Svondo
32 Regore B 2015
1 Madzimambo 17:10-16; VaHebheru 9:24-28; Mariko 12:38-44
Vakuru vane tsumo inoti: “Chirango chatimba kuti nzou pinda
mumba.” Timba kashiri kadikidiki kanokwana muchanza chemunhu. Nzou imhuka
huruhuru chaizvo. Zvinoreveyi kuti shiri diki saTimba ingakoke mhuka huru saNzou
kuti ipinde mumba mayo? Kana takanyatsozvitarisa tinoona izvi zvisingagoneki
zvachose. Nzou ikada kuti ipinde mumba maTimba, zvese Timba nemba zvinobva
zvaparara. Vakuru vane imwe tsumo zvakare inoti: Mukuru mukuru, hanga haigari
pfunde. Inoreva kuti shiri diki, satimba inogona kugara yakadekara pamusoro
pepfunde, asi shiri huru sehanga haingazvigoni. Munhu anofanira kuziva mhumhu wake nesimba
rake nezvaanogona nezvaasingagoni kuita.
Izwi rekuti chirango ndiro rakakosha patsumo yedu yekutanga.
Kuitira chinhu chirango, kuita kuti mutemo wakafanira uzadzikiswe. Kana wanga
wakaguta unogona kudyira chirango kuti ufadze hama yako yakupa chekudya. Kana
Timba achiti kuna Nzou, “Mhukahuru pindai mumba,” ari kuita chirango, nekuti
anonyatsoziva, naiye Nzou anozivawo, kuti Nzou haingakwani mumba munogara
Timba. Chirango chaTimba ichi itsika dzakanaka, hunhu hwakanaka, maitiro
anotarisirwa munhu kwaye kuti aite. Munhu akanaka akaona mumwe achipfuura nenzira
anotarisirwa kumuyedza chekudya, anoshaya kumupa pekurara, kana kumupa rumwe
rubatsiro rupi rwaangade ari parwendo. Hazvina mhosva kuti mupfuuri nenzira uyu
ane chaanoshayiwa here kana kwete, asi hunhu hwakanaka hunotarisirwa. "Ngwarirai kugamuchira vaenzi nekuti vamwe vaidaro vakazogamuchira navangere, vasingavazivi."
Tikacherechedza nhoroondo yebhaibheri tinoona kuti Mwari
anokoshesa zvikuru kuzvipira kunoita munhu kunyangwe dai zvaanopa zviri
zvidiki. Mwari haaneyi nekuti munhu apa chinhu chikurukuru here, asi kuti munhu
avipira nemoyo wake wose here. Tinoimba nechiChewa tichiti: “Ndilibe chuma
chakupeleka kuMulungu wanga, ndipeleka moyo wanga.” Kunyange dai ndisina mari
yekupa kunaTenzi wangu, ndinopira moyo wangu. Kuzvipira kwemunhu asina
chaainacho kunofadza Mwari sekufara kungaite Nzou ikanzi naTimba: “Pindai mumba
mhukahuru!” Kuita kwaTimba uku chirango chakanaka, hunhu hwakanaka, itsika
dzinofadza.
Vanhu vanosarudzwa naMwari, uye vanozvipira kuita basa
raMwari mubhaibheri vanhu vanenge vachionekwa sevadiki kana sevasina basa
nevamwe. Tarisai Josepha munin’ina wevakoma vazhinji, ndiye akazoponesa rudzi
rwese rwemba yaYakobho. Honai Mozesi, akatomboraswa mumvura, akatizira murenje,
aikakama, asi ndiye akatungamirira vanhu vaIsraeri kubva muhuranda hweIjipita.
Ringai Dhavita, akanga ariwo munun’una wevakoma vazhinji, asi akasarudzwa
naMwari kuti ave mambo waIsraeri. Yesu Kristo pachake aiva munhu
asingaverengwi, mwana waMaria wekuNazareta, kana baba muchengeti wake Josepha
akanga asina mukurumbira. Kushaya chiremera kana hukuru pakati pevanhu,
hazvitadzisi munhu kuzvipira kunaMwari nemoyo wake wose. Pakasarudzwa Dhaviti
Mwari akataurira Samuweri kuti: “Mwari haatarisi zvinotariswa nevanhu. Vanhu
vanotarisa mamiriro ekunze, asi Mwari anotarisa mumoyo.”
Muchidzidzo chechiposhi tinoona mudzimai anofunga kuti haana
chaangape muranda waMwari Eriya amushanyira. Mudzimai uyu aiziva hurombo hwake,
nekushaya chekubata kwake: “Ndinokupikira naTenzi Mwari wako, handina
nechokudya chose, kusiya rwanza rwehupfu ruri mudende nedonhwe remafuta rasara
muchinu.” Mudzimai uyu aiziva kuti kana akaita chirango chatimba mumba make makanga
musina chekudya zvachose. Akanga apererwa nechekubata zvekuti akati: “Kana
izvozvi zvandiri kuunganidza tuhuni kuti nditondozvibikira kasadza ini nomwana
wangu, tichidya togofa zvedu.” Muhurombo hwake kufa kwakanga kusisatyisi. Varombo vanogara vakatarisana nerufu zuva rega rega. Havazivi kuti vangadyei uye kuti vangararame here mushure mekupedza zvishoma zvavainazvo nhasi. Kristo aiziva hurombo uhu ndosaka akanamata achiti: "Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva rino."
Pfumvu ine mudzimai uyu ndakamboina, nguva dzenzara nekuoma kwezvinhu muZimbabwe. Panova
nekushungurudzika kukuru munhukadzi ari pamba pake akasvikirwa nevaenzi asina
chekubata chaangavape. Munhukadzi angasarudze kubvisa pane kamari
kakasungirirwa, ozozviona mumashure, kuti atengere vaenzi chekudya nechekunwa.
Kana paine kahuku kamwechete kasara anokarokauraya, pane kuti asiye vaenzi
vachienda asina chaavapa kuti vaise mukanwa. Kana muenzi wacho ari baba
vezvomweya, ndinoona vanhu vachibva vatambudzika chaizvo vakatadza kuwana
chavangamupe. Kana dai muenzi wacho akati kwete musazvinetse ndauya ndadya,
kana kuti ndichanodya mberi, amai vari pamba pavo havagadzikani kana vasina
kuita chirango chakanaka chekumupawo chekudya.
Asi Eriya anoratidza mudzimai uyu kuti kupa kwechokwadi,
kana kuti chirango chaicho, hazvina mhosva kuti hapana chekupa, kana kuti
chiripo chacho chidikidiki. Eriya anodzidzisa mudzimai uyu nzira yaTenzi Mwari
waIsraeri: “Ndinodaro nekuti, Tenzi Mwari wavaIsraeri ndiye anotaura achiti,
‘Mudende hamuzopera hupfu, kana mafuta muchinu, kusvikira zuva iro Tenzi
raanozonayisa mvura pasi.’” Nekuti mudzimai uyu akabvuma kugoverana tushoma
twaaive natwo, Mwari akamutusa, akaita kuti chekudya chirambe chiripo kudzamara
nguva yenzara yapera. Kusununguka mumoyo, kuzvipira kugoverana nevamwe, kuita
chirango chinenge chaTimba, ndizvo zvakasaka mudzimai uyu agamuchire
makomborero aMwari.
Mudama rakanaka ranhasi Kristo anocherechedza mabvisiro
ayiitwa mupiro nevanhu muTembere. Vamwe
vaiuya vakadengezera, vakagukuchira, vakabatirana, vakakunga hata, vakaremerwa
nezvipo zvekupira kunaMwari. Vapfumi vaikanda zvizhinji, vaizunza mazakwatira,
vaipira mari ine mubvuri. Pakati pavo Jesu akaona chirikadzi yaiva murombo
ichikandawo tumari tudukuduku tuviri, pamwechete twainge hafu yehafu yesendi!
Takatarisa mari iyi maererano nezvaingabatsirewo kuTemberi tinoona kuti
chirikadzi iyi yakangoita zvechirango chaTimba, zvekuti haungangorambi wakagara
wega vamwe vachienda kunokanda zvipo.
Asi Kristo haana kutarisa sematarisiro atinoita, kwete.
Kristo akaona kuti tumari tuviri utwu nditwo twose twakanga tuine mudzimai uyu.
Akaona tumari utwu setuhupfu netumafuta tuya twemudzimai wekuSidhonia,
twakakomborerwa naMwari tukararamisa mhuri. Kristo akaona tumari utwu sechipo
chakakosha kuna Mwari nekuti nditwo twose twakanga tuine mudzimai uyu, nekudaro
akapa kuna Mwari pasina chimwe chaanosara nacho. Kristo anorumbidza kupa uku
kudarika kwevaye vaipa vachisara vaine zvimwe zvakawanda. Kupa kwechirikadzi
iyi chirango chikuru chinoratidza kuzvipira kwakaperera, zvokusara asina
nechokurarama nacho.
Muchidzidzo chechipiri tinoratidzwa kupa kunopfuura chirango
chakanaka chemudzimai wekuSidhonia nechechirikadzi kuTemberi. Timba anoita
chirango chakanaka chekuti Nzou pinda mumba maanonyatsoziva kuti Nzou haakwani.
Ko munhu angapeiwo kunaMwari chingagutse Mwari, iye Mwari ariye muridzi nemupi
wazvose? Mupiro waKristo, waanopira kunaBaba vake, wekuzvidukupisa,
nekuzvikwengura, nekuteura ropa rake pachipiyaniso ndiwo mupiro wechokwadi
usina chirango. Kristo akazviita chibayiro iye pachake kuti aparadze rutadzo.
Hupriste hwaKristo hunobva pakuti akazviita chibayiro kamwe chete kuti abvise
matadzo avazhinji. “Hakuna rudo runopfuura urwu, kuti munhu anozvipira hupenyu
hwake kufira hamadzake.”Kirike rinotidzidzisa kuti pamuteuro weMisa Kristo ndiye chipo chinopirwa, ndiye Atare inopirwa chipo ichi, ndiyezve mupriste anopira chipo ichi. Chipo, Atare, mupriste - zvose zviri zvitatu - zvinomirira iye Kristo pachake.
Patinopira muteuro weMisa pega pega tinopira mupiro mutsvenetsvene waKristo uyu. Isu pachedu hatigoni kuzvipira kuna Mwari sezvakaita Kristo.
Tingangoitewo chirango chaTimba kuti Nzou pinda mumba. Asi tikabatana naKristo
mupiro wedu mushoma iwoyo unofadza Mwari. Murubhapatidzo takabatanidzwa
naKristo saka tinokwanisa kupira Mwari mupiro mutsvene unofadza nekuti tiri
munaKristo. Pane munamato weKirike unoti: “Mwari Baba, kuti tikurumbidzei chipo
chinobva kwamuri. Chishamiso chekutisika kwamakaita, chinopfuurwa bedzi
nemukurumbira nemufaro weupenyu hwedu hutsva munaKristo.” Hupenyu hutsva uhu
ndihwo rubhapatidzo runotiita vamwe naKristo, runotigonesa kuzvipira kunaMwari
sezvakaita Kristo, anova ndiye Atare, chibayiro, nemupriste.
Chirango chedu chatinoitira Mwari, tichizvipira kwaari
muhudiki nehutera hwedu, chinovandudzwa nekunatswa nemweya wekutenda. Uripo zvakare
mumwe munamato wepaMisa udodudza pachena shungu dzedu dzekuzvipira kunaMwari
kuburikidza nekutenda: “Hapana chatingakupeiwo isu, kusiya kukutendai chete
chete. Kana zvazvo imi musingachemeri kutendwa nesu tinogara tichiita izvi kuti
tikuratidzei chido chedu, tichibatsirwa naKristo, muromo wedu.” Kristo ndiye
anosumudza kuzvipira kwedu kuti kuve chinhu chinofadza kunaMwari. Inga tinoimba
wani kuti: “Patinopira chingwa newaini, Yesu anotitora nekutipinza mumupiro
wake.” Kana tayera tapinzwa mumupiro waKristo izvo zvidikidiki zvedu zvatingaitewo sechirango chekupa kunaMwari, zvinobva zvave mupiro mukuru unofadza Mwari,
unotisvitsa kuhupenyu husingaperi.
Zvechokwadi hatina chinhu chatingapewo Mwari, asi iye Mwari,
pamusana perudo nerunako rwake, pamusana penyasha netsitsi dzake kwatiri,
anotigonesa kuti timire pamberi pake tichimutenda. Mupriste anonamata
achimiririra Sangano rose achiti: “Mwari Baba tinopira kwamuri mupiro uyu
wechingwa choupenyu nomukombe weruponeso. Tinoupira tichiyeuka kutifira
nekumuka kwakaita Kristo. Tinokutendai imi maita kuti tive pano kuzopira mupiro
uyu.” Kusatoti Mwari atikoka, atigonesa, hatitongogoni kuzvipira kwaari. Saka tichimutenda
nekutigonesa kwaanotiita, kuti tizvipire kwaari nekumutenda.
Semudzimai weSidhonia, nechirikadzi yemuTembere, takafanana
nekashiri kadikiki Timba kanoti neshungu, nemoyo wakaperera kunaNzou,
“Mhukahuru pindai mumba.” Kuzvipira kwedu chirango. Asi tikazvipira takabatana
naKristo mupiro wedu unova mutsvenetsvene unofadza Mwari. Ngatinamatei kuti
sezvo takaitwa vamwe naye murubhapatidzo, tizvipire pamwe naye muYukaristiya Sande.
Amen.
©Fr. William Guri,
C.Ss.R., Annapolis MD, 8 November 2015.
No comments:
Post a Comment