SVONDO 2
ROMUADHIVENDI C 2015
BHARUKI 5:1-9;
VAFIRIPI 1:4-6, 8-11; RUKA 3:1-6
Nguva yaTenzi
Bhaibheri
rinoshandisa izwi rekuti “nguva” kureva zvinhu zviviri. Chekutanga, nguva
inoreva kupindana kwamazuva – zuva rinobuda rigodoka, mazuva achiva vhiki, mavhiki
achiita mwedzi, mwedzi ichiva gore, makore achifamba, nguva ichienderera mberi.
Uku ndiko kupindana kwemazuva. Ndiyo nguva yatinoona mubhaibheri ichiratidza
kureba kwehupenyu hwemunhu, nguva yakatonga mambo, nguva yenzara kana
matambudziko. Zvinhu zvese zvinoitika mukati menguva. Nesuwo tinorarama mukati
nenguva.
Chechipiri,
bhaibheri rinotaura nezvenguva yaTenzi – “zuva raTenzi rava padyo” – nguva
yakafanira. Tinonzwa zvichinzi “kuzoti nguva yasvika…” Nguva iyi yakanangana
nekuzadzikiswa kunoitwa naMwari zvaakatsidzira vanhu vake kuti achavaitira.
Vanhu vaMwari vairarama vaine chitarisiro chekuti Mwari Tenzi wavo
achazviratidza kwavari, achavashanyira, achavaitira zvaakavatsidzira, achavaburitsa
munhamo, achavaponesa, achavanunura. Izvi vaigara vakazvimirira kuti zviitike.
Nguva yaTenzi ndiyo nguva inozadzikiswa zviya zvakanzi naTenzi ndichaitira
vanhu vangu. Nguva yaTenzi ndiri dingindira guru rekuparidza kwevaprofita
vakare.
Mudama rakanaka
ranhasi tinoona Yowane mubhapatidzi achitaura nezvenguva yaTenzi. Sevaprofita
vose pamberi pake Yowane anochenjedza vanhu kuti vazvigadzirire kuuya kwenguva
yaTenzi. Anodisa kuti kana nguva iyi yasvika kwavari, vanhu vasarasikirwe
nemukana uyu. Nekuti nguva yaTenzi inguva yemukana wekuponeswa, inguva
yenyasha, inguva yegirasiya. Avo vanogara vakarindira Tenzi, vanomumirira nguva
dzose, vanowanikwa nenguva yaTenzi vakagadzirira vagowana makomborero enguva
iyi. Avo vanorasa chitendero, vasina chitarisiro, vasingamiriri Tenzi,
vanopfuurwa nenguva yaTenzi nemakomborero enguva yakaisvonaka iyi.
Kristo akambotaurira
vaJudha achiti, muri chizvarwa chevanhu vakaipa, munoda kuti ndikupeyi
mucherechedzo (wekuti nguva yaTenzi yasvika). Hapana mumwe mucherechedzo
wandichapukai kunze kwemucherechedzo waJona. Vanhu veNiniveh vachakupomerai
mhosva nekuti vakatendeutswa naJona, asi honai imi pamberi penyu pamire zvinhu
zvikuru kudarika Jona. Mambokadzi wekuSheba achakupomeraiwo mhosva nekuti iye
akabva kumiganhu yapasi kuzoona Solomon, asi honai imi pamberi penyu pamire
zvinodarika Solomon (Mateu 12:38-42). Zvose zvakanga zvanzi naMwari
zvichaitika, kuburikidza nemiromo yavaprofita vakare zvakazadzikiswa
munaKristo, asi vanhu vechizwara ichi vakatadza kumuziva, vakatadza kuona kuti
nguva yaTenzi yakanga yasvika. Yowane muVhangeri anopupura achiti: “Akauya kune
vekwake, asi vanhu vake havasakamuziva” (Yowane 1:11).
Saka nhasi
Yowani mubhapatidzi ari kuti: “Gadzirirai mugwagwa waMambo, ruramisai makwara
ake…munhu wose achaona ruponeso runobva kunaMwari.” Aiparidza rubhapatidzo
rwekuti vanhu vapinduke mwoyo, varegererwe matadzo avo. Ndiko kuzvigadzirira
kunodikanwa kuitira kuti nguva yaTenzi isvike vanhu vakagadzirira,
vakazviruramisa, vari munyasha dzaMwari. Vamwe vaprofita vose vaiparidza
vachiti nguva yaTenzi ichazouya, asi
Yowane mubhapatidzi ndiye muprofita mumwe chete anga aine chokwadi chekuti
nguva iyi yazosvika. Ndiyeka
nyakukwakuka mumimba paakanzwa ari kutsi kwemeso kuti Amai vomununuri
vashanyira amai vake Elizabeth. Amai waYowane pavanoti kuna Maria “Mugoni hako
iwe wakatendera kuti zvose zvakatsidzirwa naMwari zvichazoitika,” akabva
abatisisa mashoko aya. Ndiko kusaka paanozoona Yesu ari kupfuura
nepaaibhapatidzira, Yowane akagona kupupura zvisina angapokane kuti: “Honai
hwayana yaMwari nyakubvisa matadzo apasi.” Hupenyu hwake hwose Yowane
mubhapatidzi akanga akanangana nekupupura kuuya kwenguva yaTenzi uku.
Gore reKirike
rinokamura nguva pakati pemazuva makuru nenguva yemazuva ose. Mazuva makuru
eKirike inguva dzakakosha dzinotikoka kuti tipinde muguva yaTenzi. Iko zvino tiri
munguva yakakosha yeAdhivendi. Inguva yekugadzirira kuzvarwa kweMuponesi.
Inguvawo zvakare yekugadzirira kudzoka kwaKristo pakupedzisira. Saka mashoko
aYowane mubhapatidzi akananga nesu kuti tigadzirire mugwagwa waMambo,
tiruramise makwara ake, tifushire makomba, tiparadzire zvikomo, titwasanudze
zvakamonyoroka, tikwenenzvere zvina magon’a magon’a. Ndiko kuti nguva yaTenzi
itiwane takagadzirira, tigogamuchira makomborero enguva yakakosha iyi.
Kuenda
kurupinduko, kugashira masakaramende, kuverenga bhaibheri wega uye pamwechete
nemhuri, kunamata rusariro nemimwe minamato yenguva ino, kushandira rugare
neruenzaniso, kunamatira rugare pasi paose, kubatsira vanotambudzika,
kugoverana nevasina, kushanyira vanosuruwara, kunamatira varwere nevasunga, kuzvinyima,
kuzvidzora mapangiro emuviri, kuita tsitsi nenyasha kune vamwe, ndidzoka nzira
dzeMuKristo dzekuzviruramisa nadzo kuitira kuti nguva yaTenzi itiwane
takamumirira.
Musi wechipiri,
December 8, tiri kutanga Year of Mercy, Gore reNyasha neTsitsi dzaMwari. Pope
Francis vakatanga kudaidzira gore iri tichiri muLent yegore rino. Zvino nguva
iya yasvika, yatiri kukokwa kuti titendeukire kunaMwari, tizviwisire munyasha
netsitsi dzake, tivewo vane nyasha netsitsi saiye Mwari anotiira tsitsi
nyenyasha nguva dzose. Yazosvika nguva iya. Vamwe vedu tichamirira kuona
chishamiso kana chiratidzo, asi hakuna mumwe mucherechedzo watichapihwa
unotiudza kuti nguva yaTenzi yasvika, kudze kwaJona, nevamwe vaporofita
vakafanotaura.
Tiri mukati
menguva yaTenzi yeAdhivendi, tichitanga nguva yaTenzi yeYear of Mercy, Pauro
musande anotisimbisa muchitendero chedu. Anoti,
“Chandiine chokwadi nacho ndechekuti: iye nyakutanga basa iri rakanaka
mukati menyu acharamba achiriita kusvikira zuva raKristo Yesu, kuti
achiripedzisa.” Hatifaniri kutya kuuya kwenguva yaTenzi nekuti mhodzi yacho
yakatodyarwa kare matiri nerubhapatidzo rwedu. Rudo raMwari rwakadururirwa
rwose mumoyo medu naMweya Musande watakapiwa parubhapatidzo. Mwari akatotanga
kare matiri basa iri rakanaka, retsitsi nenyasha dzake, reruponeso rwedu,
rekununurwa kwedu. Chedu kugamuchira nekushandisa chete zvikomborero izvi.
Papa Francis
zvaarikutikokera gore retsitsi nenyasha dzaMwari, ari kutisimbisisa,
sekukomekedzwa kwatinoitwa naPauro musande: “Ndinokukumbirirai kuti rudo rwenyu
rurambe ruchikura-kura ruchizara neruzivo nenzwisiso dzose, zvinova ndizvo
zvingakupei kugara muchiziva kuti ndezvipi zvinofanira kuitwa, zvokuti nezuva
raKristo muwanikwe muri vatsvene, musinawo nechamungapomerwe, muzere
nezvibereko zvoururami zvatinoberekeswa naYesu Kristo, kuti Mwari ave
nomukurumbira nokurumbidzwa.”
Dai iye Mwari
akatanga basa iri rakanka matiri, arisvitsa kumugumo waro wakanaka, kusvikira
zuva raYesu Kristo.
Amen.
No comments:
Post a Comment