Svondo 33 Regore B 2015
Dhaniyeri 12:1-3;
VaHebheru 10:11-14, 18; Mariko 13:24-32
Mukupera kwegore reKirike tinosangana nezvidzidzo zvinotaura
nezvemazuva ekupedzisira. Bhuku raDhaniyeri rinotiudza nezvenhamo huru
nekuponeswa kwevanhu. Vamwe vachamuka vachipinda muhupenyu husingaperi, vamwewo
vachamuka vachipinda mukunyadziswa nomukushorwa kusingaperi. Dhaniyeri
anotiyeuchidza kuti mushure mekufa muchava nekutongwa, kupihwa mubairo kana
kurangwa maererano nemararamire atakaita muhupenyu huno. Dhaniyeri anosimbisa
chitendero chedu nekutiudza kuti Mikaeri anozouya mushure nekutambudzika uku.
Mikaeri ingirozi yaMwari, pose panosvika ngirozi yaMwari ruponeso rwaMwari
runovapo.
Dama rakanaka rinotaurawo nezvematambudziko enguva
yekupedzisira. Ndipo pachauya Mwanakomana wemunhu ari mumakore aine simba guru.
Achatuma vatumwa vake kunokokorodza vasarudzwi vake pasi pose. Vasarudzwi ndivo
vaya vachaonekwa vakakodzerana naye, vanenge vasina kukodzerana naye
vacharaswa. Nyaya yokutongwa maererano nemararamire atakaita muhupenyu huno inosimbisiswa
zvakare. Sekuuya kunonzi kuchaita Mikaeri, Mwanakomana wemunhu achauyawo pazuva
remhedziso. Pose pane Mwanakomana wemunhu pane kuponeswa nehupenyu husingaperi.
Dama rakanaka rinotitaurira kuti: “Kana zviri zvezuva iri
nenguva iyi, hapana ani anoziva, kana nengirozi dziri kudenga kanawo
naMwanakomana; asi Baba voga.” Patinonzwa nezvekutongwa kwekupedzisira nezuva
remhedziso tinobatwa nekutya nekukahadzika kukuru kuti izvi zvichaitika rini?
Asi Kristo pachake haana kutiudza kuti ndirini uchaitika izvi. Saka tingaitei
neruzivo rwekuti kuchava nekutambudzika nekutongwa kukuru isu tisingazivi kuti
kuchavako rini?
Panoitika mhirizhonga nemhere mhere zviri nyore kufunga kuti ndiko kuguma kwepasi
kwakataurwa mumagwaro. Musi weChishanu uno takaona kuParis vanhu vanokarosvika
mazana maviri vachipfuurwa nepfuti vachifa. MunaApril takaona kuGarisa
University kuKenya vanhu 147 vachipfuurwa nepfuti. Zviri kuSyria, Afghanistan,
Burundi, Sudan, hatingatauri. Kune nzvimbo dzakawanda pasi pano mugore rino
kwataona vanhu vachiparadzwa nehondo nekurwisana, tisingatauri zvekundengendeka
kwepasi nedzimwe njodzi. Ndiko here kuguma kwapasi?
Patinonzwa nezvekuwirwa nedambudziko kwevamwe vanhu
tinobatwa nekutya nekukahadzika kukuru. Sekupfuurwa kwakaitwa vanhu kuParis,
hapana anoziva kuti mangwana zvichaitika kupi. Maitikiro ari kuita nhamo idzi
haana maziviro – zvinogona kungoitika pauri kana pandiri mangwana. Ukazvitarisisa
unoona kuti hupenyu hwedu huri pachena. Hapana kungwara, kuzvidzivirira,
kunzvenga, kana kugadzirira kwaungaite pfumvu yakadai. Zvinhu zvatinoona mazuva
ese sezvisingakuvadzi, zvinogona kukuvadza. Ndege inogona kungoputika mudenga,
chitima chinopotsa njanji, vanhu vari kuzvionera havo bhora munhandare vanogona
kungoerekana mabara epfuti ave kunaya, vanhu vari kuzvidyira havo mumba mavo, vanhu vari kuzvifambira, vana vari kudzidza
zvavo muchikoro, vanogona kungokanuka vave munjodzi. Hapana paungamboti apa
pakanaka, hapana njodzi, panoponesa, ndipo pekuhwanda.
Hanzi naKristo: “Regai muonde ukudzidzisei muenzaniso. Kana
maona muonde watunga pfumvudza, moziva kuti zhizha roswedera.” Kunyangwe
tisingasivi kuti kuguma kwepasi kuchaitika rini, kuti zuva remhedziso ririko
rini, hazvititadzisi kugara tichigadzirira kutongwa kuchazouya. Ko
tinogadzirira sei kutongwa kuchazouya mushure mekufa? Ko tingagadzirire sei
kuuya kweMwanakomana waMwari ari mumakore achipenya, aine simba guru,
pamwechete nevatumwa vake vana Mikaeri?
Pakati pezvisikwa zvose zvaMwari, vanhu ndisu chete tine
chipo chekuziva kuti tichafa. Ndosaka tichitya kufa, nekuti tinoziva kuti
tichafa. Dzimwe mhuka dzose dzakasikwa naMwari hapana imwechete inofunga
nezvekuti ichafa. Mhuka dzinotarisana nerufu parunenge rwatosvika, asi munhu
anogara akaziva kuti kufa kuchauya rufu ruchiri kure kure naye. Kuziva kuti
ndinofa ndiko kunotungamirira munhu mune zvose zvaanoita muhupenyu huno. ChiKristo
chechokwadi hachivanziri munhu nyaya yekuti achafa. “Yeuka munhu uri huruva,
uchadzokerazve kuhuruva.” “Mwari ndinoziva ndinofa, asi handizivi sei, kupi,
rini…” “Tireverereiwo isu vatadzi, zvino nepanguva yekufa kwedu.” “Pakufa
kwangu huyai muzondinyaradza nevaraidzo yenyu inokodzera kuisvodiwa kwazvo.”
“Ndinotya kurangwa kunozouya mushure nekufa, mundisunungure…”
Kuziva kuti tinofa ndiko kunotipa kutsvaga Mwari
nekuvavarira hupenyu husingaperi. ChiKristo chinotidzidzisa kuti tingararame
sei hupenyu huno isu tichiziva kuti tinofa. Kurarama kwatinoita kunoitawo kuti
kufa kwatichaita kuve nezvakunoreva. Tikararama hupenyu zvisina gwara, tinofawo
zvisina gwara. Tikararama tiri munaKristo, tinofa tiri munaKristo. Tikafa pamwe
chete naye murubhapatidzo, tine chokwadi chekuti tichamuka pamwechete naye
mukumuka kwake muvafi. “Rudo rwaKristo rwakatiita vamwe naKristo.” “Chiiko
chingatiparadzanise nerudo rwaKristo?...Muizvi zvose tiri vakundi, nokuna iye
akatida…hapana chinhu chinogona kuparadza rudo rwedu naKristo.
Kana takabatana naKristo rufu harutityisi. Rungave rufu
rwekunge tarwara, kana rufu rwekuurayiwa nehondo kana nenjodzi. Kubatana
naKristo uku kunobva mukuzvipira kuva pamwe chete naKristo kwatinoita zuva rega
rega. Izvi zvinogoneka nekuzvipira kurarama zuva rega rega sekunge ndiro zuva
rako rekupedzisira muhupenyu huno. Zvibvunze kuti kana ndikafa nhasi, hupenyu
hwangu hwakamira sei? Ndingawanikwe here ndakakodzerana naMwari kana ndikafa
nhasi uno? Mwari anganditonge sei kana akandidaidza nhasi?
Ndakambobatsira mumwe musikana akanga kafirwa nehanzvadzi
yake. Musikana aichema chaizvo asinganyararidziki nekuti zuva rakafa
hanzvadzi yake iyi vakanga vatukana pafoni, akarovera foni pasi nehasha
nekuramwa. Paakanzwa kuti hanzvadzi yake yafa, akademba kuti haana kunge ataura
naye mashoko akanaka ekupedzisira. Ko aiziva here kuti kutaura pafoni uku ndiko
kwekupedzisira nehanzvadzi yake? Ukanyatsofunga kuti mashoko awabva kutaurira mumwe wako,
pangadai pari pafoni kana pameso pake, anogona kuva ndiwo ekupedzisira, ungade
kuti mashoko aya ave api? Itsika yakanaka usati warara, kuongorora zuva
rawaswera uchitarisisa zvose zvawaita nezvawataura. Wozvibvunza kuti Tenzi
akati ndipe kuno hoyo mweya wako husiku huno, anouwana wakadii? Kurangarira uku
kunotibatsira kukurumidza kupfidza kana tichinge takanganisa. Tikapfidza nemoyo
wose tikakumbira kuregererwa, Mwari haatirasi. “Mambo hamudi kuti mutadzi afe,
munoda kuti atendeuke ararame.”
Tikafunga nezvekufa kwedu nenzira iyi tinogona kushandura
magariro edu nevamwe. Kana tikaziva kuti zuva ranhasi rinogona kuva zuva rangu
rekupedzisira, tinogona kuvavarira kunatsurudza maitiro edu kuti agova
akarurama. Kuchechi yedu yekuNazareth House kwaive nechinyorwa chandinoda
panopfekera mupristi zvekuti mupristi aichiona pose paanopfeka kuti aite misa.
Chaive nemashoko anoti: “Mupriste waMwari iwe, vavarira kupira muteuro wemisa
uyu wawatarisana nawo, sekunge ndiyo misa yako yekupedzisira.” Mashoko aya
akandivhundutsa chaizvo ndichangogazwa. Ndakanyora mashoko aya muhana mangu,
zvekuti pakazobviswa chinyorwa ichi, kana pandinoenda kusina chiyeuchidzo ichi,
hana yangu inondidzidzisa pamberi pemisa yega yega nemashoko iwaya.
Kurarama tichitora zuva rega rega kunge ndiro zuva redu
rekupedzisira kunotibatsira kuti zuva remhedziso rikauya chero nguva ipi
rinotiwana takagadzirira. Kristo anotipa muenzaniso wemuonde unotiratidza kuuya
kwezhizha nekutunga kwawo mashizha matsva.
Anoenderera mberi achiti: “Naizvozvo nemiwo, kana moona izvi
zvichiitika, chibvai maziva kuti iye woswedera, atova pamusuo.” Matambudziko
atiri kuona mazuva ose, ngaatiyeuchidze nguva dzose, kuti kuuya kwaMwambo kuri
padyo nguva dzose. Zviri kwatiri kuti Mambo anotiwana tiri vanhu vakaita sei.
Zviri mumaoko medu kugara zuva rega rega tichigadzirira nekumirira kuuya
kwaMambo. “Akaropafadzwa muranda waMambo, anomumirira kusvika adzoka.”
Zuva remhedziso, izuva rinotyisa kufunga nezvaro. Asika zuva
iri izuva raMambo. Mambo uyu ndiye Kristo mupriste wedu mukuru. Ndiye achava
mutongi wedu. Akatifira kuti tiponeswe, tinunurwe munhamo, uye kuti tisakandwe
mukushorwa nemukunyadziswa. Tsamba yekuVaHebheru inotiudza kuti: “Kristo
akangopira chibayirwa chimwe chete chinobvisa matadzo…nomupiro wechakamwe
akawanira avo vaanoita vake ururami huzere nokusingaperi.” Patinopira mupiro
wemisa pose, tinenge tichizvipinza mumupiro waKristo uyu. Tikapira mupiro uyu
nemazvo, nemoyo wedu wose, zuva rega rega, kunge zvinonzi ndiyo misa yedu
yekupedzisira, zuva remhedziso hatingarityi. “Ngativimbei nechipiyaniso
chaMambo, ndirwo ruponeso rupenyu nekumuka kwedu.” Amen.
__________________________
© Fr William Guri, C.Ss.R., Annapolis MD, 15/11/2015.
No comments:
Post a Comment