Saturday, November 7, 2015

Mupiro unofadza Mwari

Svondo 32 Regore B 2015
1 Madzimambo 17:10-16; VaHebheru 9:24-28; Mariko 12:38-44

Vakuru vane tsumo inoti: “Chirango chatimba kuti nzou pinda mumba.” Timba kashiri kadikidiki kanokwana muchanza chemunhu. Nzou imhuka huruhuru chaizvo. Zvinoreveyi kuti shiri diki saTimba ingakoke mhuka huru saNzou kuti ipinde mumba mayo? Kana takanyatsozvitarisa tinoona izvi zvisingagoneki zvachose. Nzou ikada kuti ipinde mumba maTimba, zvese Timba nemba zvinobva zvaparara. Vakuru vane imwe tsumo zvakare inoti: Mukuru mukuru, hanga haigari pfunde. Inoreva kuti shiri diki, satimba inogona kugara yakadekara pamusoro pepfunde, asi shiri huru sehanga haingazvigoni.  Munhu anofanira kuziva mhumhu wake nesimba rake nezvaanogona nezvaasingagoni kuita.

Izwi rekuti chirango ndiro rakakosha patsumo yedu yekutanga. Kuitira chinhu chirango, kuita kuti mutemo wakafanira uzadzikiswe. Kana wanga wakaguta unogona kudyira chirango kuti ufadze hama yako yakupa chekudya. Kana Timba achiti kuna Nzou, “Mhukahuru pindai mumba,” ari kuita chirango, nekuti anonyatsoziva, naiye Nzou anozivawo, kuti Nzou haingakwani mumba munogara Timba. Chirango chaTimba ichi itsika dzakanaka, hunhu hwakanaka, maitiro anotarisirwa munhu kwaye kuti aite. Munhu akanaka akaona mumwe achipfuura nenzira anotarisirwa kumuyedza chekudya, anoshaya kumupa pekurara, kana kumupa rumwe rubatsiro rupi rwaangade ari parwendo. Hazvina mhosva kuti mupfuuri nenzira uyu ane chaanoshayiwa here kana kwete, asi hunhu hwakanaka hunotarisirwa. "Ngwarirai kugamuchira vaenzi nekuti vamwe vaidaro vakazogamuchira navangere, vasingavazivi."

Tikacherechedza nhoroondo yebhaibheri tinoona kuti Mwari anokoshesa zvikuru kuzvipira kunoita munhu kunyangwe dai zvaanopa zviri zvidiki. Mwari haaneyi nekuti munhu apa chinhu chikurukuru here, asi kuti munhu avipira nemoyo wake wose here. Tinoimba nechiChewa tichiti: “Ndilibe chuma chakupeleka kuMulungu wanga, ndipeleka moyo wanga.” Kunyange dai ndisina mari yekupa kunaTenzi wangu, ndinopira moyo wangu. Kuzvipira kwemunhu asina chaainacho kunofadza Mwari sekufara kungaite Nzou ikanzi naTimba: “Pindai mumba mhukahuru!” Kuita kwaTimba uku chirango chakanaka, hunhu hwakanaka, itsika dzinofadza.

Vanhu vanosarudzwa naMwari, uye vanozvipira kuita basa raMwari mubhaibheri vanhu vanenge vachionekwa sevadiki kana sevasina basa nevamwe. Tarisai Josepha munin’ina wevakoma vazhinji, ndiye akazoponesa rudzi rwese rwemba yaYakobho. Honai Mozesi, akatomboraswa mumvura, akatizira murenje, aikakama, asi ndiye akatungamirira vanhu vaIsraeri kubva muhuranda hweIjipita. Ringai Dhavita, akanga ariwo munun’una wevakoma vazhinji, asi akasarudzwa naMwari kuti ave mambo waIsraeri. Yesu Kristo pachake aiva munhu asingaverengwi, mwana waMaria wekuNazareta, kana baba muchengeti wake Josepha akanga asina mukurumbira. Kushaya chiremera kana hukuru pakati pevanhu, hazvitadzisi munhu kuzvipira kunaMwari nemoyo wake wose. Pakasarudzwa Dhaviti Mwari akataurira Samuweri kuti: “Mwari haatarisi zvinotariswa nevanhu. Vanhu vanotarisa mamiriro ekunze, asi Mwari anotarisa mumoyo.”

Muchidzidzo chechiposhi tinoona mudzimai anofunga kuti haana chaangape muranda waMwari Eriya amushanyira. Mudzimai uyu aiziva hurombo hwake, nekushaya chekubata kwake: “Ndinokupikira naTenzi Mwari wako, handina nechokudya chose, kusiya rwanza rwehupfu ruri mudende nedonhwe remafuta rasara muchinu.” Mudzimai uyu aiziva kuti kana akaita chirango chatimba mumba make makanga musina chekudya zvachose. Akanga apererwa nechekubata zvekuti akati: “Kana izvozvi zvandiri kuunganidza tuhuni kuti nditondozvibikira kasadza ini nomwana wangu, tichidya togofa zvedu.” Muhurombo hwake kufa kwakanga kusisatyisi. Varombo vanogara vakatarisana nerufu zuva rega rega. Havazivi kuti vangadyei uye kuti vangararame here mushure mekupedza zvishoma zvavainazvo nhasi. Kristo aiziva hurombo uhu ndosaka akanamata achiti: "Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva rino."

Pfumvu ine mudzimai uyu ndakamboina, nguva dzenzara nekuoma kwezvinhu muZimbabwe. Panova nekushungurudzika kukuru munhukadzi ari pamba pake akasvikirwa nevaenzi asina chekubata chaangavape. Munhukadzi angasarudze kubvisa pane kamari kakasungirirwa, ozozviona mumashure, kuti atengere vaenzi chekudya nechekunwa. Kana paine kahuku kamwechete kasara anokarokauraya, pane kuti asiye vaenzi vachienda asina chaavapa kuti vaise mukanwa. Kana muenzi wacho ari baba vezvomweya, ndinoona vanhu vachibva vatambudzika chaizvo vakatadza kuwana chavangamupe. Kana dai muenzi wacho akati kwete musazvinetse ndauya ndadya, kana kuti ndichanodya mberi, amai vari pamba pavo havagadzikani kana vasina kuita chirango chakanaka chekumupawo chekudya.

Asi Eriya anoratidza mudzimai uyu kuti kupa kwechokwadi, kana kuti chirango chaicho, hazvina mhosva kuti hapana chekupa, kana kuti chiripo chacho chidikidiki. Eriya anodzidzisa mudzimai uyu nzira yaTenzi Mwari waIsraeri: “Ndinodaro nekuti, Tenzi Mwari wavaIsraeri ndiye anotaura achiti, ‘Mudende hamuzopera hupfu, kana mafuta muchinu, kusvikira zuva iro Tenzi raanozonayisa mvura pasi.’” Nekuti mudzimai uyu akabvuma kugoverana tushoma twaaive natwo, Mwari akamutusa, akaita kuti chekudya chirambe chiripo kudzamara nguva yenzara yapera. Kusununguka mumoyo, kuzvipira kugoverana nevamwe, kuita chirango chinenge chaTimba, ndizvo zvakasaka mudzimai uyu agamuchire makomborero aMwari.

Mudama rakanaka ranhasi Kristo anocherechedza mabvisiro ayiitwa mupiro nevanhu muTembere.  Vamwe vaiuya vakadengezera, vakagukuchira, vakabatirana, vakakunga hata, vakaremerwa nezvipo zvekupira kunaMwari. Vapfumi vaikanda zvizhinji, vaizunza mazakwatira, vaipira mari ine mubvuri. Pakati pavo Jesu akaona chirikadzi yaiva murombo ichikandawo tumari tudukuduku tuviri, pamwechete twainge hafu yehafu yesendi! Takatarisa mari iyi maererano nezvaingabatsirewo kuTemberi tinoona kuti chirikadzi iyi yakangoita zvechirango chaTimba, zvekuti haungangorambi wakagara wega vamwe vachienda kunokanda zvipo.

Asi Kristo haana kutarisa sematarisiro atinoita, kwete. Kristo akaona kuti tumari tuviri utwu nditwo twose twakanga tuine mudzimai uyu. Akaona tumari utwu setuhupfu netumafuta tuya twemudzimai wekuSidhonia, twakakomborerwa naMwari tukararamisa mhuri. Kristo akaona tumari utwu sechipo chakakosha kuna Mwari nekuti nditwo twose twakanga tuine mudzimai uyu, nekudaro akapa kuna Mwari pasina chimwe chaanosara nacho. Kristo anorumbidza kupa uku kudarika kwevaye vaipa vachisara vaine zvimwe zvakawanda. Kupa kwechirikadzi iyi chirango chikuru chinoratidza kuzvipira kwakaperera, zvokusara asina nechokurarama nacho.

Muchidzidzo chechipiri tinoratidzwa kupa kunopfuura chirango chakanaka chemudzimai wekuSidhonia nechechirikadzi kuTemberi. Timba anoita chirango chakanaka chekuti Nzou pinda mumba maanonyatsoziva kuti Nzou haakwani. Ko munhu angapeiwo kunaMwari chingagutse Mwari, iye Mwari ariye muridzi nemupi wazvose? Mupiro waKristo, waanopira kunaBaba vake, wekuzvidukupisa, nekuzvikwengura, nekuteura ropa rake pachipiyaniso ndiwo mupiro wechokwadi usina chirango. Kristo akazviita chibayiro iye pachake kuti aparadze rutadzo. Hupriste hwaKristo hunobva pakuti akazviita chibayiro kamwe chete kuti abvise matadzo avazhinji. “Hakuna rudo runopfuura urwu, kuti munhu anozvipira hupenyu hwake kufira hamadzake.”Kirike rinotidzidzisa kuti pamuteuro weMisa Kristo ndiye chipo chinopirwa, ndiye Atare inopirwa chipo ichi, ndiyezve mupriste anopira chipo ichi. Chipo, Atare, mupriste - zvose zviri zvitatu - zvinomirira iye Kristo pachake. 

Patinopira muteuro weMisa pega pega tinopira mupiro mutsvenetsvene waKristo uyu. Isu pachedu hatigoni kuzvipira kuna Mwari sezvakaita Kristo. Tingangoitewo chirango chaTimba kuti Nzou pinda mumba. Asi tikabatana naKristo mupiro wedu mushoma iwoyo unofadza Mwari. Murubhapatidzo takabatanidzwa naKristo saka tinokwanisa kupira Mwari mupiro mutsvene unofadza nekuti tiri munaKristo. Pane munamato weKirike unoti: “Mwari Baba, kuti tikurumbidzei chipo chinobva kwamuri. Chishamiso chekutisika kwamakaita, chinopfuurwa bedzi nemukurumbira nemufaro weupenyu hwedu hutsva munaKristo.” Hupenyu hutsva uhu ndihwo rubhapatidzo runotiita vamwe naKristo, runotigonesa kuzvipira kunaMwari sezvakaita Kristo, anova ndiye Atare, chibayiro, nemupriste.

Chirango chedu chatinoitira Mwari, tichizvipira kwaari muhudiki nehutera hwedu, chinovandudzwa nekunatswa nemweya wekutenda. Uripo zvakare mumwe munamato wepaMisa udodudza pachena shungu dzedu dzekuzvipira kunaMwari kuburikidza nekutenda: “Hapana chatingakupeiwo isu, kusiya kukutendai chete chete. Kana zvazvo imi musingachemeri kutendwa nesu tinogara tichiita izvi kuti tikuratidzei chido chedu, tichibatsirwa naKristo, muromo wedu.” Kristo ndiye anosumudza kuzvipira kwedu kuti kuve chinhu chinofadza kunaMwari. Inga tinoimba wani kuti: “Patinopira chingwa newaini, Yesu anotitora nekutipinza mumupiro wake.” Kana tayera tapinzwa mumupiro waKristo izvo zvidikidiki zvedu zvatingaitewo sechirango chekupa kunaMwari, zvinobva zvave mupiro mukuru unofadza Mwari, unotisvitsa kuhupenyu husingaperi.

Zvechokwadi hatina chinhu chatingapewo Mwari, asi iye Mwari, pamusana perudo nerunako rwake, pamusana penyasha netsitsi dzake kwatiri, anotigonesa kuti timire pamberi pake tichimutenda. Mupriste anonamata achimiririra Sangano rose achiti: “Mwari Baba tinopira kwamuri mupiro uyu wechingwa choupenyu nomukombe weruponeso. Tinoupira tichiyeuka kutifira nekumuka kwakaita Kristo. Tinokutendai imi maita kuti tive pano kuzopira mupiro uyu.” Kusatoti Mwari atikoka, atigonesa, hatitongogoni kuzvipira kwaari. Saka tichimutenda nekutigonesa kwaanotiita, kuti tizvipire kwaari nekumutenda.

Semudzimai weSidhonia, nechirikadzi yemuTembere, takafanana nekashiri kadikiki Timba kanoti neshungu, nemoyo wakaperera kunaNzou, “Mhukahuru pindai mumba.” Kuzvipira kwedu chirango. Asi tikazvipira takabatana naKristo mupiro wedu unova mutsvenetsvene unofadza Mwari. Ngatinamatei kuti sezvo takaitwa vamwe naye murubhapatidzo, tizvipire pamwe naye muYukaristiya Sande.

Amen.


©Fr. William Guri, C.Ss.R., Annapolis MD, 8 November 2015.

No comments: