Saturday, December 12, 2015

Ko, isuwo toita sei?

Svondo 3 RomuAdvent C 2015
Ko, isuwo toita sei?

Zephaniya 3:14-18a; VaFiripi 4:4-7; Ruka 3:10-18

Mumwe mudzidzisi akanga achitaurira gungano nezvekuponeswa kwevaIsraeri kubva muuranda hweEgypt. Chimwe chikomana chakanga chisati chambonzwa nhau dzemubhaibheri chakakatyamadzwa zvikuru nekunzwa nhoroondo yekupunyuka kwakaita vanhu vaMwari vachiyambuka Gungwa Dzvuku. Chikomana chakaomerwa nenyaya yekuti Mosesi akarova mvura netsvimbo, mvura ndokupatsanuka, gungwa rikava nyika yakaoama, vanhu vaMwari vakayambuka! Chakazevezera pane aiva padyo: “Iko zvino taakunzwa nhema dzichifushiwa kunge muriwo!”

Pose patinonzwa mashoko tinobatikana nawo. Mamwe mashoko anonakidza, kufadza, kusekesa, kuchemedza, kusuwisa, kana kurwadzisa. Mamwe mashoko anoshamisa, kukanutsa, kukahadzisa, kutyisa, kuvhundutsa kana kupedza simba. Mamwe mashoko anotendeseka, mamwe haatendeseki. Pane patinonyatsonzwa kuti apa tiri kunyeperwa zvechokwadi, nhema dziri kukangwa, dziri kurukwa, dziri kufushwa zvebasa!

Ko patinonzwa kuparidzwa kweDama Rakanaka tinonzwa sei? Kazhinji vanhu vanoita zinatsamukanwa kune muparidzi nekuti zvinotarisirwa kumutenda mharidzo yake. Asi pasina kubatana kumeso, kana kufadzana zvenhema, kana tanzwa shoko raMwari richinyatsoshumairwa tinonzwa sei? Tinoita here sechikomana chiya chakanzwa nhema dzichifushiwa?

MuDama Rakanaka ranhasi tinoona zvinoita vanhu mushure mekunzwa kuparidza kwaYowane mubhapatidzi. Mharidzo yaYowane ine zvainovaita, inovabatabata mukatikati mavo zvekuti vose vanosara vaine mubvunzo mumwe chete: “Ko zvino isu toitei?” Uyu ndiwo mubvunzo wevanhu vanenge vanyatsonzwa Dama rakanaka richipinda mumoyo mavo. Muparidzi chaiye haafadzwi nekunzi: “Haa marova, matema, maita zvinonakidza chose.” Muparidzi chaiye anoshaya kunzwa vanhu vachiti: “Ko zvino toitei?”

Yowane mubhapatidzi akaparidza nenzira yakamutsa moyo yevanhu yanga yakarara. Akavhura pfungwa dzevanhu dzanga dzave nengura. Akazunguza mweya yevanhu yanga isisina simba. Munhu wese akanzwa kuparidza kwaYowane akava neshungu itsva, nechido chitsva, nesimba idzva rekuda kuita zviri nani pane zvaanga ari. Yowane akaparidza nenzira yekuti munhu wese akaona kuti nzira yaanga ari kufamba yanga isiriyo. Akaita kuti munhu wese  apfidze, ade kushanduka, ade kutendeuka, ade kutangisa patsva kurarama hupenyu hwake zviri nani.

Nokudaro Yowane anovaudza zvavaifanira kuti vaite kuti kutendeuka kwavo uku kuve kwechokwadi, kusangove kunzwa zvakanaka mumoyo, asi kuzadzikiswe nemabasa. Anovati: “Anenge aine hembe mbiri ngaape imwe kune asina; uyewo ane chekudya ngaaitewo zvimwe chetezvo.” Pane rwiyo runoti: “Kana manzwa izwi rake, musazoomese moyo yenyu…” Tinoimbazve kuti: “Dama rakanaka rinokushwa muvhu rakanaka, vorigamuchira nekubereka…” Kugoverana zvatiinazvo nevasina ndiwo mucherechedzo wekuti takanzwa Dama Ranakana, tikarigamuchira, rikabereka matiri.

Kuparidza kwaYowane kwakabatabata munhu wese. Hanzi nevateresiwo vakati kwaari: “Mudzidzisi todiikowo?” Iye akavati: “Musabvisise vanhu zvinopfuuridza zvavakanzi vabvise.” Yowane haazezi kutaurira vateresi chokwadi chekuti hazvibatsiri kunamata uchinzwa kudziirwa nekudzamirwa neshumairo mukati mehana mako, asi uchibiridzira vanhu. Kunamata kwechokwadi kunofanira kuperekedzwa nemabasa akanaka, zvikurukuru kugarisana nevamwe zvakanaka. Havasi vateresi voga vanobvisisa vamwe zvinopfuuridza zvavakanzi vabvise. Kana nesi tose tisingabairwi chitupa chehuteresi, tinotadza kugamuchira Dama Rakanaka nezvibereko zvaro pamusana pekubvisisa vamwe zvinopfuura zvavakanzi vabvise.

Kuparidza kwaYowane kwakanzwikwawo nemasoja ayo akatiwo: “Ko isuwo todii?” Yowane akavataurira chokwadi pachena kuti: “Regai kutyisidzira vanhu, kana kuvapomedzera; gutsikanai nemubairo wenyu.” Basa raunoita muhupenyu ringakutadzise here kupinda muhumambo hwaMwari? Hongu, rinogona kukutadzisa kana uchiriita nenzira yekupfuuridza murairo. Vanhu vanofanira kubatwa zvine hunhu hwakanaka mumabasa umu. Kutyisidzira, kumbunyikidza, kudzvinyirira, kudheerera, kutsikirira, nehutsinye hazvisi zvinhu zvinongoitwa nemasoja bedzi. Kana vanhu vasiri masoja vanogona kushandisawo simba ravo kubata vanhu zvisina hunhu kudai. Dama rakanaka riri pachena maererano nekodzero dzevanhu nekubatwa kwavo kwakanaka.

 Chinotarisirwa kana tanzwa dama rakanaka kupfidza nekutendeuka. Dama Rakanaka rinotitsiura tsika dzedu dzakaipa, uye rinotikoka kuti tiswedere pana Mwari. Dama rakanaka rinoda kuti tive nerufaro rwevana vaMwari. Kupfidza nekutendeuka kunotipa mufaro mukati medu. Mufaro uyu unobva mukuziva kuti Mwari haadi kuti mutadzi afe, anoda kuti atendeuke ararame. Mwari anodisa chaizvo kuti tive vanhu vake. Mufaro uyu unobva pakuziva kuti Mwari anesi, uye haadi kuti tirasike, kuti tiparadzane naye.

Rufaro neDama Rakanaka hazvisiyani. Pauro Musande anoti kwatiri: “Hama dzangu, farai nguva dzose, imi makabatana naMambo; ndinotizve farai.” Chisakiso chemufaro uyu ndechichi: “Mambo ari padyo.” Svondo rechitatu reAdvent rinotiyeuchidza mufaro uyu. Tinofarira kuti kuuya kwaMambo, kuzvarwa kwake, kwaswedera. Asi tinoziva kuti iye Emmanuel, Mwari anesu uyu, ari padyo nesu nguva dzose. Aripo pose patinoungana tiri vaviri kana vatatu muzita rake. Aripo pose patinopira chingwa newaini, paanotitora nekutipinza mumupiro wake. Aripo pose patinomuona muchiso chaani naani watinotarisa tichiona maari mufananidzo waMwari, tichiona hama yedu. Aripo pose patinonzwa izwi rake muvarombo nevanoshaya, vanotidaidza kuti tiite moyochena. Gore rino retsitsi nenyasha dzaMwari, rinofanira kusimbisisa matiri ruzivo rwekuti Mwari wetsitsi, nenyasha, Mwari wengoni nerupfave, Mwari wemoyochena nemutsa wose, anesu, ari padyo nesu nguva dzose.

Kuziva kuti Mambo ari padyo ndiko kuziva Dama rakanaka. Kunyangwe dai tikasangana nezvipingaidzo, zvigozhero, zvikanganiso nezvigumburiso muhupenyu, tinoziva kuti Mambo ari padyo. Kana tikasangana nehondo, nenhamo, nenzara, nemhare, kushaya chekubata, kurwara nekurwarirwa, tinoziva kuti Mambo ari padyo. Ko, chiiko chingatiparadzanise nerudo rwaKristo? Hapana chingatiparadzanise nerudo rwaMwari muna Kristo nekuti muzvinhu zvose izvi zvinotinetsa nekutirwisa, tiri vakundi, nekuda kwake iye akatida, akatifira kuti tive vake narini. Rudo rwaMwari rwakadururirwa rwose, mumoyo medu, naMweya Musande watakapihwa!

Zefaniya muporofita, pamberi paYowane mubhapatidzi, akanga afanonyevera runako rweDama Rakanaka paakati: “Kuzoti zuva riya richinge rasvika, Yerusarema ichanzi , ‘Iwe Ziyoni, rega zvako kutya, kana kumboti maoko rengwende! Tenzi Mwari wako anewe; mukundi anokurwira. Achakufarira achifarisisa; rudo rwake ruchakuvandudza, achakupemberera sezvinoitwa pamuchato.’”

Mufaro uyu ndiwo unounza rugare rwaMwari runonzi naPauro: “ndirwo runopfuura zano rose remunhu – ruchabva rwagumbatira moyo yenyu nepfungwa dzenyu, mowaniswa rugare naYesu Kristo.” Svondo rechitatu reAdvent rinotikoka kuti tive nemufaro uyu.

Papa Francis mutsamba yavo yeufudzi, Evangelii Gaudiium, vanotaurawo nezverufaro rweDama Rakanaka, nekututikoka vachiti:

“Ndinokoka vatenderi vose, kwese kwese, panguva ino, kuti vamutsiridze hukama hwavo naYesu Kristo, kana kuti vazarure moyo yavo kuti iye agovaziva; ndinokukumbirai mose kuti muite izvi zuva regarega. Hapana munhu anofarira kufunga kuti uku hakusi kudaidzwa kwake, nekuti hakuna munhu anosiiwa kunze kwerufaro rwaTenzi. Tenzi haarasisi avo vanoshingaira kufamba nzira iyi; pose patinoswedera kuna Yesu, tinoona kuti zvechokwadi aripo nechekare, akatimirira nemaoko akazaruka. Ino ndiyo nguva yekuti kunaYesu: ‘Tenzi, ndakambozvirega ndichinyengedzwa; kazhinji kwazvo kandakatiza rudo rwenyu, asi honai ndadzokazve kwamuri, kuti ndizovandudze chitsidzo changu nemi. Ndinokudai. Ndiponeseiwo zvakare, Tenzi, ndigumbatireizve neruponeso rwenyu.’ Zvakanaka sei kudzokazve kwaari pose patinenge tarasika! Regai nditi zvakare: Mwari haatongoneti kutiregerera, isu ndisu tingatonete kutsvaga nyasha netsitsi dzake…”

Tichinzwa huchapupu hwakadai, kubva kuna Zepheniya muporofita, Pauro Musande, Johane Mubhapatsidzi nekuna Papa Francis, tinonzwa moyo yedu ichiita sei? Tingadavire sei Dama rakanaka iri? Dai Mwari atipawo mwoyo wakarukutika, mwoyo wakatsemuka, mwoyo unodokwairira kuita kuda kwake. Dai Mweya Musande atigonesawo sevanhu, sevateresi, semasoja vakanzwa kuparidza kwaJohane, vakabvunza kuti: “Ko isuwo, toita sei?”

Fr. William Guri, C.Ss.R.

No comments: