Saturday, October 31, 2015

Tivavarire Denga!

Zuva raVasande Vose B 2015

Svondo rinotevera 1 November
(Zvakazarurwa 7:2-4,9-14; 1 Yowane 3:1-3; Mateo 5:1-12a)

Mumwe murume akarwara chaizvo ari muHarare. Mushure mekugara muchipatara kwenguva refu pasina kupora akaona kuti nguva yake yekufa yaswedera. Akakumbira kuti aendeswe kumusha kwake, kuruzevha, kuti anofire zvake ikoko. Vakaita sekuda kwake.

Asvika kumusha akakumbira kuti ambovaridzirwe panze pane kamhepo nekazuva. Akakwanisa kusveverera kumacheto kwebonde ndokunyika zvanza zvake zvose muvhu, achibva apfumbata mbutwa mbiri dzevhu, kurudyi nekuruboshwe. Akaramba akapfumbata ivhu iri kudzamara paakazodzorerwa mumba. Husiku hwakare, munamato wake wekuti dai Mwari machindizorodza wakanzwikwa, ndokutura befu kekupedzisira, achibva afa.

Afa kudai izvi, akakanuka atarisana nemazambara egoridhe, pamusuwo wedenga, achichingurwa naPetrosi Musande. Petrosi akamugamuchira nemufaro akamuratidza pekupinda napo munhaka yehupenyu husingaperi, nhaka yedenga, yakatsidzirwa naMambo avo vanofa vakabatana naye, sezvo iye akanga ararama rupenyu rwakanaka. Petrosi akaona kuti murume uyu ane zvaanga akapfumbata mumaoko ake akati:

Petrosi: Chisiya zvawakabata mumaoko ako izvo uchipinde.

Munhu: Kwete. Izvi handisiyi.

Petrosi: Chiiko ichocho chawakabata chinoda kukutadzisa kupinda denga?

Munhu: Iri ndiro ivhu renyika yechibarirwe changu, nyika yechipikirwa, nyika yemadzitateguru angu. Ndakatsidza kuti handisiyi ivhu iri kunyangwe zvodii.

Petrosi: Mwari akakugadzirira nhaka yakanaka kupfuura zvose zvaungafunge zviri pasi pawabva. Mwari achagutsa nzara yose nenyota yose yemoyo wako, ziso rako harina charakaona, nzeve dzako hadzina chadzakanzwa pane zvinhu zvakarongedzerwa naMwari avo vanoonekwa vakakodzerana naye, sewe kudai. Usatye hako, uchava nokushamiswa nekukanuka kusingaperi nezvinhu zvakanaka zvauchapihwa naMwari. Pamusoro pazvose uchange uchionana naMwari huso nehuso zvekuti hakunazve chimwe chaungazode. Inga tinotendera kuti tichazova padyo naMambo nariini wose?

Munhu: Mungataure henyu zvamungataure, asi ivhu rangu handisi kuzosiyana naro. Ndingasva hangu ndarega kupinda denga racho.

Petrosi: Zvakanaka. Mwari worunako rusina mavambo, nerudo rusina magumo, haamanikidzi munhu. Ndiye akatipa njere zvose nesimba rekusarudza. Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, kuti amuzive amude, amuitire, agozofara  naye kudenga nariini wose. Munhu akafananana naMwari pakuti mweya wake haurovi nariini wose. Saka Mwari haangamanikidzi munhu kuita chakanaka. Zvakafanira kuti munhu ade chakanaka, agosarudze chakanaka. Ndizvo zvinofadza Mwari, kuona munhu aine rusununguko zvikurukuru rwekusarudza chakanaka muhana make. Saka paunenge waona wave kuda kusarudza kuva naMwari narini wose, unoya ndokuzarurira denga. Gara zvako pano panze wakapfumbata ivhu rako. Mudenga hatina kana puresha sevhiri rakaponja.

Nokudaro murume uye akaramba ari kunze kwezambara regorinde, musuwo wedenga, akapfumbata ivhu rekumusha kwake raakanga asingani kusiyana naro. Hakuna kupera gore, mudzimai wake achibva afawo. Akasvikopinzwa mudenga, ndokutanga kutsvaga murume wake. Atsvagisisa kwose kwaaifunga akabvuza Petrosi kuti sei murume wake anga asirimo mudenga. Akaudzwa nyaya yevhu ndokuenda omene kunopedzerana nemurume wake. Akambozama kunyengerera, kuteterera, kupopotera, kuchenamira, kushaudha, kutuka… kudzamara aona kuti murume wake haasi kuzosiyana nevhu rake. Akazvitadzawo ndokudzokera zvake kundodya nhaka yake yedenga.

Hama dzemurume uyu dzakawanda dzakazofawo. Dzaisvika nekumubvunza, dzoudzwa nhau yekuti ari kurambira panze pedenga pamusana pekusada kusiyana nevhu rake. Vamwe vakamboedzwo kumunyengerera asi hapana akagona kuti asiye ivhu raanga akapfumbata mumaoko, kuti apinde denga. Vazhinji vakangosiyawo zvakadaro voenderera zvavo mberi nekudya machikichori edenga. Hanzi naIzaya muporofita: “Pagomo iri Mwari achagadzirira vanhu vake zvekudya zvakanakisisa, nyama ine mafuta, hupfu hwakatsetseka, waini yakanyatsosvinwa yemakore….”

Mushure memakore makumi masere, kwakazofa kazukuru kemurume uyu, kaakanga asiya kaine makore mana. Kakazofa katova mukweguru ane makore makumi masere nemana, asi kakanga kasina kukanganwa sekuru vako. Ndiye munhu wakakatanga kubvunza pakakapinda mudenga. Kakaudzwawo rungano ruya rwaiudzwa munhu wese, kuti sekuru vako vari kuramba nevhu ravo saka vasiri kupinda mudenga dzvene mune vamwe, mumafaro asingaperi.

Naikowo kazukuru kakati regai ndinotore sekuru vangu. Vanhu vakakaseka vakati siyai kanozvionere kega. Murume uye paakaona kazukuru kake kaaidisisa aka kachiuya kachiri nechekoko, akakwakuka paakanga ari ndokumhanya akananga ikoko. Kazukuruwo pakakaona sekuru vachiuya kakatangawo kumhanya kakatambanudza maoko kakananga sekuru vako. Zvakasvikoti wire, mbunde, ndobva zvadonhesana pasi sekuru nemuzukuru, kuri kufarirana. Hapana akataura nemumwe, vakangosumuka ndokundenderedzana vakananga kumazambara egoridhe ndokusvikopinda.

Pavakaita mawiramombe paya, sekuru havana kuziva kuti ndipo pavakapunyutsa ivhu ravanga vakapfumbata kwemakore makumi masere. Vakazokanuka vave mukati, wanikwe hakuziriko kunaka kwakaita denga, kupenya kwechiso chaMwari, kuimba kwavangere! Kungoonana kwavakaita naMwari huso nehuso hakuna kana chimwe chinhu chakazova nebasa zvakare. Hakuna havi, kana nzara, kana nyota, kana kuda chimwe chinhu kwakazovapo.

MaRoma anoimba nezvekuonana naMwari chiso nechiso uku vachiti: “Mvura yechitubu inoti tonho ichipedza nyota, asi nyota yomiviri chete. Mambo ndimi chitubu chezvikomborero zvose, kudaro nyota yemweya wangu, Mambo, inopedzwa nemi chete.” Pamwezve: “Hongu imi Mwari, munozadza moyo wangu wose, imi moga. Makwana kuneni, munopinda zvose. Ndinoda kugara padyo penyu.” Rwiyo runonzi Tivavarire Denga runoti: “Ndiyani waverenga, kunaka kwose kwaro? Kudenga tozovara!” Augustine Musande akapupurawo achiti: “Makatisika kuti tive venyu, nokudaro mweya yedu haina zororo kudzamara yati yazorora mamuri.”

Nhasi tiri kurangarira vasande vose nevafi vedu vose. Tinotendera kuti Mwari akagadzirira nhaka yakanaka yehupenyu husingaperi kuvanhu vake. Isu tinotarisira kuti pakufa kwedu Mwari achatipawo nhaka imwecheteyo, yaakafonopa vafi vedu vatinorangarira nhasi.

Tinotendera izvi tisingatyi, tiine chivimbo chikuru saMariya Musande akatendera kuti zvose zvakataurwa naMambo zvichaitika. Saka tinotendera tisina kupfumbata, takatambanudza maoko edu ose nekuti hakuna chinhu chiri pano pasi, kana pasi pepasi, chiri kudenga kana kumusoro kwekudenga, chingatiparadzanise naMwari. Chii chaizvo chatingarambe takapfumbata chingakunde kutambanudza maoko, nekuzarura zvanza zvedu kunaMwari?
Ichocho chatinoramba takapfumbata ndicho chichatitadzisa kupinda denga!

Rubhapatidzo rwedu ndirwo chitsidzo chechivimbiso chenhaka yedu yehupenyu husingaperi naMwari munaKristo. Pamisa yevafi tinonamata tichiti: “Tinokumbirirawo mwana wenyu N. wamadaidza nhasi/wamakadaidza/akatisiya. Mutambireiwo azogara nemi. Akaitwa nhengo yaKristo norubhapatidzo. Saka itaiwo kuti azomukawo muvafi zuva richamutswa vafi vaine miviri inopenya sowaKristo...”

Nhasi tiri kupemberera chitendero chatinoyeuchidzwa neKirike pose patinoita muteuro wemisa tichinzwa mwazwi aya: “Zaruriraiwo denga vatenderi venyu vakafa navamwe vose vakafa vaiita kuda kwenyu, vafare nemi ikoko kwamunonyaradza vaitambudzika, vachigara rupenyu rumwechete nemi vachikuonai nokukurumbidzai narini.” Tinotendera kuti Mwari anonzwa munamato wedu uyu zuva regarega, uye achazadzikisa chido nechikumbiro chedu ichi, chatinoturira kwaari tichirevererwa naMweya Mutsvene.

Kirike rinotidzidzisa kunamata mangwanani ega ega munamato weKutarisira: “Mwari wangu, ndinotarisira kwazvo kuti muchandipa nhasi uno girasiya renyu ratakawanirwa na Yesu Kristo, kuti tigozofara nemi kudenga tafa. Ndinotarisira izvi nokuti imi, ndimi makatipikira izvi, munoita zvamakatitsidzira.” Chokwadi Mwari angadzokere shure here pamunamato uyu watinoita tichitungamirirwa naMweya Musande? Zuva rega rega paMisa mupriste anopupura chitarisiro chedu tose pakunamatira vafi achiti: “Tinotarisira kusvitswa ikoko naYesu Kristo, Mambo wedu, nyakutisvitsa zvinhu zvose zvakanaka.”

Ngatinamatei  kunaMwari kuti atipe chitendero nechitarisro nechido zvakazara. Kana Mwari atipa zvipo izvi hatichina basa nekuramba takapfumbata kana chii zvacho mumaoko medu. Vasande vatinorangarira nhasi vakagamuchira zvizere chitendero nechitarisro nechido chaMwari, havana kuramba vakapfumbata zvanza, asi vakatambanudza maoko, vakasiya zvose kuti vazadzwe naMwari oga. Vafi vedu vatinorangarira tinovakumikidza kunaMwari nechitendero nechitarisiro nechido chizere, nekuti tinovimba naMambo, akasika nenga napasi.

Mweya yose yavatenderi vakafa, ngaizorore murudo nerugare rwaMwari. Amen.

_________________________________________________ 

©Fr William Guri, C.Ss.R. Annapolis MD, 1 November 2015. 













No comments: