri kuona mazuva ose, ngaatiyeuchidze nguva dzose, kuti kuuya kwaMwambo kuri padyo nguva dzose. Zviri kwatiri kuti Mambo anotiwana tiri vanhu vakaita sei. Zviri mumaoko medu kugara zuva rega rega tichigadzirira nekumirira kuuya kwaMambo. “Akaropafadzwa muranda waMambo, anomumirira kusvika adzoka.”


Zuva remhedziso, izuva rinotyisa kufunga nezvaro. Asika zuva iri izuva raMambo. Mambo uyu ndiye Kristo mupriste wedu mukuru. Ndiye achava mutongi wedu. Akatifira kuti tiponeswe, tinunurwe munhamo, uye kuti tisakandwe mukushorwa nemukunyadziswa. Tsamba yekuVaHebheru inotiudza kuti: “Kristo akangopira chibayirwa chimwe chete chinobvisa matadzo…nomupiro wechakamwe akawanira avo vaanoita vake ururami huzere nokusingaperi.” Patinopira mupiro wemisa pose, tinenge tichizvipinza mumupiro waKristo uyu. Tikapira mupiro uyu nemazvo, nemoyo wedu wose, zuva rega rega, kunge zvinonzi ndiyo misa yedu yekupedzisira, zuva remhedziso hatingarityi. “Ngativimbei nechipiyaniso chaMambo, ndirwo ruponeso rupenyu nekumuka kwedu.” Amen.

__________________________

 © Fr William Guri, C.Ss.R., Annapolis MD, 15/11/2015.

No comments: