SHONA HOMILIES

Zuva roKukwidzwa kwaMariya Musande Kudenga

Svondo rinotevera 15 August

ZVIDZIDZO: Zvakazarurirwa 11:19a; 12:1-6a, 10ab; VaKorinde 15:20-26;
Ruka 1:39-56

Nhasi tinopemberera zuva rekukwidzwa kudenga kwaMariya Musande. Tinorevei kana tichiti Mariya akakwidzwa kudenga? Ko chiitiko ichi tinochiwana papi pachakanyorwa mubhaibheri? Kana zvisina kunyorwa mubhaibheri, sei tichipemberera kukwidzwa kwaMariya Musande kudenga? Ko zvineyi nehupenyu hwedu munaKristo, uye neruponeso rwemweya yedu?

Kana tichiti Mariya Musande akakwidzwa kudenga tinoreva kuti mushure mekufa kwavo Amai Vasande vaMwari vakapinda muhumambo hwaMwari chiriporipo, pasina kuvigwa nekuorera muvhu zvinoita vanhu vose. Tinoreva kuti panopera hupenyu hwavo hwapasi pano, Amai vaMwari vakabva vatanga kurarama hupenyu husingaperi. Tinoreva kuti Mwari akapa nhaka yakatsidzirwa avo vakafa vakabatana naKristo kuna Amai vake chakamwe. Tinoreva kuti kumuka muvafi kwaMariya Musande hakuna kunonoka.

Mubhaibheri hapana patinoona pakanyorwa nezvekukwidzwa kudenga kwaMariya Musande. Zvatinoziva nezvechiitiko ichi zvinobva munhoroondo yakagamuchidzanwa nevatenderi kubvira panguva yevapositori vaMambo vekutanga. Kirike rinotidzidzisa, kubva pamagamuchidzanwa aya, pamwechete nekuverenga shoko raMwari zvakatendeka kwarinoita. Zvekuti Mariya Musande akakwidzwa kudenga zvaitenderwa nekudzidziswa kwezviuru zvemakore kusvikira muna 1950 apo Papa Pius XII vakadzika pasi dzidziso inodudza pachena chishamiso ichi. Dzidziso iyi yakapihwa nekuti chitendero chekuti Mariya Musande akakwidzwa kudenga chine zvachinoreva zvakakomba muhupenyu hwevaKristo. Tinotendera kuti Papa, semutevedzeri waPetrosi Musande semumiriri waKristo, kana akagara pachigaro chake ari musoro unoonekwa pano pasi waKristo, anogona kutidzidzisa zvinhu zvinotibatsira pachitendero, magarire echiKristo, nezvinobatsira kuponeswa kwedu pamweya. Vanotendera kuti mubhishopi weRoma, Papa, ane simba iri, vanogamuchira dzidziso yekukwidzwa kudenga kwaMariya Musande vasingapokani.

Kunyangwe kukwidzwa kudenga kwaMariya Musande kusina kunyorwa mubhaibheri, iro bhaibheri rinotipa umboo hwakawanda kwazvo pamusoro pechishamiso ichi. Ichi chishamiso, kana kuti chimisiteriyo, nekuti chinhu chatinogamuchira nechitendero kwete neruzivo rwoga. Ruzivo rwedu sevanhu venyama rune parunogumira, parusingagoni kutibatsira kunzwisisa zviri maererano neudzamu hweupenyu hwedu, zvikuru hupenyu hwedu naMwari. Rubhapatidzo rwedu chairwo, semuenzaniso, chishamiso chatinogamuchira muchitendero. Njere dzedu dzinokundikana kubata zvizere zvinoreva kuti tinozvarwa patsva nemvura naMweya Musande, tinoitwa vana vaMwari uye vana vemhuri imwechete vanozorarama kwehupenyu husingaperi. Pasina chipo chechitendero chishamiso ichi igangaidzo kupfungwa dzemunhu. Kune vasina chitendero rubapatidzo ishoko risina musoro. Nikodhimu, achishandisa pfungwa dzemunhu dzisina kuvhenekerwa nechitendero akakahadzika kuti murume mukuru angavambezve kupinda mumimba maamai vake here kuti agozvarwe patsva.

Bhuku reZvakazarurirwa Yowane rakanyorerwa vatenderi vakanga vachishushwa panguva iyoyo. Munyori webhuku iri akashandisa chidavado chekududza chokwadi chaaida kupakurira vaverengi vake nenzira yekuchivanza. Akashandisa madimikira nenhoroondo yekuratidzwa zvinhu kuhope. Nyakushusha Kirike raMwari nairo Kiriko racho, zvinopihwa mazita ekunemera, kuti zvisabude pachena kuri arikutaurwa nezvake ndiyani. Munyori wegwaro iri akazviitira kuti kana tsamba yake iyi ikabatikidzwa nemunhu asiri iye anofanira kuva nayo asakwanise kuziva chokwadi chaicho. Nekuti tsamba iyi dai yakawira mumaoko memuvengi zvaizokonzera kunyanya kushushwa kweKirike. Nenzira yekuda kurayira nekushingisa vatenderi munhamo yavo yekushushwa munyori akashandisa hutsome kuti asakonzerese. Ndiko kuti kurasisa vavengi.

Saka maverengero edu ebhuku reZvakazarururwa anofanira kusiyana nemaverengero atingaite nyaya iri mupepanhau iri kutaura zvakaitika nezuro. Tinoverenga Zvakazarurirwa tichitevedzera zvatinodzidziswa neKirirke, zvina maererano nenhoroondo yemagamuchidzanwa echitendero chedu.

Mariya Musande Amai vaKristo ndiyewo amai veVaKristo, amai veKirike. SeVaKristo tinoti Mariya Amai vedu, Kirike amai vedu zvakare. Mudzimai wemunaZvakazarurwa anorwisana nezigaranyanya tinomuona saMariya Musande, mufananidzo weKirike. Garanyanya rinoda kudya mwana waMariya, mwana weKirike. Garanyanya tinoroina saSatani mufuriri wevanhu, anoda kuparadza zvose zvinomirirwa neKirike. Garanyanya ndiye mushushi wevaKristo, rinokaroparadza Kirike, muviri waKristo. Garanyanya rinoonekwa sechinhu chine simba guru, nemisoro mizhinji nezviremba zvemasimba.

Mwana mucheche anozvarwa nemudzimai uyu, anoratidzika sekanhu kasina simba rose pamberi pezigaranyanya. Ndizvo zvinoitawo Kirike kana rakatarisana nemasimba epasi pano zvikurukuru masimba erima – Kirike rinenge kacheche kasingagoni kuzvibatsira. Kana mutenderi mumwe nemumwe, paanotarisana nezvinomushusha pachitendero, nezvinomukwevera kurutadzo, nezvinomutadzisa kurarama muhururami, anoitawo sekacheche kanokaromedzwa nezigaranyanya.

Bhuku reZvakazarurirwa rinotiratidza kumisidzana kunoita mudzimai, ari pakati pekupona mwana, asina kana simba zvaro rekurwisa kana kutiza, asina kana pekuhwanda, negaranyanya rine simba risingatauriki. Mudzimai uyu anenge asina chitarisiro chekupukunyuka. Munyori anoda kuti tinone kuva pachena kwekacheche kachangozvarwa, kasati kaziva chiro, kasingagoni kuzvibatsira, kachikarozvarirwa mumukanwa megaranyanya risina hunya kana tsitsi. Mwana uyu haana mukana wekuzoonawo zuva. Munyori ari kutsanangura pfumvu yaiona vatenderi pavaishushirwa chitendero chavo. Tichimuverenga nhasi munyori uyu anotidudzirawo pfumvu yedu nhasi uno takatarisana nezvipingidzo nezvigozhero zvechitendero chedu. Munyori akashandisa hunyanzvi kuratidza kuti hepenyu hwemuKristo hwakaoma sei.

Asi munyori weZvakazarurirwa anotidzidzisa kuti mwana anoda kuponwa uyu “ndiye akamisirwa kuti azofudza marudzi nemudonzvo woutare.” Kunyangwe dai asina hake simba rinooneka pamberi pegaranyanya iri, mwana uyu haasi mwana nhando. Ndosaka paanongozvarwa, garanyanya risati ramusvikira, “anobva abvutwa okwidzwa kunaMwari kuchigaro chake choumambo.” Angave mumwe mwana upi anonzarwo kunze kwemwana waiye Mwari? Amai vake vangave vamwe amai vapi kunze kwaAmai Vasande VaMwari? Mwana paanonzvengeswa kusvadwa nezigaranyanya, naamai vakewo vanoponeswa. Vanotorwawo voendeswa kunzvimbo yavo yavakanga vafanogadzirirwa. Kana tichiti Mariya Musande akakwidzwa kudenga tiri kuti Mwari kana achiponesa Mwanakomana wake haasiyi amai vacho. Nekutika hupenyu hwaamai nemwana wavo mukombe nechirongo, ibhande nebhurukwa. “Uku ndiko kukunda kwaMwari wedu, iri isimba rake, uhwu ndihwo humambo hwake nokutonga kwaKristo wake.”


Mutsamba yekutanga kuVakorinde tinonzwa Pauro Musande achidzidzisa nezvekumuka muvafi. Tichiverenga ndima iyi takavimbika kunhaka yeChikatorike, tinoonazve rutsigiro rwechitendero chedu chekuti Mariya Musande akakwidzwa kudenga. Vanyakutanga kudzidzisa chitendero vakati Kristo ndiye Adamu mutsva. Vadzidzisi ava vaishandisa chidavado chefananidzo pakati pekusikwa kwedu nekununurwa kwedu. Takasikwa muna Adamu, tikanunurwa munaKristo. Eva ndiye amai vedu vakare, Mariya ndiye amai vedu vatsva. Muti waiva pakati pemunda ndiwo wakatinyengedza, asi muti wechipiyaniso ndiwo wakatiponesa. Nyoka yakaunza rufu kuvanhu, asi Kristo akakunda rufu  rwevanhu vose. Vaidzidzisa vachidaro, vachifananidza kusikwa kwedu nekuzvarwa patsva kwedu, kutadzira Mwari kwedu nekununurwa kwedu.

Pauro Musande anotidzidzisa kuti sezvo takapinzwa murufu naAdamu, tichazomutswawo muvafi pamwe naKristo. Kumutswa kwedu pamwe naKristo kunobva mukugamuchira kwedu Kristo. Munhu wese anotendera kuti Kristo ndiye mwanakomana waMwari ane chokwadi chekumutswa muvafi. Kirike rinotidzidzisa kuti Mariya Musande ndiye munhu akatanga kutendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari. Paakaudzwa naAngere kuti mwana wauchazvara achanzi Mwanakomana waMwari, Mariya haana kupokana nazvo. Hakuna mumwe munhuzve akanga ati anzwa shoko iri, uye hakunawo mumwe munhu akanga ati aritendera. Mariya haana mumwe munhu watingamuenzanisane naye pakutendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari. Vamwe vanhu vanozototanga kutendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari Kristo wacho atova murume mukuru. Asi Mariya akatendera chokwadi ichi pamberi pekunge Kristo uyu ava chinhu mumimba make. Mariya anozoti kuna Angere, “izvi ngazviitike kwandiri,” nekuti anenge atotendera kare munaKristo. Kirike rinocherechedza chitendero chaMariya ichi, nekudzidzisa kuti iye akatendera kudai akapihwa nhaka yeavo vanotendera zvizere. Saka Kirike rinopa Mariya Musande nzvimbo yekumutswa muvafi nekukwidzwa kudenga pamusana pechitendero chake ichi.

Zvatinotendera kuti Mwari akaitira Mariya Musande, tinotenderawo kuti Mwari achaita zvimwechete izvozvo kwatiri, nekuti tiri vana vaMariya Musande. Kukwidzwa kwaMariya Musande chiyeuchidzo kwatiri chazvinoita Mwari kune avo vanotendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari. Tinovimba kuti Mwari achatimutsawo muvafi uye achatipa miviri mitsva. Kunyangwe dai pasi pano miviri yedu ikatambudzika, ikarwadziwa, ikasakadzwa nekunyangadzwa, Mwari achatishandura nekutidzosera runako neururami paachatimutsa muvafi sezvaakaita Mariya Musande. Kana atimutsa mufavi achatikwidzawo kudenga kuti tive kwaari sekuda kunoita Kristo kuti tive paari.

Mifananidzo yatinoshandisa muKirike inotiratidza Mariya Musande ari mudzimai wemhandara, ane runako rwakakwana runoyevedza, ane hutano huzere uye anoratidzika kugarika pamweya nepanyama. Dai mifananidzo iyi yaiva yepanguva yekufa kwake pamwe tingadai tichiona mudzimai akwegura, asisina runako. Asi mifananidzo yatinoshandisa muKirike ine chinangwa chekutidzidzisa kuti mukumuka kwedu muvafi Mwari achadzosera kwatiri ururami nerunako zvatakarasa murutadzo nemurufu. Pose patinoona mufananidzo waMariya Musande, tiri kusanganidzana nechishamiso chekumuka muvafi nehupenyu husingaperi. Chishamiso ichi chipo chakapihwa Amai vedu Mariya, uye chipo chatinopihwawo muchitendero.

Chitendero chaMariya Musande chinopupurwa muDama Rakanaka naErizabheti: “Mugoni zvenyu imi makatendera, nokuti zvakataurwa naMambo kwamuri zvichazoitika.” Zvimwe zvakataura naMambo ndezvipi? Tichipemberera zuva ranhasi ndinobva ndafunga zvinonzi naMambo wedu Yesu Kristo: “Kumba kwaBaba vangu kune nzvimbo zhinji dzekugara. Ndiri kuendako kundokugadzirirai. Kana ndakugadzirirai ndichadzoka ndokutorai kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.” Nhasi tiri kupemberera kuzadzikisa kwaMambo kuna amai vake kwezvaakataura izvi. Kupemberera kwedu uku kunotipawo chivimbo chekuti kana nesuwo tikatendera zvakataurwa naMambo zvinozoitika kwatiri.

Saka zuva ranhasi Kirike rinoimba pamwe chete naMariya Musande rwiyo rwake rwekurumbidza Mwari. Kirike rinodisawo kuti vana varo vose vatore rwiyo urwu kurwuita rwavo. Tikadzokera zvakare pamufananidzo wemudzimai ave kuda kupona akamirirwa negaranyanya riri kuda kuti ribve radya mwana achangoponwa, tinoona kuti sei Kirike richipembedza kukwidzwa kudenga kwaMariya Musande. Kirike rinoona zvinoimbwa naMariya Musande kuti akaitirwa naMwari zviri zvimwechetezvo zvatinoshuwira kuti dai Mwari atiitira. Hanzi naMariya Musande: “Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru…anonzwira tsitsi kune vanomutya...anoita zvina masimba neruoko rwake, anoparadza vanozvikudza...anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo…anosimudzira vanhu nhando…vane nzara anovagutisa…akabatsira Israere muranda wake…akayeukawo tsitsi dzake kunaAbrahama...”


Kirike rinoona rwiyo urwu ruri ndirwo rumwechete ruri pamuromo wemudzimai apona mwana wake, mwana akabvutwa kuti asadyiwe negaranyanya, iye akatorwawo akaendeswa kunzvimbo yake yaakagadzirirwa. Kirike rinoona rwiyo urwu serwiyo rwekukundwa kunoita Satani, nevanyengedzi, nevanoshusha nekuda kuparadza vana vaMwari. Kirike rinoona Mariya Musande semudzimai uyu, uye nzvimbo yake senzvimbo iri panaMwari kudenga. Kutidzidzisa kunoita Kirike kuti Mariya akakwidzwa kudenga kunotobatsira kunzwisisa hurongwa hwaMwari nehupenyu hwedu munguva ino nemushure mekufa kwedu. Chitendero chedu chinotipa chitarisiro chekuti Mwari achatitusawo zvaakaita Mariya Musande. Chitarisiro ichi chinotizadza nerufaro runotisakisa kuti tiite rwiyo rwaMariya Musande rwiyo rweduwo tichiimba tichiti: “Ini ndinokurumbidzai Mambo nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu; nekuti akatarisa nerupfave murandanhando wake!”




