Sunday, December 6, 2015

Nguva yaTenzi!

SVONDO 2 ROMUADHIVENDI C 2015

BHARUKI 5:1-9; VAFIRIPI 1:4-6, 8-11; RUKA 3:1-6

Nguva yaTenzi

Bhaibheri rinoshandisa izwi rekuti “nguva” kureva zvinhu zviviri. Chekutanga, nguva inoreva kupindana kwamazuva – zuva rinobuda rigodoka, mazuva achiva vhiki, mavhiki achiita mwedzi, mwedzi ichiva gore, makore achifamba, nguva ichienderera mberi. Uku ndiko kupindana kwemazuva. Ndiyo nguva yatinoona mubhaibheri ichiratidza kureba kwehupenyu hwemunhu, nguva yakatonga mambo, nguva yenzara kana matambudziko. Zvinhu zvese zvinoitika mukati menguva. Nesuwo tinorarama mukati nenguva.

Chechipiri, bhaibheri rinotaura nezvenguva yaTenzi – “zuva raTenzi rava padyo” – nguva yakafanira. Tinonzwa zvichinzi “kuzoti nguva yasvika…” Nguva iyi yakanangana nekuzadzikiswa kunoitwa naMwari zvaakatsidzira vanhu vake kuti achavaitira. Vanhu vaMwari vairarama vaine chitarisiro chekuti Mwari Tenzi wavo achazviratidza kwavari, achavashanyira, achavaitira zvaakavatsidzira, achavaburitsa munhamo, achavaponesa, achavanunura. Izvi vaigara vakazvimirira kuti zviitike. Nguva yaTenzi ndiyo nguva inozadzikiswa zviya zvakanzi naTenzi ndichaitira vanhu vangu. Nguva yaTenzi ndiri dingindira guru rekuparidza kwevaprofita vakare.

Mudama rakanaka ranhasi tinoona Yowane mubhapatidzi achitaura nezvenguva yaTenzi. Sevaprofita vose pamberi pake Yowane anochenjedza vanhu kuti vazvigadzirire kuuya kwenguva yaTenzi. Anodisa kuti kana nguva iyi yasvika kwavari, vanhu vasarasikirwe nemukana uyu. Nekuti nguva yaTenzi inguva yemukana wekuponeswa, inguva yenyasha, inguva yegirasiya. Avo vanogara vakarindira Tenzi, vanomumirira nguva dzose, vanowanikwa nenguva yaTenzi vakagadzirira vagowana makomborero enguva iyi. Avo vanorasa chitendero, vasina chitarisiro, vasingamiriri Tenzi, vanopfuurwa nenguva yaTenzi nemakomborero enguva yakaisvonaka iyi.

Kristo akambotaurira vaJudha achiti, muri chizvarwa chevanhu vakaipa, munoda kuti ndikupeyi mucherechedzo (wekuti nguva yaTenzi yasvika). Hapana mumwe mucherechedzo wandichapukai kunze kwemucherechedzo waJona. Vanhu veNiniveh vachakupomerai mhosva nekuti vakatendeutswa naJona, asi honai imi pamberi penyu pamire zvinhu zvikuru kudarika Jona. Mambokadzi wekuSheba achakupomeraiwo mhosva nekuti iye akabva kumiganhu yapasi kuzoona Solomon, asi honai imi pamberi penyu pamire zvinodarika Solomon (Mateu 12:38-42). Zvose zvakanga zvanzi naMwari zvichaitika, kuburikidza nemiromo yavaprofita vakare zvakazadzikiswa munaKristo, asi vanhu vechizwara ichi vakatadza kumuziva, vakatadza kuona kuti nguva yaTenzi yakanga yasvika. Yowane muVhangeri anopupura achiti: “Akauya kune vekwake, asi vanhu vake havasakamuziva” (Yowane 1:11).

Saka nhasi Yowani mubhapatidzi ari kuti: “Gadzirirai mugwagwa waMambo, ruramisai makwara ake…munhu wose achaona ruponeso runobva kunaMwari.” Aiparidza rubhapatidzo rwekuti vanhu vapinduke mwoyo, varegererwe matadzo avo. Ndiko kuzvigadzirira kunodikanwa kuitira kuti nguva yaTenzi isvike vanhu vakagadzirira, vakazviruramisa, vari munyasha dzaMwari. Vamwe vaprofita vose vaiparidza vachiti nguva yaTenzi ichazouya, asi Yowane mubhapatidzi ndiye muprofita mumwe chete anga aine chokwadi chekuti nguva iyi yazosvika. Ndiyeka nyakukwakuka mumimba paakanzwa ari kutsi kwemeso kuti Amai vomununuri vashanyira amai vake Elizabeth. Amai waYowane pavanoti kuna Maria “Mugoni hako iwe wakatendera kuti zvose zvakatsidzirwa naMwari zvichazoitika,” akabva abatisisa mashoko aya. Ndiko kusaka paanozoona Yesu ari kupfuura nepaaibhapatidzira, Yowane akagona kupupura zvisina angapokane kuti: “Honai hwayana yaMwari nyakubvisa matadzo apasi.” Hupenyu hwake hwose Yowane mubhapatidzi akanga akanangana nekupupura kuuya kwenguva yaTenzi uku.

Gore reKirike rinokamura nguva pakati pemazuva makuru nenguva yemazuva ose. Mazuva makuru eKirike inguva dzakakosha dzinotikoka kuti tipinde muguva yaTenzi. Iko zvino tiri munguva yakakosha yeAdhivendi. Inguva yekugadzirira kuzvarwa kweMuponesi. Inguvawo zvakare yekugadzirira kudzoka kwaKristo pakupedzisira. Saka mashoko aYowane mubhapatidzi akananga nesu kuti tigadzirire mugwagwa waMambo, tiruramise makwara ake, tifushire makomba, tiparadzire zvikomo, titwasanudze zvakamonyoroka, tikwenenzvere zvina magon’a magon’a. Ndiko kuti nguva yaTenzi itiwane takagadzirira, tigogamuchira makomborero enguva yakakosha iyi.

Kuenda kurupinduko, kugashira masakaramende, kuverenga bhaibheri wega uye pamwechete nemhuri, kunamata rusariro nemimwe minamato yenguva ino, kushandira rugare neruenzaniso, kunamatira rugare pasi paose, kubatsira vanotambudzika, kugoverana nevasina, kushanyira vanosuruwara, kunamatira varwere nevasunga, kuzvinyima, kuzvidzora mapangiro emuviri, kuita tsitsi nenyasha kune vamwe, ndidzoka nzira dzeMuKristo dzekuzviruramisa nadzo kuitira kuti nguva yaTenzi itiwane takamumirira.

Musi wechipiri, December 8, tiri kutanga Year of Mercy, Gore reNyasha neTsitsi dzaMwari. Pope Francis vakatanga kudaidzira gore iri tichiri muLent yegore rino. Zvino nguva iya yasvika, yatiri kukokwa kuti titendeukire kunaMwari, tizviwisire munyasha netsitsi dzake, tivewo vane nyasha netsitsi saiye Mwari anotiira tsitsi nyenyasha nguva dzose. Yazosvika nguva iya. Vamwe vedu tichamirira kuona chishamiso kana chiratidzo, asi hakuna mumwe mucherechedzo watichapihwa unotiudza kuti nguva yaTenzi yasvika, kudze kwaJona, nevamwe vaporofita vakafanotaura.

Tiri mukati menguva yaTenzi yeAdhivendi, tichitanga nguva yaTenzi yeYear of Mercy, Pauro musande anotisimbisa muchitendero chedu. Anoti,  “Chandiine chokwadi nacho ndechekuti: iye nyakutanga basa iri rakanaka mukati menyu acharamba achiriita kusvikira zuva raKristo Yesu, kuti achiripedzisa.” Hatifaniri kutya kuuya kwenguva yaTenzi nekuti mhodzi yacho yakatodyarwa kare matiri nerubhapatidzo rwedu. Rudo raMwari rwakadururirwa rwose mumoyo medu naMweya Musande watakapiwa parubhapatidzo. Mwari akatotanga kare matiri basa iri rakanaka, retsitsi nenyasha dzake, reruponeso rwedu, rekununurwa kwedu. Chedu kugamuchira nekushandisa chete zvikomborero izvi.

Papa Francis zvaarikutikokera gore retsitsi nenyasha dzaMwari, ari kutisimbisisa, sekukomekedzwa kwatinoitwa naPauro musande: “Ndinokukumbirirai kuti rudo rwenyu rurambe ruchikura-kura ruchizara neruzivo nenzwisiso dzose, zvinova ndizvo zvingakupei kugara muchiziva kuti ndezvipi zvinofanira kuitwa, zvokuti nezuva raKristo muwanikwe muri vatsvene, musinawo nechamungapomerwe, muzere nezvibereko zvoururami zvatinoberekeswa naYesu Kristo, kuti Mwari ave nomukurumbira nokurumbidzwa.”

Dai iye Mwari akatanga basa iri rakanka matiri, arisvitsa kumugumo waro wakanaka, kusvikira zuva raYesu Kristo.


Amen.

No comments: