Zuva
raVasande Vose B 2015
Svondo rinotevera 1 November
(Zvakazarurwa 7:2-4,9-14; 1 Yowane 3:1-3; Mateo 5:1-12a)
Mumwe murume akarwara chaizvo ari muHarare. Mushure mekugara
muchipatara kwenguva refu pasina kupora akaona kuti nguva yake yekufa
yaswedera. Akakumbira kuti aendeswe kumusha kwake, kuruzevha, kuti anofire
zvake ikoko. Vakaita sekuda kwake.
Asvika kumusha akakumbira kuti ambovaridzirwe panze pane
kamhepo nekazuva. Akakwanisa kusveverera kumacheto kwebonde ndokunyika zvanza
zvake zvose muvhu, achibva apfumbata mbutwa mbiri dzevhu, kurudyi nekuruboshwe.
Akaramba akapfumbata ivhu iri kudzamara paakazodzorerwa mumba. Husiku hwakare,
munamato wake wekuti dai Mwari machindizorodza wakanzwikwa, ndokutura befu
kekupedzisira, achibva afa.
Afa kudai izvi, akakanuka atarisana nemazambara egoridhe, pamusuwo
wedenga, achichingurwa naPetrosi Musande. Petrosi akamugamuchira nemufaro
akamuratidza pekupinda napo munhaka yehupenyu husingaperi, nhaka yedenga,
yakatsidzirwa naMambo avo vanofa vakabatana naye, sezvo iye akanga ararama
rupenyu rwakanaka. Petrosi akaona kuti murume uyu ane zvaanga akapfumbata
mumaoko ake akati:
Petrosi: Chisiya zvawakabata mumaoko ako izvo uchipinde.
Munhu: Kwete. Izvi handisiyi.
Petrosi: Chiiko ichocho chawakabata chinoda kukutadzisa kupinda
denga?
Munhu: Iri ndiro ivhu renyika yechibarirwe changu, nyika
yechipikirwa, nyika yemadzitateguru angu. Ndakatsidza kuti handisiyi ivhu iri
kunyangwe zvodii.
Petrosi: Mwari akakugadzirira nhaka yakanaka kupfuura zvose
zvaungafunge zviri pasi pawabva. Mwari achagutsa nzara yose nenyota yose yemoyo
wako, ziso rako harina charakaona, nzeve dzako hadzina chadzakanzwa pane zvinhu
zvakarongedzerwa naMwari avo vanoonekwa vakakodzerana naye, sewe kudai. Usatye
hako, uchava nokushamiswa nekukanuka kusingaperi nezvinhu zvakanaka
zvauchapihwa naMwari. Pamusoro pazvose uchange uchionana naMwari huso nehuso
zvekuti hakunazve chimwe chaungazode. Inga tinotendera kuti tichazova padyo
naMambo nariini wose?
Munhu: Mungataure henyu zvamungataure, asi ivhu rangu
handisi kuzosiyana naro. Ndingasva hangu ndarega kupinda denga racho.
Petrosi: Zvakanaka. Mwari worunako rusina mavambo, nerudo rusina
magumo, haamanikidzi munhu. Ndiye akatipa njere zvose nesimba rekusarudza. Mwari
akasika munhu akamufananidza naiye pachake, kuti amuzive amude, amuitire,
agozofara naye kudenga nariini wose.
Munhu akafananana naMwari pakuti mweya wake haurovi nariini wose. Saka Mwari haangamanikidzi
munhu kuita chakanaka. Zvakafanira kuti munhu ade chakanaka, agosarudze
chakanaka. Ndizvo zvinofadza Mwari, kuona munhu aine rusununguko zvikurukuru
rwekusarudza chakanaka muhana make. Saka paunenge waona wave kuda kusarudza
kuva naMwari narini wose, unoya ndokuzarurira denga. Gara zvako pano panze
wakapfumbata ivhu rako. Mudenga hatina kana puresha sevhiri rakaponja.
Nokudaro murume uye akaramba ari kunze kwezambara regorinde,
musuwo wedenga, akapfumbata ivhu rekumusha kwake raakanga asingani kusiyana
naro. Hakuna kupera gore, mudzimai wake achibva afawo. Akasvikopinzwa mudenga,
ndokutanga kutsvaga murume wake. Atsvagisisa kwose kwaaifunga akabvuza Petrosi
kuti sei murume wake anga asirimo mudenga. Akaudzwa nyaya yevhu ndokuenda omene
kunopedzerana nemurume wake. Akambozama kunyengerera, kuteterera, kupopotera,
kuchenamira, kushaudha, kutuka… kudzamara aona kuti murume wake haasi
kuzosiyana nevhu rake. Akazvitadzawo ndokudzokera zvake kundodya nhaka yake yedenga.
Hama dzemurume uyu dzakawanda dzakazofawo. Dzaisvika
nekumubvunza, dzoudzwa nhau yekuti ari kurambira panze pedenga pamusana
pekusada kusiyana nevhu rake. Vamwe vakamboedzwo kumunyengerera asi hapana
akagona kuti asiye ivhu raanga akapfumbata mumaoko, kuti apinde denga. Vazhinji
vakangosiyawo zvakadaro voenderera zvavo mberi nekudya machikichori edenga.
Hanzi naIzaya muporofita: “Pagomo iri Mwari achagadzirira vanhu vake zvekudya
zvakanakisisa, nyama ine mafuta, hupfu hwakatsetseka, waini yakanyatsosvinwa
yemakore….”
Mushure memakore makumi masere, kwakazofa kazukuru kemurume
uyu, kaakanga asiya kaine makore mana. Kakazofa katova mukweguru ane makore
makumi masere nemana, asi kakanga kasina kukanganwa sekuru vako. Ndiye munhu
wakakatanga kubvunza pakakapinda mudenga. Kakaudzwawo rungano ruya rwaiudzwa
munhu wese, kuti sekuru vako vari kuramba nevhu ravo saka vasiri kupinda
mudenga dzvene mune vamwe, mumafaro asingaperi.
Naikowo kazukuru kakati regai ndinotore sekuru vangu. Vanhu
vakakaseka vakati siyai kanozvionere kega. Murume uye paakaona kazukuru kake
kaaidisisa aka kachiuya kachiri nechekoko, akakwakuka paakanga ari ndokumhanya
akananga ikoko. Kazukuruwo pakakaona sekuru vachiuya kakatangawo kumhanya
kakatambanudza maoko kakananga sekuru vako. Zvakasvikoti wire, mbunde, ndobva
zvadonhesana pasi sekuru nemuzukuru, kuri kufarirana. Hapana akataura nemumwe,
vakangosumuka ndokundenderedzana vakananga kumazambara egoridhe
ndokusvikopinda.
Pavakaita mawiramombe paya, sekuru havana kuziva kuti ndipo
pavakapunyutsa ivhu ravanga vakapfumbata kwemakore makumi masere. Vakazokanuka
vave mukati, wanikwe hakuziriko kunaka kwakaita denga, kupenya kwechiso
chaMwari, kuimba kwavangere! Kungoonana kwavakaita naMwari huso nehuso hakuna
kana chimwe chinhu chakazova nebasa zvakare. Hakuna havi, kana nzara, kana
nyota, kana kuda chimwe chinhu kwakazovapo.
MaRoma anoimba nezvekuonana naMwari chiso nechiso uku
vachiti: “Mvura yechitubu inoti tonho ichipedza nyota, asi nyota yomiviri
chete. Mambo ndimi chitubu chezvikomborero zvose, kudaro nyota yemweya wangu,
Mambo, inopedzwa nemi chete.” Pamwezve: “Hongu imi Mwari, munozadza moyo wangu
wose, imi moga. Makwana kuneni, munopinda zvose. Ndinoda kugara padyo penyu.” Rwiyo
runonzi Tivavarire Denga runoti: “Ndiyani waverenga, kunaka kwose kwaro?
Kudenga tozovara!” Augustine Musande akapupurawo achiti: “Makatisika kuti tive
venyu, nokudaro mweya yedu haina zororo kudzamara yati yazorora mamuri.”
Nhasi tiri kurangarira vasande vose nevafi vedu vose.
Tinotendera kuti Mwari akagadzirira nhaka yakanaka yehupenyu husingaperi kuvanhu
vake. Isu tinotarisira kuti pakufa kwedu Mwari achatipawo nhaka imwecheteyo,
yaakafonopa vafi vedu vatinorangarira nhasi.
Tinotendera izvi tisingatyi, tiine chivimbo chikuru saMariya
Musande akatendera kuti zvose zvakataurwa naMambo zvichaitika. Saka tinotendera
tisina kupfumbata, takatambanudza maoko edu ose nekuti hakuna chinhu chiri pano
pasi, kana pasi pepasi, chiri kudenga kana kumusoro kwekudenga, chingatiparadzanise
naMwari. Chii chaizvo chatingarambe takapfumbata chingakunde kutambanudza
maoko, nekuzarura zvanza zvedu kunaMwari?
Ichocho chatinoramba takapfumbata ndicho chichatitadzisa
kupinda denga!
Rubhapatidzo rwedu ndirwo chitsidzo chechivimbiso chenhaka
yedu yehupenyu husingaperi naMwari munaKristo. Pamisa yevafi tinonamata
tichiti: “Tinokumbirirawo mwana wenyu N. wamadaidza nhasi/wamakadaidza/akatisiya.
Mutambireiwo azogara nemi. Akaitwa nhengo yaKristo norubhapatidzo. Saka itaiwo
kuti azomukawo muvafi zuva richamutswa vafi vaine miviri inopenya sowaKristo...”
Nhasi tiri kupemberera chitendero chatinoyeuchidzwa neKirike
pose patinoita muteuro wemisa tichinzwa mwazwi aya: “Zaruriraiwo denga
vatenderi venyu vakafa navamwe vose vakafa vaiita kuda kwenyu, vafare nemi
ikoko kwamunonyaradza vaitambudzika, vachigara rupenyu rumwechete nemi
vachikuonai nokukurumbidzai narini.” Tinotendera kuti Mwari anonzwa munamato
wedu uyu zuva regarega, uye achazadzikisa chido nechikumbiro chedu ichi,
chatinoturira kwaari tichirevererwa naMweya Mutsvene.
Kirike rinotidzidzisa kunamata mangwanani ega ega munamato
weKutarisira: “Mwari wangu, ndinotarisira kwazvo kuti muchandipa nhasi uno
girasiya renyu ratakawanirwa na Yesu Kristo, kuti tigozofara nemi kudenga tafa.
Ndinotarisira izvi nokuti imi, ndimi makatipikira izvi, munoita
zvamakatitsidzira.” Chokwadi Mwari angadzokere shure here pamunamato uyu
watinoita tichitungamirirwa naMweya Musande? Zuva rega rega paMisa mupriste
anopupura chitarisiro chedu tose pakunamatira vafi achiti: “Tinotarisira
kusvitswa ikoko naYesu Kristo, Mambo wedu, nyakutisvitsa zvinhu zvose
zvakanaka.”
Ngatinamatei
kunaMwari kuti atipe chitendero nechitarisro nechido zvakazara. Kana
Mwari atipa zvipo izvi hatichina basa nekuramba takapfumbata kana chii zvacho
mumaoko medu. Vasande vatinorangarira nhasi vakagamuchira zvizere chitendero
nechitarisro nechido chaMwari, havana kuramba vakapfumbata zvanza, asi
vakatambanudza maoko, vakasiya zvose kuti vazadzwe naMwari oga. Vafi vedu
vatinorangarira tinovakumikidza kunaMwari nechitendero nechitarisiro nechido
chizere, nekuti tinovimba naMambo, akasika nenga napasi.
Mweya yose yavatenderi vakafa, ngaizorore murudo nerugare
rwaMwari. Amen.
©Fr William Guri, C.Ss.R. Annapolis MD, 1 November 2015.
No comments:
Post a Comment