Svondo
3 RomuAdvent C 2015
Ko, isuwo toita sei?
Zephaniya 3:14-18a;
VaFiripi 4:4-7; Ruka 3:10-18
Mumwe mudzidzisi akanga achitaurira gungano nezvekuponeswa
kwevaIsraeri kubva muuranda hweEgypt. Chimwe chikomana chakanga chisati
chambonzwa nhau dzemubhaibheri chakakatyamadzwa zvikuru nekunzwa nhoroondo
yekupunyuka kwakaita vanhu vaMwari vachiyambuka Gungwa Dzvuku. Chikomana
chakaomerwa nenyaya yekuti Mosesi akarova mvura netsvimbo, mvura
ndokupatsanuka, gungwa rikava nyika yakaoama, vanhu vaMwari vakayambuka!
Chakazevezera pane aiva padyo: “Iko zvino taakunzwa nhema dzichifushiwa kunge
muriwo!”
Pose patinonzwa mashoko tinobatikana nawo. Mamwe mashoko
anonakidza, kufadza, kusekesa, kuchemedza, kusuwisa, kana kurwadzisa. Mamwe
mashoko anoshamisa, kukanutsa, kukahadzisa, kutyisa, kuvhundutsa kana kupedza
simba. Mamwe mashoko anotendeseka, mamwe haatendeseki. Pane patinonyatsonzwa
kuti apa tiri kunyeperwa zvechokwadi, nhema dziri kukangwa, dziri kurukwa, dziri
kufushwa zvebasa!
Ko patinonzwa kuparidzwa kweDama Rakanaka tinonzwa sei?
Kazhinji vanhu vanoita zinatsamukanwa kune muparidzi nekuti zvinotarisirwa kumutenda
mharidzo yake. Asi pasina kubatana kumeso, kana kufadzana zvenhema, kana tanzwa
shoko raMwari richinyatsoshumairwa tinonzwa sei? Tinoita here sechikomana chiya
chakanzwa nhema dzichifushiwa?
MuDama Rakanaka ranhasi tinoona zvinoita vanhu mushure
mekunzwa kuparidza kwaYowane mubhapatidzi. Mharidzo yaYowane ine zvainovaita,
inovabatabata mukatikati mavo zvekuti vose vanosara vaine mubvunzo mumwe chete:
“Ko zvino isu toitei?” Uyu ndiwo mubvunzo wevanhu vanenge vanyatsonzwa Dama
rakanaka richipinda mumoyo mavo. Muparidzi chaiye haafadzwi nekunzi: “Haa
marova, matema, maita zvinonakidza chose.” Muparidzi chaiye anoshaya kunzwa
vanhu vachiti: “Ko zvino toitei?”
Yowane mubhapatidzi akaparidza nenzira yakamutsa moyo
yevanhu yanga yakarara. Akavhura pfungwa dzevanhu dzanga dzave nengura.
Akazunguza mweya yevanhu yanga isisina simba. Munhu wese akanzwa kuparidza
kwaYowane akava neshungu itsva, nechido chitsva, nesimba idzva rekuda kuita
zviri nani pane zvaanga ari. Yowane akaparidza nenzira yekuti munhu wese akaona
kuti nzira yaanga ari kufamba yanga isiriyo. Akaita kuti munhu wese apfidze, ade kushanduka, ade kutendeuka, ade
kutangisa patsva kurarama hupenyu hwake zviri nani.
Nokudaro Yowane anovaudza zvavaifanira kuti vaite kuti
kutendeuka kwavo uku kuve kwechokwadi, kusangove kunzwa zvakanaka mumoyo, asi
kuzadzikiswe nemabasa. Anovati: “Anenge aine hembe mbiri ngaape imwe kune
asina; uyewo ane chekudya ngaaitewo zvimwe chetezvo.” Pane rwiyo runoti: “Kana
manzwa izwi rake, musazoomese moyo yenyu…” Tinoimbazve kuti: “Dama rakanaka
rinokushwa muvhu rakanaka, vorigamuchira nekubereka…” Kugoverana zvatiinazvo
nevasina ndiwo mucherechedzo wekuti takanzwa Dama Ranakana, tikarigamuchira,
rikabereka matiri.
Kuparidza kwaYowane kwakabatabata munhu wese. Hanzi
nevateresiwo vakati kwaari: “Mudzidzisi todiikowo?” Iye akavati: “Musabvisise
vanhu zvinopfuuridza zvavakanzi vabvise.” Yowane haazezi kutaurira vateresi
chokwadi chekuti hazvibatsiri kunamata uchinzwa kudziirwa nekudzamirwa
neshumairo mukati mehana mako, asi uchibiridzira vanhu. Kunamata kwechokwadi
kunofanira kuperekedzwa nemabasa akanaka, zvikurukuru kugarisana nevamwe
zvakanaka. Havasi vateresi voga vanobvisisa vamwe zvinopfuuridza zvavakanzi
vabvise. Kana nesi tose tisingabairwi chitupa chehuteresi, tinotadza
kugamuchira Dama Rakanaka nezvibereko zvaro pamusana pekubvisisa vamwe
zvinopfuura zvavakanzi vabvise.
Kuparidza kwaYowane kwakanzwikwawo nemasoja ayo akatiwo: “Ko
isuwo todii?” Yowane akavataurira chokwadi pachena kuti: “Regai kutyisidzira
vanhu, kana kuvapomedzera; gutsikanai nemubairo wenyu.” Basa raunoita muhupenyu
ringakutadzise here kupinda muhumambo hwaMwari? Hongu, rinogona kukutadzisa
kana uchiriita nenzira yekupfuuridza murairo. Vanhu vanofanira kubatwa zvine
hunhu hwakanaka mumabasa umu. Kutyisidzira, kumbunyikidza, kudzvinyirira,
kudheerera, kutsikirira, nehutsinye hazvisi zvinhu zvinongoitwa nemasoja bedzi.
Kana vanhu vasiri masoja vanogona kushandisawo simba ravo kubata vanhu zvisina
hunhu kudai. Dama rakanaka riri pachena maererano nekodzero dzevanhu nekubatwa
kwavo kwakanaka.
Chinotarisirwa kana
tanzwa dama rakanaka kupfidza nekutendeuka. Dama Rakanaka rinotitsiura tsika
dzedu dzakaipa, uye rinotikoka kuti tiswedere pana Mwari. Dama rakanaka rinoda
kuti tive nerufaro rwevana vaMwari. Kupfidza nekutendeuka kunotipa mufaro
mukati medu. Mufaro uyu unobva mukuziva kuti Mwari haadi kuti mutadzi afe,
anoda kuti atendeuke ararame. Mwari anodisa chaizvo kuti tive vanhu vake. Mufaro
uyu unobva pakuziva kuti Mwari anesi, uye haadi kuti tirasike, kuti tiparadzane
naye.
Rufaro neDama Rakanaka hazvisiyani. Pauro Musande anoti
kwatiri: “Hama dzangu, farai nguva dzose, imi makabatana naMambo; ndinotizve
farai.” Chisakiso chemufaro uyu ndechichi: “Mambo ari padyo.” Svondo rechitatu
reAdvent rinotiyeuchidza mufaro uyu. Tinofarira kuti kuuya kwaMambo, kuzvarwa
kwake, kwaswedera. Asi tinoziva kuti iye Emmanuel, Mwari anesu uyu, ari padyo
nesu nguva dzose. Aripo pose patinoungana tiri vaviri kana vatatu muzita rake. Aripo
pose patinopira chingwa newaini, paanotitora nekutipinza mumupiro wake. Aripo
pose patinomuona muchiso chaani naani watinotarisa tichiona maari mufananidzo
waMwari, tichiona hama yedu. Aripo pose patinonzwa izwi rake muvarombo
nevanoshaya, vanotidaidza kuti tiite moyochena. Gore rino retsitsi nenyasha
dzaMwari, rinofanira kusimbisisa matiri ruzivo rwekuti Mwari wetsitsi,
nenyasha, Mwari wengoni nerupfave, Mwari wemoyochena nemutsa wose, anesu, ari
padyo nesu nguva dzose.
Kuziva kuti Mambo ari padyo ndiko kuziva Dama rakanaka.
Kunyangwe dai tikasangana nezvipingaidzo, zvigozhero, zvikanganiso
nezvigumburiso muhupenyu, tinoziva kuti Mambo ari padyo. Kana tikasangana
nehondo, nenhamo, nenzara, nemhare, kushaya chekubata, kurwara nekurwarirwa,
tinoziva kuti Mambo ari padyo. Ko, chiiko chingatiparadzanise nerudo rwaKristo?
Hapana chingatiparadzanise nerudo rwaMwari muna Kristo nekuti muzvinhu zvose
izvi zvinotinetsa nekutirwisa, tiri vakundi, nekuda kwake iye akatida,
akatifira kuti tive vake narini. Rudo rwaMwari rwakadururirwa rwose, mumoyo
medu, naMweya Musande watakapihwa!
Zefaniya muporofita, pamberi paYowane mubhapatidzi, akanga
afanonyevera runako rweDama Rakanaka paakati: “Kuzoti zuva riya richinge
rasvika, Yerusarema ichanzi , ‘Iwe Ziyoni, rega zvako kutya, kana kumboti maoko
rengwende! Tenzi Mwari wako anewe; mukundi anokurwira. Achakufarira
achifarisisa; rudo rwake ruchakuvandudza, achakupemberera sezvinoitwa
pamuchato.’”
Mufaro uyu ndiwo unounza rugare rwaMwari runonzi naPauro:
“ndirwo runopfuura zano rose remunhu – ruchabva rwagumbatira moyo yenyu
nepfungwa dzenyu, mowaniswa rugare naYesu Kristo.” Svondo rechitatu reAdvent
rinotikoka kuti tive nemufaro uyu.
Papa Francis mutsamba yavo yeufudzi, Evangelii Gaudiium, vanotaurawo
nezverufaro rweDama Rakanaka, nekututikoka vachiti:
“Ndinokoka vatenderi vose, kwese kwese, panguva ino, kuti
vamutsiridze hukama hwavo naYesu Kristo, kana kuti vazarure moyo yavo kuti iye
agovaziva; ndinokukumbirai mose kuti muite izvi zuva regarega. Hapana munhu
anofarira kufunga kuti uku hakusi kudaidzwa kwake, nekuti hakuna munhu anosiiwa
kunze kwerufaro rwaTenzi. Tenzi haarasisi avo vanoshingaira kufamba nzira iyi;
pose patinoswedera kuna Yesu, tinoona kuti zvechokwadi aripo nechekare,
akatimirira nemaoko akazaruka. Ino ndiyo nguva yekuti kunaYesu: ‘Tenzi,
ndakambozvirega ndichinyengedzwa; kazhinji kwazvo kandakatiza rudo rwenyu, asi
honai ndadzokazve kwamuri, kuti ndizovandudze chitsidzo changu nemi. Ndinokudai.
Ndiponeseiwo zvakare, Tenzi, ndigumbatireizve neruponeso rwenyu.’ Zvakanaka sei
kudzokazve kwaari pose patinenge tarasika! Regai nditi zvakare: Mwari
haatongoneti kutiregerera, isu ndisu tingatonete kutsvaga nyasha netsitsi
dzake…”
Tichinzwa huchapupu hwakadai, kubva kuna Zepheniya
muporofita, Pauro Musande, Johane Mubhapatsidzi nekuna Papa Francis, tinonzwa
moyo yedu ichiita sei? Tingadavire sei Dama rakanaka iri? Dai Mwari atipawo
mwoyo wakarukutika, mwoyo wakatsemuka, mwoyo unodokwairira kuita kuda kwake.
Dai Mweya Musande atigonesawo sevanhu, sevateresi, semasoja vakanzwa kuparidza
kwaJohane, vakabvunza kuti: “Ko isuwo, toita sei?”
No comments:
Post a Comment