Saturday, October 3, 2015

“Zvakasungwa naMwari zvisasunungurwe nemunhu.”

Svondo 27 Regore B
Genesi 2:18-24, vaHeberu 2:9-11, Mariko 10:2-16

“Zvakasungwa naMwari zvisasunungurwe nemunhu.”

Nhasi, musangano mukuru weSynod yemaBhishopi unotanga kuRome. Musangano uyu une chinangwa chekuongorora mamirire ehupenyu hwemhuri nekuparidzwa kweDama rakanaka. Gore rapera maBhishopi naPapa vakasangana pamusoro penyaya yavari kusimudzira gore rino iyi. Papa vakaita musangano nemhuri dzepasi pose kuPhiladelphia kuUSA mwedzi wakapera pavakasimbisisa kukosha kwakaita hupenyu hwedu mumhuri pamwechete nekutevera kwedu Kristo.

Ko sei nyaya yemhuri iyi yasimbirirwa kudai nevakuru veKirike? Mubasa ravo rekuriritira Kirike pasi rose, Papa nemaBhishopi, vanoziva matambudziko ari kusangana nemhuri mukurarama kwemazuva ano. Mhuri dziri kusangana nezvipingidzo zvinobva madziri pamwechete nezvinobva kunze kwadzo. Tingati mhuri dzine nhamo mbiri, imwe yadzinogona kugadzirisa neimwe yadzisina simba rekuigadzirisa. Tingatizve mhuri dzine dzimwe nhamo dzadzinozvikokera nedzimwe dzadzinoparirwa.

Mukati memhuri tinosangana nerutadzo runokanganisa hukama mumhuri. Pese pane rutadzo hapana kugarisana zvakanaka. Rutadzo mumhuri runobva muhumbimbindoga, hunopa munhu kuzvifunga achitadza kufunga mhuri – kuzviisa pamberi pemhuri. Kana pasina mweya wekugoverana, nekufungana, nekubatsirana, paine kusava nehanya, rudo harugoneki mumhuri. Nhengo yega yega yemhuri imwe neimwe inoshaya kushingairira kurwisana nerutadzo mumoyo mayo kuti igone kugarisana nevamwe zvakanaka mumhuri.

Dama rakanaka rinorambotidaidza kuti titendeuke, kubva kurutadzo kutarisa kuna Mwari. Kutendeuka kunodikanwa neDama rakanaka ndiwo mushonga mukuru wekurapa hosha dzinokonzereswa nerutadzo mumhuri. Kutendeuka, kusema rutadzo, nekunzvenga zvinokwevera kurutadzo ndiyo nzira yakamanika asi inotisvitsa kuhupenyu husingaperi.

Sakaramende rerupinduko riripo kubatsira nhengo dzemhuri kurwisana nerutadzo. Sakaramende reYukarisitiya sande riripowo kushingisa vatenderi mukurwisana nerutadzo mumhuri. Ndingati masakaramende ese ari manomwe, zvibatsiro zvakasimba zvingashandiswe nenhengo dzemhuri dzavaKristiyani mubasa guru rekutevera Kristo mumhuri.

Kune zvimwe zvigozhero zvinosangana nemhuri zvinobva kunze kwayo, zvaisina simba rekurwisana nazvo. Kurwara, kurwarirwa, nekufirwa hazvina anganzi akazvingwarira. Kushaya chekubata kuburikidza nekushaya mabasa nezvekurarama nazvo chinhu chinoshungurudza mhuri. Nhengo zhinji dzemhuri hadzina simba pamusoro pekuwana chekurarama nacho zvikuru kana dzichirarama munyika mune matambudziko ehutongi nemari.

Nhengo dzemhuri dzinomanikidzwa nemamirire ezvinhu kuparadzana nemhuri dzavo vachienda kunotsvaga mabasa kumadhorobha, kunyika dzakatitenderedza nekunyika dziri mhiri kwemakungwa. Kuparadzana kunoita mhuri uku, nekupararira kunoita nhengo dzadzo kumhepo dzese ina dzepasi, kunoshunguridza nekukanganisa hwaro hwekugara kwakanaka mumhuri.

Mhuri dziri kuparadzaniswa zuva regarega nehondo, nzara, hudzvanyiriri, hurombo, nenzira dzadzisingagoni kuzvibatsira. Mhuri dzevarombo kunyanyanyanya hadzina nesimba rose rekuzvidzivirira. Varombo ndivo chikumba chebhora munhabvu yavananyamasimba navananyamukundo.

Zvimwe zvipingaidzo zvinobva kunze kwemhuri izvi, nekushaya mikana inodikanzwa, zvinosaka kuti hudzvanyiriri, hubhinya, kushungurudzwa hwevanhukadzi nevana, kuvengana, kugarorovana nekupopotedzana  zviwande mumhuri. Mhedzisiro yacho kuparara kwemhuri.

Mhuri dziri kurarama munyika musisayereswi zvinhu zvakawanda muhupenyu. Mwari chaiye haasisiri chinhu chinoshamisa kune dzimwe nzvimbo, nekune vamwe vanhu. Nekudaro kuteerera shoko raMwari hakuchakosheswi. Anoparidza Dama rakanaka ave kunge izwi riya rinotaura riri murenje musina anonzwa.

Chave kukosheswa ipfungwa nemanzwiro emunhu ega ega panguva yaanenge ari. Hakusisina zvinhu zvinonzi izvi ndizvo zvakakosha zvinofanira kuchengetedzwa. Zvinhu zvainzi zvinoera zvave kunzi nevamwe ngatizviyedzei tione kuti zvakambomira sei. Zvinhu zviyedziwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikaseva muto. Matanda mazungunutswa unosiya nebvukutu. Ramba waraira chekudya chose. Bvunza wabaya! Zvikaita basa zvine basa reyi?

Kubva pasi chigare mhuri yanga ichizivikanwa nekubvumiranwa nemunhu wese sechinhu chinovambwa nemukadzi nemurume vanodanana, vanouya pamwechete votanga imba, kuburikidza nekubereka vana. Izvi ndizvo zvatakagamuchidzwa nemadzitateguru edu pachivanhu, ndizvowo zvatakarairwa nemadzitateguru endu pachitendero. Bhaibheri rinotipa mamiriro emhuri aya munaGenesi. Kristo anosimbisisawo mamirire mawechete iwaya mudamba rakanaka sekunzwa kwatariita nhasi.

Kunyangwe zvazvo Bhaibheri richitipa dzidziso iyi,  inobvumirana nezvimwewo zvitendero zvapasi pano zvine magwaro azvovwo anoyera, pamwe netsika dzatakatambidzwa nemuromo, kwave nevamwe vave kuti mamiriro emhuri aya anogona hawo kushandurwa. Vanosimbisisawo kuti kana varume vaviri vachidanana havo, kana vakadzi vaviri vachidananawo, vanofanira kupihwa kodzero nemukana wekutanga imba vagovewo mhuri. Magariro matsva ari kuvavarirwa aya, anovhiringidza mazivire atanga tichiita mhuri kubva pasi chigare.

Kunyangwe dai musangano wemaBhishopi wakatarisana nenyaya dzakawanda dziri maringe nemhuri, iyi yemhuri itsva ndiyo yakanyanya kutariswa zvikuru nevanopepeta mashoko nevafambisi venhau. Zvinobva zvaita kunge vakuru veKirike vasina zvimwe zvavanoitira hanya nazvo pamhuri kunze kwenyaya iyi.

Ndine chokwadi chekuti Papa nemaBhishopi, sevachengeti nevadzidzi vechitendero chatakadzidzisa nevapositori, vachasimbisisa chimiro chemhuri chatinopihwa muBhaibheri:

“Iye akakunyorerai mutemo uyu pamusana pekuomarara kwemoyo yenyu, asi pakutanga kusika kwakaita Mwari, akavaita munhurume nemunhukadzi, naizvozvo murume achasiya baba vake namai vake ndokuva chiname nemukadzi wake, vaviri vachiva nyama imwe chete: nokudaro havachiri vaviri asi vave nyama imwechete. Ndosaka izvo zvakasunganidzwa naMwari zvisasunungurwe nomunhu.”

Chisveru chichava chedu mhuri dzanhasi kugamuchira kana kuramba zvichabuda mumusangano uyu. Kirike rakatarisana nemuyedzo wakaomarara chaizvo panguva ino. Ibasa redu vatenderi kunamatira Kirike, zvikuru vatungamiri vedu panguva ino.

Papa Francis vakatipa munamato uyu kuti tinamatire nawo musangano weSynod uyu:

“Yesu, Mariya naYosefe, pamuri tinoona runako rwerudo rwechokwadi. Tinouya kwamuri nechivimbo chikuru.

Imi mhuri sande yepaNazareta, itai kuti mhuri dzeduwo dzive nerugare nerunamato, dzive chikoro cheDama rakanaka, dzive seKirike diki mumba.

Mhuri sande yepaNazareta, dziviriraiwo mhuri kumheremhere nebopoto, kurambana nekuparadzana: itaiwo kuti avo vose vakarwadziswa nekunyadziswa mumhuri vawane kunyaradzwa nekupodzwa.

Mhuri sande yeNazareta itaiwo kuti Synod yemaBhishopi itichenjedze kukosha, kuyera nekunaka, kwakaita mhuri muhurongwa hwaMwari.

Yesu, Mariya naYosefe, inzwaiwo munamato wedu.


Amen.”

No comments: