Svondo 27 Regore B
Genesi 2:18-24, vaHeberu 2:9-11, Mariko 10:2-16
“Zvakasungwa naMwari
zvisasunungurwe nemunhu.”
Nhasi, musangano mukuru weSynod yemaBhishopi unotanga
kuRome. Musangano uyu une chinangwa chekuongorora mamirire ehupenyu hwemhuri
nekuparidzwa kweDama rakanaka. Gore rapera maBhishopi naPapa vakasangana
pamusoro penyaya yavari kusimudzira gore rino iyi. Papa vakaita musangano
nemhuri dzepasi pose kuPhiladelphia kuUSA mwedzi wakapera pavakasimbisisa
kukosha kwakaita hupenyu hwedu mumhuri pamwechete nekutevera kwedu Kristo.
Ko sei nyaya yemhuri iyi yasimbirirwa kudai nevakuru
veKirike? Mubasa ravo rekuriritira Kirike pasi rose, Papa nemaBhishopi,
vanoziva matambudziko ari kusangana nemhuri mukurarama kwemazuva ano. Mhuri
dziri kusangana nezvipingidzo zvinobva madziri pamwechete nezvinobva kunze
kwadzo. Tingati mhuri dzine nhamo mbiri, imwe yadzinogona kugadzirisa neimwe
yadzisina simba rekuigadzirisa. Tingatizve mhuri dzine dzimwe nhamo
dzadzinozvikokera nedzimwe dzadzinoparirwa.
Mukati memhuri tinosangana nerutadzo runokanganisa hukama
mumhuri. Pese pane rutadzo hapana kugarisana zvakanaka. Rutadzo mumhuri runobva
muhumbimbindoga, hunopa munhu kuzvifunga achitadza kufunga mhuri – kuzviisa
pamberi pemhuri. Kana pasina mweya wekugoverana, nekufungana, nekubatsirana,
paine kusava nehanya, rudo harugoneki mumhuri. Nhengo yega yega yemhuri imwe
neimwe inoshaya kushingairira kurwisana nerutadzo mumoyo mayo kuti igone
kugarisana nevamwe zvakanaka mumhuri.
Dama rakanaka rinorambotidaidza kuti titendeuke, kubva
kurutadzo kutarisa kuna Mwari. Kutendeuka kunodikanwa neDama rakanaka ndiwo
mushonga mukuru wekurapa hosha dzinokonzereswa nerutadzo mumhuri. Kutendeuka,
kusema rutadzo, nekunzvenga zvinokwevera kurutadzo ndiyo nzira yakamanika asi
inotisvitsa kuhupenyu husingaperi.
Sakaramende rerupinduko riripo kubatsira nhengo dzemhuri
kurwisana nerutadzo. Sakaramende reYukarisitiya sande riripowo kushingisa
vatenderi mukurwisana nerutadzo mumhuri. Ndingati masakaramende ese ari
manomwe, zvibatsiro zvakasimba zvingashandiswe nenhengo dzemhuri
dzavaKristiyani mubasa guru rekutevera Kristo mumhuri.
Kune zvimwe zvigozhero zvinosangana nemhuri zvinobva kunze
kwayo, zvaisina simba rekurwisana nazvo. Kurwara, kurwarirwa, nekufirwa hazvina
anganzi akazvingwarira. Kushaya chekubata kuburikidza nekushaya mabasa
nezvekurarama nazvo chinhu chinoshungurudza mhuri. Nhengo zhinji dzemhuri
hadzina simba pamusoro pekuwana chekurarama nacho zvikuru kana dzichirarama
munyika mune matambudziko ehutongi nemari.
Nhengo dzemhuri dzinomanikidzwa nemamirire ezvinhu
kuparadzana nemhuri dzavo vachienda kunotsvaga mabasa kumadhorobha, kunyika
dzakatitenderedza nekunyika dziri mhiri kwemakungwa. Kuparadzana kunoita mhuri
uku, nekupararira kunoita nhengo dzadzo kumhepo dzese ina dzepasi, kunoshunguridza
nekukanganisa hwaro hwekugara kwakanaka mumhuri.
Mhuri dziri kuparadzaniswa zuva regarega nehondo, nzara,
hudzvanyiriri, hurombo, nenzira dzadzisingagoni kuzvibatsira. Mhuri dzevarombo
kunyanyanyanya hadzina nesimba rose rekuzvidzivirira. Varombo ndivo chikumba
chebhora munhabvu yavananyamasimba navananyamukundo.
Zvimwe zvipingaidzo zvinobva kunze kwemhuri izvi, nekushaya
mikana inodikanzwa, zvinosaka kuti hudzvanyiriri, hubhinya, kushungurudzwa
hwevanhukadzi nevana, kuvengana, kugarorovana nekupopotedzana zviwande mumhuri. Mhedzisiro yacho kuparara
kwemhuri.
Mhuri dziri kurarama munyika musisayereswi zvinhu zvakawanda
muhupenyu. Mwari chaiye haasisiri chinhu chinoshamisa kune dzimwe nzvimbo,
nekune vamwe vanhu. Nekudaro kuteerera shoko raMwari hakuchakosheswi. Anoparidza
Dama rakanaka ave kunge izwi riya rinotaura riri murenje musina anonzwa.
Chave kukosheswa ipfungwa nemanzwiro emunhu ega ega panguva
yaanenge ari. Hakusisina zvinhu zvinonzi izvi ndizvo zvakakosha zvinofanira
kuchengetedzwa. Zvinhu zvainzi zvinoera zvave kunzi nevamwe ngatizviyedzei tione
kuti zvakambomira sei. Zvinhu zviyedziwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe
ikaseva muto. Matanda mazungunutswa unosiya nebvukutu. Ramba waraira chekudya
chose. Bvunza wabaya! Zvikaita basa zvine basa reyi?
Kubva pasi chigare mhuri yanga ichizivikanwa nekubvumiranwa
nemunhu wese sechinhu chinovambwa nemukadzi nemurume vanodanana, vanouya
pamwechete votanga imba, kuburikidza nekubereka vana. Izvi ndizvo
zvatakagamuchidzwa nemadzitateguru edu pachivanhu, ndizvowo zvatakarairwa
nemadzitateguru endu pachitendero. Bhaibheri rinotipa mamiriro emhuri aya
munaGenesi. Kristo anosimbisisawo mamirire mawechete iwaya mudamba rakanaka
sekunzwa kwatariita nhasi.
Kunyangwe zvazvo Bhaibheri richitipa dzidziso iyi, inobvumirana nezvimwewo zvitendero zvapasi
pano zvine magwaro azvovwo anoyera, pamwe netsika dzatakatambidzwa nemuromo,
kwave nevamwe vave kuti mamiriro emhuri aya anogona hawo kushandurwa.
Vanosimbisisawo kuti kana varume vaviri vachidanana havo, kana vakadzi vaviri
vachidananawo, vanofanira kupihwa kodzero nemukana wekutanga imba vagovewo
mhuri. Magariro matsva ari kuvavarirwa aya, anovhiringidza mazivire atanga
tichiita mhuri kubva pasi chigare.
Kunyangwe dai musangano wemaBhishopi wakatarisana nenyaya
dzakawanda dziri maringe nemhuri, iyi yemhuri itsva ndiyo yakanyanya kutariswa
zvikuru nevanopepeta mashoko nevafambisi venhau. Zvinobva zvaita kunge vakuru
veKirike vasina zvimwe zvavanoitira hanya nazvo pamhuri kunze kwenyaya iyi.
Ndine chokwadi chekuti Papa nemaBhishopi, sevachengeti
nevadzidzi vechitendero chatakadzidzisa nevapositori, vachasimbisisa chimiro
chemhuri chatinopihwa muBhaibheri:
“Iye akakunyorerai mutemo uyu pamusana pekuomarara kwemoyo
yenyu, asi pakutanga kusika kwakaita Mwari, akavaita munhurume nemunhukadzi,
naizvozvo murume achasiya baba vake namai vake ndokuva chiname nemukadzi wake,
vaviri vachiva nyama imwe chete: nokudaro havachiri vaviri asi vave nyama
imwechete. Ndosaka izvo zvakasunganidzwa naMwari zvisasunungurwe nomunhu.”
Chisveru chichava chedu mhuri dzanhasi kugamuchira kana
kuramba zvichabuda mumusangano uyu. Kirike rakatarisana nemuyedzo wakaomarara
chaizvo panguva ino. Ibasa redu vatenderi kunamatira Kirike, zvikuru
vatungamiri vedu panguva ino.
Papa Francis vakatipa munamato uyu kuti tinamatire nawo
musangano weSynod uyu:
“Yesu, Mariya naYosefe, pamuri
tinoona runako rwerudo rwechokwadi. Tinouya kwamuri nechivimbo chikuru.
Imi mhuri sande
yepaNazareta, itai kuti mhuri dzeduwo dzive nerugare nerunamato, dzive chikoro
cheDama rakanaka, dzive seKirike diki mumba.
Mhuri sande yepaNazareta,
dziviriraiwo mhuri kumheremhere nebopoto, kurambana nekuparadzana: itaiwo kuti
avo vose vakarwadziswa nekunyadziswa mumhuri vawane kunyaradzwa nekupodzwa.
Mhuri sande yeNazareta
itaiwo kuti Synod yemaBhishopi itichenjedze kukosha, kuyera nekunaka, kwakaita
mhuri muhurongwa hwaMwari.
Yesu, Mariya naYosefe,
inzwaiwo munamato wedu.
Amen.”
No comments:
Post a Comment