Sunday, December 20, 2015

Mugoni zvenyu imi makatendera!

Svondo 4 Advent C 2005
Mika 5:1-4a; VaHeberu 10:5-10; Ruka 1:39-45

Mugoni zvenyu imi makatendera!

Maria paanoshanyira hama yake Elizabeth panoitika chishamiso chikuru chaMwari. Mwana akanga anzi achazozvarwa naMaria aizonzi Emmanuel, kureva kuti Mwari anesu. Elizabeth paanokwaziswa naMaria anobva aziva kuti zvechokwadi Mwari anesu. Kusangana kwehama mbiri idzi uku kunovawo kuvapo kwaMwari. Mwari anesu pose patinosangana muzita rake. Mwari anesu pose patinochingamidzana, patinogamuchirana, patinoshanyirana, patinokwazisana nemumwe munhu sehama yedu yepedyo.

Elizabeth akanga aine hama zhinji kwazvo dzakaita saMaria, asi Maria chete pakati pevanhu vose vehukama, ndiye akaita kuti Elizabeth azive kuti Mwari anesu. PachiManyika tine chirevo chinoti: “Ngewepo ungodaro,” chinowanzoshandiswa nemunhu ari kufarira kushanyirwa kwaaitwa nehama yake.  Maria akagona kuita izvi nekuti akasimuka pamusha pake akaenda kunaElizabeth. Kana tikasimuka pamusha, tikaenda kune mumwe, tikashanyira vamwe, tinokwanisa kuvagonesa kuziva kuti Mwari anesu. Maria haana kuramba ari pamusha pake, akazvipira kushanyira mumwe wake. SaMaria, tiri midziyo yaMwari yaanoshanyira nayo vanhu vake nekuvaratidza kuti Mwari anesu.

Maria aifanira kuti afambe rwendo rurefu nemumakomo kuti asvike kunaElizabeth. Maria naElizabeth vakanga vakasiyana nemakore akawanda chaizvo pakuberekwa. Maria aifanira kuti akunde kusiyana kwavo mumakore uku kuti awadzane naElizabeth. Maria akakunda zvipingidzo izvi zverwendo rurefu, nekusiyana kwavo pamakore, akavavarira kuti asvike chete pane hama yake Elizabeth, nekuti hukama hwavo hwakanga hwakakosha. Vakuri vedu vaiti: “Kure kwegava ndokusina mutsubvu.” “Kusina amai hakuendwi.” “Kune wako hakuna kure.” Mwari anoshandisa hukama hwakagara huripo uhu pakati paMaria naElizabeth kuratidza ivo vaviri, nesu tose, kuti Mwari anoshanyira vanhu vake. Chivanhu chakanaka, netsika dzakanaka, ndihwo hwaro hwakanaka hweDama Rananaka.

Mweya Mutsvene  uyo anozoburutsirwa pane vapositori paPentecoste mushure mekunge Kristo akwira kudenga, tinotanga kunzwa nezvake panoudzwa Maria naAngere kuti achava nepamuviri paYesu. Tinonzwa nezvaMwaya Mutsvene kechipiri panokwazisana Maria naElizabeth. Elizabeth paanonzwa kwaziso yaMaria anonzwawo kusagadzikana kukuru mumuviri wake wose. Kana nemwanawo ari mumimba make anopfakanyika. Semunhu akanga aine chitendero, uye akanga akamirira kuzadzikiswa kwezvakatsidzirwa naMwari, Elizabeth haana kunonoka kuziva kuti kusagadzikana kwake nemwana wake uku rudaviro rwavo kuna Mwari akanga avashanyira. Haana dzimwe pfungwa dzakaipa dzakapinda maari. Pachivanhu zvinonzi ukasangana nemunhu ane ropa rakaipa anogona kukukuvadzira mwana ari mudumbu. Elizabeth paakanzwa kusagadzikana mukati make uku akabva azadzwa naMweya Mutsvene waMwari.

Mweya Mutsvene anonzi naPauro anonamata ari matiri achiguva zvisingagoni kududzirwa nemazwi, ndiye anogonesa Elizabeth kupupura kukomborerwa kwaMaria achiti: “Imi makakomborerwa pakati pevakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu.” Mashoko aya anobva mukuzadzwa kwake naMweya Mutsvene. Mashoko akataurwa nemunhu anga akasvikirwa, kana kuti anga akagarwa naMweya Mutsvene. Dai Mweya Mutsvene anga asina kumuzadza, hameno kuti Elizabeth angadai akati kudii kuna Mariya mushure mekunge avhiringidzwa panyama nekwaziso yake kudaro. Pamwe angadai akati: “Nhaiwe Maria, ukati kwakanaka? Nhasi ndinopona ini? Nekutika zvandangozwa izwi rako handichatonzwi zvakanaka. Kana mwana ari mandiri haachina kugandzikana. Asi unondishura nhai Maria?”

Pamusana paMweya Mutsvene waakapihwa, Elizabeth akaona kuvhunduka kwakaita muviri wake paakaona Maria sechikomborero chikuru chisina ani akamboona. Anotobatikana nekutya nekuziva kusakodzera kwake. Semunhu aiva nechitendero chevanhu vaMwari, vaimirira kuuya kwemununuri mune zvinhu zvose, akazadzwa nerufaro rukuru pakuziva kuti zviya zvaigarorehwa zvazoitika, uye zvaitika kwaari. Saka achiti: “Zvandibvira nepikowo, kuti ndishanyirwe kudai naamai vaMambo wangu?” Maria haana kunge awana mukana wekutsanangurira hama yake zvekushanyirwa kwake naangere Gabriel nezvekunzi achava nepamuviri. Asi, pamusana paMweya Mutsvene akanga agara maari, tinoona Elizabeth ave kutoziva kuti Maria uyu, iko kahama kake kamwana kadiki aka, ndivo Amai vaMambo. Chitendero chakadai chinogoneswa bedzi naMweya Mutsvene. Kana pasina Mweya Mutsene waMwari zvakaoma kugamuchira nekutenda kuti Maria ndiye Amai vaMambo. Kana pasina Mweya Mutsvene zvinonetsa kukudza nekuremekedza Amai vaMambo sezvavakakodzera.

Elizabeth chaanoona chinomushamisa, uye chaanoyemura nekukoshesa munaMaria chitendero chaMaria: “Mugoni zvenyu imi makatendera, nokuti zvakataurwa naMambo kwamuri zvichazoitika.” Anomuti “mugoni” nekuti havasi vose vanotendera. Kunyangwe dai Mwari ainesu nguva dzose, achitishanyira munhamo nematambudziko, achivapo nesu pane vaviri kana vatatu, hatisi tose tinotendera nguva dzose. Tinokundikana kutendera zvatakatsidzirwa naMwari. Tinorasa chitendero nechitarisiro. Tinokonona nekushaya hanya. Tinoneta nekurukutika. Tinorasa moyo nekushaya simba. Tinganziwo vagoni zvedu tikatsungirira, tikashingirira, kuramba tichitendera, tichitarisira, tichiita chido. Elizabeth akaona kushinga kwechitendero uku munaMaria saka akamuti ‘mugoni,’ uye ‘makakomborerwa.’

Vadzimai vaviri ava, Maria naElizabeth, ndivo vanhu vanotanga kuzadzwa naMweya Mutsvene muChitenderano Chitsva. Mweya Mutsvene anoshanda mavari chinyararire achigadzirira humambo hwaMwari. Yesu naYowane mubhapatidzi ndivo zvibereko zvaMweya Mutsvene nechitendero chemadzimai maviri aya.  Hukama hwavo hunotiratidza zvishamiso zvikuru zvaMwari. Muhukama hwavo, Izwi akava munhu akagara nesu. Muhukama hwavo tinoona kuti Mwari anesu. Muhukama hwavo tinoona kushanda kwaMweya Mutsvene. Muhukama hwavo tinoona rufaro runounzwa neDama rakanaka unova mucherechedzo wekuti humambo hwaMwari hwasvika pakati pedu.

Tichigadzirira kupemberera kuzvarwa kwaKristo paChristmas, tinotarisa Maria naElizabeth, tichiyemura kushanyirana kwavo kwakanga kwakazara negirasya raMwari. Dai kushanyirana kwedu, nekukwazisana kwedu, panguva ino yeChristmas, kukatigonesawo kuziva kuti Mwari anesu, nekutizadza naMweya Mutsvene. Dai kurumbidza nekurememkedza kwatinoita Maria Musande, Amai waMambo, kwabva munaMweya Mutsvene watakapihwa. Dai kutendera kwedu kuti Mwari achatiitira zvose zvaakatitsidzira, kwatiitawo vagoni, uye vanhu vakakomborerwa.


Amen.  

No comments: