Zuva roKukwidzwa kwaMariya Musande Kudenga
Svondo
rinotevera 15 August
ZVIDZIDZO:
Zvakazarurirwa 11:19a; 12:1-6a, 10ab; VaKorinde 15:20-26;
Ruka
1:39-56
Nhasi tinopemberera zuva rekukwidzwa kudenga kwaMariya Musande.
Tinorevei kana tichiti Mariya akakwidzwa kudenga? Ko chiitiko ichi tinochiwana
papi pachakanyorwa mubhaibheri? Kana zvisina kunyorwa mubhaibheri, sei
tichipemberera kukwidzwa kwaMariya Musande kudenga? Ko zvineyi nehupenyu hwedu
munaKristo, uye neruponeso rwemweya yedu?
Kana tichiti Mariya Musande akakwidzwa kudenga tinoreva kuti mushure
mekufa kwavo Amai Vasande vaMwari vakapinda muhumambo hwaMwari chiriporipo,
pasina kuvigwa nekuorera muvhu zvinoita vanhu vose. Tinoreva kuti panopera
hupenyu hwavo hwapasi pano, Amai vaMwari vakabva vatanga kurarama hupenyu
husingaperi. Tinoreva kuti Mwari akapa nhaka yakatsidzirwa avo vakafa
vakabatana naKristo kuna Amai vake chakamwe. Tinoreva kuti kumuka muvafi
kwaMariya Musande hakuna kunonoka.
Mubhaibheri hapana patinoona pakanyorwa nezvekukwidzwa kudenga
kwaMariya Musande. Zvatinoziva nezvechiitiko ichi zvinobva munhoroondo
yakagamuchidzanwa nevatenderi kubvira panguva yevapositori vaMambo vekutanga.
Kirike rinotidzidzisa, kubva pamagamuchidzanwa aya, pamwechete nekuverenga
shoko raMwari zvakatendeka kwarinoita. Zvekuti Mariya Musande akakwidzwa
kudenga zvaitenderwa nekudzidziswa kwezviuru zvemakore kusvikira muna 1950 apo
Papa Pius XII vakadzika pasi dzidziso inodudza pachena chishamiso ichi.
Dzidziso iyi yakapihwa nekuti chitendero chekuti Mariya Musande akakwidzwa
kudenga chine zvachinoreva zvakakomba muhupenyu hwevaKristo. Tinotendera kuti
Papa, semutevedzeri waPetrosi Musande semumiriri waKristo, kana akagara
pachigaro chake ari musoro unoonekwa pano pasi waKristo, anogona kutidzidzisa
zvinhu zvinotibatsira pachitendero, magarire echiKristo, nezvinobatsira
kuponeswa kwedu pamweya. Vanotendera kuti mubhishopi weRoma, Papa, ane simba
iri, vanogamuchira dzidziso yekukwidzwa kudenga kwaMariya Musande
vasingapokani.
Kunyangwe kukwidzwa kudenga kwaMariya Musande kusina kunyorwa
mubhaibheri, iro bhaibheri rinotipa umboo hwakawanda kwazvo pamusoro
pechishamiso ichi. Ichi chishamiso, kana kuti chimisiteriyo, nekuti chinhu
chatinogamuchira nechitendero kwete neruzivo rwoga. Ruzivo rwedu sevanhu
venyama rune parunogumira, parusingagoni kutibatsira kunzwisisa zviri maererano
neudzamu hweupenyu hwedu, zvikuru hupenyu hwedu naMwari. Rubhapatidzo rwedu
chairwo, semuenzaniso, chishamiso chatinogamuchira muchitendero. Njere dzedu
dzinokundikana kubata zvizere zvinoreva kuti tinozvarwa patsva nemvura naMweya
Musande, tinoitwa vana vaMwari uye vana vemhuri imwechete vanozorarama kwehupenyu
husingaperi. Pasina chipo chechitendero chishamiso ichi igangaidzo kupfungwa
dzemunhu. Kune vasina chitendero rubapatidzo ishoko risina musoro. Nikodhimu,
achishandisa pfungwa dzemunhu dzisina kuvhenekerwa nechitendero akakahadzika
kuti murume mukuru angavambezve kupinda mumimba maamai vake here kuti agozvarwe
patsva.
Bhuku reZvakazarurirwa Yowane rakanyorerwa vatenderi vakanga vachishushwa
panguva iyoyo. Munyori webhuku iri akashandisa chidavado chekududza chokwadi
chaaida kupakurira vaverengi vake nenzira yekuchivanza. Akashandisa madimikira
nenhoroondo yekuratidzwa zvinhu kuhope. Nyakushusha Kirike raMwari nairo Kiriko
racho, zvinopihwa mazita ekunemera, kuti zvisabude pachena kuri arikutaurwa nezvake
ndiyani. Munyori wegwaro iri akazviitira kuti kana tsamba yake iyi
ikabatikidzwa nemunhu asiri iye anofanira kuva nayo asakwanise kuziva chokwadi
chaicho. Nekuti tsamba iyi dai yakawira mumaoko memuvengi zvaizokonzera
kunyanya kushushwa kweKirike. Nenzira yekuda kurayira nekushingisa vatenderi
munhamo yavo yekushushwa munyori akashandisa hutsome kuti asakonzerese. Ndiko
kuti kurasisa vavengi.
Saka maverengero edu ebhuku reZvakazarururwa anofanira kusiyana
nemaverengero atingaite nyaya iri mupepanhau iri kutaura zvakaitika nezuro.
Tinoverenga Zvakazarurirwa tichitevedzera zvatinodzidziswa neKirirke, zvina
maererano nenhoroondo yemagamuchidzanwa echitendero chedu.
Mariya Musande Amai vaKristo ndiyewo amai veVaKristo, amai veKirike.
SeVaKristo tinoti Mariya Amai vedu, Kirike amai vedu zvakare. Mudzimai
wemunaZvakazarurwa anorwisana nezigaranyanya tinomuona saMariya Musande,
mufananidzo weKirike. Garanyanya rinoda kudya mwana waMariya, mwana weKirike.
Garanyanya tinoroina saSatani mufuriri wevanhu, anoda kuparadza zvose
zvinomirirwa neKirike. Garanyanya ndiye mushushi wevaKristo, rinokaroparadza
Kirike, muviri waKristo. Garanyanya rinoonekwa sechinhu chine simba guru,
nemisoro mizhinji nezviremba zvemasimba.
Mwana mucheche anozvarwa nemudzimai uyu, anoratidzika sekanhu kasina
simba rose pamberi pezigaranyanya. Ndizvo zvinoitawo Kirike kana rakatarisana
nemasimba epasi pano zvikurukuru masimba erima – Kirike rinenge kacheche
kasingagoni kuzvibatsira. Kana mutenderi mumwe nemumwe, paanotarisana
nezvinomushusha pachitendero, nezvinomukwevera kurutadzo, nezvinomutadzisa
kurarama muhururami, anoitawo sekacheche kanokaromedzwa nezigaranyanya.
Bhuku reZvakazarurirwa rinotiratidza kumisidzana kunoita mudzimai,
ari pakati pekupona mwana, asina kana simba zvaro rekurwisa kana kutiza, asina
kana pekuhwanda, negaranyanya rine simba risingatauriki. Mudzimai uyu anenge
asina chitarisiro chekupukunyuka. Munyori anoda kuti tinone kuva pachena
kwekacheche kachangozvarwa, kasati kaziva chiro, kasingagoni kuzvibatsira,
kachikarozvarirwa mumukanwa megaranyanya risina hunya kana tsitsi. Mwana uyu
haana mukana wekuzoonawo zuva. Munyori ari kutsanangura pfumvu yaiona vatenderi
pavaishushirwa chitendero chavo. Tichimuverenga nhasi munyori uyu
anotidudzirawo pfumvu yedu nhasi uno takatarisana nezvipingidzo nezvigozhero
zvechitendero chedu. Munyori akashandisa hunyanzvi kuratidza kuti hepenyu
hwemuKristo hwakaoma sei.
Asi munyori weZvakazarurirwa anotidzidzisa kuti mwana anoda kuponwa
uyu “ndiye akamisirwa kuti azofudza marudzi nemudonzvo woutare.” Kunyangwe dai
asina hake simba rinooneka pamberi pegaranyanya iri, mwana uyu haasi mwana
nhando. Ndosaka paanongozvarwa, garanyanya risati ramusvikira, “anobva abvutwa
okwidzwa kunaMwari kuchigaro chake choumambo.” Angave mumwe mwana upi anonzarwo
kunze kwemwana waiye Mwari? Amai vake vangave vamwe amai vapi kunze kwaAmai
Vasande VaMwari? Mwana paanonzvengeswa kusvadwa nezigaranyanya, naamai vakewo
vanoponeswa. Vanotorwawo voendeswa kunzvimbo yavo yavakanga vafanogadzirirwa.
Kana tichiti Mariya Musande akakwidzwa kudenga tiri kuti Mwari kana achiponesa
Mwanakomana wake haasiyi amai vacho. Nekutika hupenyu hwaamai nemwana wavo
mukombe nechirongo, ibhande nebhurukwa. “Uku ndiko kukunda kwaMwari wedu, iri
isimba rake, uhwu ndihwo humambo hwake nokutonga kwaKristo wake.”
Mutsamba yekutanga kuVakorinde tinonzwa Pauro Musande achidzidzisa
nezvekumuka muvafi. Tichiverenga ndima iyi takavimbika kunhaka yeChikatorike,
tinoonazve rutsigiro rwechitendero chedu chekuti Mariya Musande akakwidzwa
kudenga. Vanyakutanga kudzidzisa chitendero vakati Kristo ndiye Adamu mutsva.
Vadzidzisi ava vaishandisa chidavado chefananidzo pakati pekusikwa kwedu
nekununurwa kwedu. Takasikwa muna Adamu, tikanunurwa munaKristo. Eva ndiye amai
vedu vakare, Mariya ndiye amai vedu vatsva. Muti waiva pakati pemunda ndiwo
wakatinyengedza, asi muti wechipiyaniso ndiwo wakatiponesa. Nyoka yakaunza rufu
kuvanhu, asi Kristo akakunda rufu
rwevanhu vose. Vaidzidzisa vachidaro, vachifananidza kusikwa kwedu
nekuzvarwa patsva kwedu, kutadzira Mwari kwedu nekununurwa kwedu.
Pauro Musande anotidzidzisa kuti sezvo takapinzwa murufu naAdamu,
tichazomutswawo muvafi pamwe naKristo. Kumutswa kwedu pamwe naKristo kunobva mukugamuchira
kwedu Kristo. Munhu wese anotendera kuti Kristo ndiye mwanakomana waMwari ane
chokwadi chekumutswa muvafi. Kirike rinotidzidzisa kuti Mariya Musande ndiye
munhu akatanga kutendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari. Paakaudzwa
naAngere kuti mwana wauchazvara achanzi Mwanakomana waMwari, Mariya haana
kupokana nazvo. Hakuna mumwe munhuzve akanga ati anzwa shoko iri, uye hakunawo
mumwe munhu akanga ati aritendera. Mariya haana mumwe munhu watingamuenzanisane
naye pakutendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari. Vamwe vanhu vanozototanga
kutendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari Kristo wacho atova murume
mukuru. Asi Mariya akatendera chokwadi ichi pamberi pekunge Kristo uyu ava
chinhu mumimba make. Mariya anozoti kuna Angere, “izvi ngazviitike kwandiri,”
nekuti anenge atotendera kare munaKristo. Kirike rinocherechedza chitendero
chaMariya ichi, nekudzidzisa kuti iye akatendera kudai akapihwa nhaka yeavo
vanotendera zvizere. Saka Kirike rinopa Mariya Musande nzvimbo yekumutswa
muvafi nekukwidzwa kudenga pamusana pechitendero chake ichi.
Zvatinotendera kuti Mwari akaitira Mariya Musande, tinotenderawo
kuti Mwari achaita zvimwechete izvozvo kwatiri, nekuti tiri vana vaMariya
Musande. Kukwidzwa kwaMariya Musande chiyeuchidzo kwatiri chazvinoita Mwari
kune avo vanotendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari. Tinovimba kuti
Mwari achatimutsawo muvafi uye achatipa miviri mitsva. Kunyangwe dai pasi pano
miviri yedu ikatambudzika, ikarwadziwa, ikasakadzwa nekunyangadzwa, Mwari
achatishandura nekutidzosera runako neururami paachatimutsa muvafi sezvaakaita
Mariya Musande. Kana atimutsa mufavi achatikwidzawo kudenga kuti tive kwaari
sekuda kunoita Kristo kuti tive paari.
Mifananidzo yatinoshandisa muKirike inotiratidza Mariya Musande ari
mudzimai wemhandara, ane runako rwakakwana runoyevedza, ane hutano huzere uye
anoratidzika kugarika pamweya nepanyama. Dai mifananidzo iyi yaiva yepanguva
yekufa kwake pamwe tingadai tichiona mudzimai akwegura, asisina runako. Asi
mifananidzo yatinoshandisa muKirike ine chinangwa chekutidzidzisa kuti mukumuka
kwedu muvafi Mwari achadzosera kwatiri ururami nerunako zvatakarasa murutadzo
nemurufu. Pose patinoona mufananidzo waMariya Musande, tiri kusanganidzana
nechishamiso chekumuka muvafi nehupenyu husingaperi. Chishamiso ichi chipo
chakapihwa Amai vedu Mariya, uye chipo chatinopihwawo muchitendero.
Chitendero chaMariya Musande chinopupurwa muDama Rakanaka
naErizabheti: “Mugoni zvenyu imi makatendera, nokuti zvakataurwa naMambo
kwamuri zvichazoitika.” Zvimwe zvakataura naMambo ndezvipi? Tichipemberera zuva
ranhasi ndinobva ndafunga zvinonzi naMambo wedu Yesu Kristo: “Kumba kwaBaba
vangu kune nzvimbo zhinji dzekugara. Ndiri kuendako kundokugadzirirai. Kana
ndakugadzirirai ndichadzoka ndokutorai kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.”
Nhasi tiri kupemberera kuzadzikisa kwaMambo kuna amai vake kwezvaakataura izvi.
Kupemberera kwedu uku kunotipawo chivimbo chekuti kana nesuwo tikatendera
zvakataurwa naMambo zvinozoitika kwatiri.
Saka zuva ranhasi Kirike rinoimba pamwe chete naMariya Musande rwiyo
rwake rwekurumbidza Mwari. Kirike rinodisawo kuti vana varo vose vatore rwiyo
urwu kurwuita rwavo. Tikadzokera zvakare pamufananidzo wemudzimai ave kuda
kupona akamirirwa negaranyanya riri kuda kuti ribve radya mwana achangoponwa, tinoona
kuti sei Kirike richipembedza kukwidzwa kudenga kwaMariya Musande. Kirike
rinoona zvinoimbwa naMariya Musande kuti akaitirwa naMwari zviri zvimwechetezvo
zvatinoshuwira kuti dai Mwari atiitira. Hanzi naMariya Musande: “Samasimba
akandiitira zvinhu zvikuru…anonzwira tsitsi kune vanomutya...anoita zvina
masimba neruoko rwake, anoparadza vanozvikudza...anobvisa vanyamasimba
pazvigaro zvavo…anosimudzira vanhu nhando…vane nzara anovagutisa…akabatsira
Israere muranda wake…akayeukawo tsitsi dzake kunaAbrahama...”
Kirike rinoona rwiyo urwu ruri ndirwo rumwechete ruri pamuromo
wemudzimai apona mwana wake, mwana akabvutwa kuti asadyiwe negaranyanya, iye
akatorwawo akaendeswa kunzvimbo yake yaakagadzirirwa. Kirike rinoona rwiyo urwu
serwiyo rwekukundwa kunoita Satani, nevanyengedzi, nevanoshusha nekuda
kuparadza vana vaMwari. Kirike rinoona Mariya Musande semudzimai uyu, uye
nzvimbo yake senzvimbo iri panaMwari kudenga. Kutidzidzisa kunoita Kirike kuti
Mariya akakwidzwa kudenga kunotobatsira kunzwisisa hurongwa hwaMwari nehupenyu
hwedu munguva ino nemushure mekufa kwedu. Chitendero chedu chinotipa
chitarisiro chekuti Mwari achatitusawo zvaakaita Mariya Musande. Chitarisiro
ichi chinotizadza nerufaro runotisakisa kuti tiite rwiyo rwaMariya Musande
rwiyo rweduwo tichiimba tichiti: “Ini ndinokurumbidzai Mambo nemwoyo wangu
wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu; nekuti akatarisa
nerupfave murandanhando wake!”
No comments:
Post a Comment