Kubhapatidzwa kwaYesu 2016
Isaya 42: 1-4, 6-7; Mabasa 10:34-38; Ruka 3:15-16, 21-22
Yesu paanozvipira kuti abhapatidzwe, Yowane anoda
kumudzivisa: “Ini ndini ndinofanira kubhapatidzwa nemi, imi mungagouya kwandiri
seiko?” (Mateo 3:13-14) Nekuti Yowane aiziva kuti rubhapatidzo rwake rwemvura
rwaive rwekuti vanhu vasukwe matadzo, vatendeuke. Saka aiona Yesu asingakodzere
rubhapatidzo urwi nekuti akanga asina mhaka yerutadzo.
Yowane aiziva kuti rubhapatidzo rwake rwaive rwekugadzirira
vanhu kuti vazogamuchire rubhapatidzo rwaYesu: “Ini ndakakubhapatidzai nemvura,
asi iye achakubhapatidzai naMweya Mutsvene.” (Mako 1:8). Yowane naiye
aimirirawo rubhapatidzo urwu, saka zvakamushamisa kuti Yesu angauye
kunobhapatidzwa naye.
Yesu akaziva kushushikana kwaiita Yowane. Kana dai Yesu
akati kuna Yowane: “Nhai hama yangu, ndisunungurirewozve ruhanda rweshangu
yangu,” aiziva kuti Yowane haaibvuma.
Yowane aizviona asingakodzeri kusunungura ruhanda rweshangu yaYesu (Mako
1:7), aizokwanisa sei kubhapatidza Yesu?
Yesu anoshingisa Yowane kuti amubhapatidze: “Iwe rega
zvichiitwa zvino; takakodzera kuti tizadzise ururami hwose.” (Mateo 3:15).
Yowane ndokubva azobvuma. Yesu akabhapatidza kuti azadzise ururami hwose. Izvi
zvinorevei?
Yesu akanga asina chikonzero chekuti abhapatidzwe, iye
pachake, sesu tine chikonzero chekuti tibhapatidzwe kuti tisukwe matadzo.
Tinobhapatidzwa kuti tive vana vaMwari asi Yesu akangogara ari mwana waMwari.
Yesu akabhapatidzwa pamusana pedu.
Zvinhu zvose zvinoitwa naYesu anozviita pamusana pedu.
Chikonzero chimwechete chinosakisa Yesu kuti aite zvose zvaakaita ndechekuti
atiponese, atiite vana vaMwari, tive vake narini. Pamusana pekuti Mwari akada
nyika zvakadai, akapa Mwanakomana wake mumwe chete oga, kuti ani naani
anomutendera ave nehupenyu husingaperi. (Johane 3:16)
Yesu akazvarirwesu, akazvipira hupenyu hwake hwose kuti
atiponese, kudzamara atifira pachipiyaniso. Saka rubhapatidzo rwake akabhapatidzirwesu.
Ndiko kuzadzikisa ururami hwose kwaanotaurira Yowane. Yesu haana kutsauka
mukuzadzisa ururami; haana kutsauka pakuita kuda kwaBaba vake, akateerera
kusvika mukufa.
Mushure mekunge abhapatidzwa tinoona Yesu achinamata.
Anonamata kunaBaba vake. Anonamata achiudza Baba vake kuti ndabhapatidzwa,
dzazadzisa rururami hwose, ndiri kuita kuda kwenyu sekundituma kwamakaita.
Kunamata kwaYesu mushure nerubhapatidzo uku kunoita kuti
denga ribve razaruka, Mweya Mutsvene ndokuburukura paari. Panguva imwechete iyi
Hutatu Husande hwaMwari hwose hunobva hwaratidzwa kwatiri – Mwari Mwanakomana
anonamata kunaMwari Baba avo vanoburutsira Mwari Mweya Mutsvene paari. Parubhapatidzo
rwaYesu tinoratidzwa zvizere chimisteriyo chikuru cheHutatu Husande hwaMwari
mumwechete.
Mwari Baba vanoratidza kufadzwa nekuzadzisa ururami hwose
kwaYesu nezwi rakabva kudenga richiti: “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu, mudiwa
wandinofarira.” (Ruka 3:22). Ndizvowo zvakanga zvakafanotaurwa mumagwaro
naIsaya kuti: “Mambo anoti: Uyu ndiye muranda wangu wandinotsigira, ndiye
wandakasarudza, ndinomufarira. Ndakamupa mweya wangu kuti asvitse hururami
kuvanhu vemarudzi ose.” (Isaya 42:1ff)
Rubhapatidzo runoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vana
vaMwari. Petrosi Musande anopurura achiti: Zvino ndiri kuona zvechokwadi zviro
kwazvo, Mwari haana rusarudzo pakati pevanhu, asi anogamuchira munhu ari upi
worudzi rupi norupi zvarwo anenge achimutya nokuitawo zvakarurama.” (Mabasa 10:
34ff)
Yesu pachake akasiya arayira vadzidzi vake achiti: “Endai
pasi pose mundoparidzire zvisikwa zvose mashoko akanaka. Munhu anenge atenda
akabhapatidzwa, asi uyo asingatendi achatonga…” (Mako 16:15). Akati zvakare:
“Endai mundodzidzise vanhu vemarudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba,
neMwanakomana naMweya Mutsvene.” (Mateo 28:19).
Mushure mekunge aparidza zvine mutsindo vanhu vakati
kunaPetrosi Musande nevamwe vadzidzi: “Vehama, ko isu tingaitei?” Petrosi akati
kwavari: “Tendeukai, mumwe nemumwe wenyu mubhapatidzwe muzita raYesu Kristo
kuti matadzo enyu aregererwe; uye kuti mugamuchire chipo chaMweya Mutsvene.”
(Mabasa 2: 37-39).
Saka nhasi tiri kupemberera zuva rekubhapatidzwa kwaYesu.
Yesu akabhapatidzwa pamusana pedu, kuti isu tizobhapatidzwewo, tigovewo vana vaMwari.
Murubhapatidzo rwedu tinogamuchira chipo chaMweya Mutsvene.
Pane munamato weMisa unoti: “Mwari Baba tinokutendai nekuti
makatisika nenzira inoshamisa kwazvo. Kushamisa kwekutisika kwamakatiita
kunopfuurwa chete nekunyanyoshamisa kwekutizvara patsva kwamunotiita
munaKristo.” Ngatitendei Mwari anotida zvakanyanya, akatiita vana vake
nerubhapatidzo.
__________________________________________________
©Fr. William Guri,
C.Ss.R., Annapolis MD, 10 January 2016.
No comments:
Post a Comment