Monday, August 3, 2015

INI NDINI CHINGWA CHEHUPENYU

(YOWANE 6:24-34)
Sondo rakapera takaona Jesu achiita mumana nezvingwa zvishanu nehove mbiri. Chiitiko ichi chakati kufadza zvese nekugutsa vakachiona nevakadya. Jesu akafarirwa kunge kan'anga karapa Mambo. Vanhu vakada kumubata nechisimba kuti vamuite Mambo, akatozoita zvekuvatiza!
Svondo rino tinoona vanhu vaye vachiteera Jesu. Vari kudei kwaari? Vari kutsvageyi? Chii chavanoshaya muhupenyu hwavo? Inzara yei? Inyota rudzii inovasakisa vatevere Jesu?
Jesu anoziva kuti vanhu ava vane nzara uye vanye nyota. Jesu anoziva kuti vanhu ava havazivi kuti nzara nenyota yavo ndeyeyi. Jesu anodisa kuvadzidzisa kuti vazive kuti nzara nenyota muhupenyu hwavo ndeyeyi. Vasingazivi ngavadzidziswe!
Kana vachinge vaziva nzara yavo nenyota yavo vanobva vasununguka. Kusaziva chinovatambudza ndiko kunovatadzisa kuwana rugare mumoyo mavo. Kusaziva ndiko kunovaita varanda verutadzo naSatani.
Vanhu vanofunga kuti chingwa ndicho chingapedza nzara yavo. Asi kwete. Jesu anovatsiudza achiti: "Hamusikunditsvagira kuti makaona zviratidzo, asi kuti makadya zvingwa zviya mukaguta!"
Kunyangwe Jesu akashandisa chishamiso chezvingwa kuti aratidze mbiri yaMwari uye akwevere vanhu kwaari, anodisa kuti avatsvitse pane chokwadi chizere. Minana kana zvishamiso mudziyo unonongedza kuna Mwari. Munana hausi ndiwo Mwari.
Munhu anoramba akabatirira chishamiso kana munana akafanana nebenzi rinonzi hona mwedzi roramba rakaringisa munwe wemunongedzi. Chishamiso ichi chiri kutiratidzei?
Chishamiso chezvingwa chinotidzidzisa nezvenzara iri matiri isingapedzwi nesadza kana nechingwa. Ungawane, sadza, nyama, doro, mari, imba, Mhuri, musha, basa, mudzimai, murume, vana, hutano hwakanaka kana chii zvacho chinonzi kugarika, asi pane nzara inoramba irimo mumoyo nemunhu. Iripo nzara inogaro shungurudza kunge kanyama karambira pazino.
Munhu angagutswe neiko? Pasi pano pose hapana chinhu chinogutsa moyo wemunhu. Hakuna munhu anofa achiti ndaguta, ndakawana zvose muhupenyu. Munhu wese anofa achisiya ndima isina kupedziswa - munhu wese anofa aine nzara nenyota. Kana Tuku chaiye paachafa achasiyawo zvisina kusakurwa nezvigere kuzunzwa!
Mudama rakanaka nhasi Jesu anoti: "Musabatire basa kuti muwane chekudya chinopera, asi batirai basa kuti muwane chokudya chisingaperi, chinova ndicho hupenyu husingaperi." Anoenderera mberi achiti: "Mwanakomana woMunhu achakupai chokudya ichi..." Asi chokudya chaanopa ichi hachisi chingwa chemazuva ese kana zvimwe zvibatsiro zveupenyu. Jesu anoda kutikwevera mberi kuti tibve mune zvinhu zvapasi pano zvinopera nekupfukutwa. Anoda kuti tione nekutsvaga zvekumusoro. Anoda kuti tibve panyama tive pamweya.
"Ini ndini chingwa cheupenyu." Ichi ndicho chingwa chine nzara isingapedzwi nechingwa chapasi pano. Iye Kristo mbune ndiye chingwa ichi, ndiye omene anogona kupedza nzara nenyota yemoyo wemumhu: "Anenge achiuya kwandiri haachazoziya; anenge achinditendera haachazonzwa nyota."
Saka Kristo anotidaidza kuti tiuye kwaari, timutendere; ndiko kuti nzara yedu nenyota yedu zvipere nekusingaperi. Kristo ndiye anopedza kutambudzika nekushaya kwedu. Anoti: "Huyai kwandiri imi mose mune nhamo, mune mitoro inorema; ndinozokupai zororo."
Augustine Musande akatidzidzisa kuti moyo yedu haina zororo kudzamara iti yazorora muna iye Mwari pachake. Iye Mwari ndiye nyakutisika tiine nzara nenyota yake. Ndiye zve mumwe chete oga anogona kupedza nzara iyi, nekupodza nyota iyi.
Saka ngatimutsvagei timutendere, timupe nzvimbo yake mumoyo medu kuti atigutse, apedze nyota yedu.
MuYukatistia Sande Kristo anozvipa kwatiri kuti apedze nzara nenyota yedu: "Mambo ndimi chitubu chezvikomborero zvose, hakuna mumwezve kunze kwenyu. Mvura yechitubu inoti tonho ichipedza nyota, asi nyota yemuviri chete. Nyota yemweya wangu, Mambo, inopedzwa nemi chete. Vesai Mambo vesai, moto wechido mumoyo mangu!"
Kunodaro kupupura kwangu!

No comments: