Svondo 25 Regore B 2015
Ungwaru
2:12,17-20; Jemisi 3:16-4:3; Mariko 9:30-37
Kuudza mwana hupedzisira. Svondo rakapera
takanzwa mudama rakanaka, Mambo wedu Yesu Kristo achitaurira vadzidzi vake nezverufu nekumuka kwake.
Svondo rino tinoonazve Kristo achidzokorora nyaya iyi. Sei Kristo achiramba
achidzikorora nyaya iyi yekufa kwake?
Muchidzidzo chechiposhi tinonzwa kufanotaurwa
kwakaitwa zvekufa kwaKristo mubhuku reUngwaru. “Kana mururami ari mwana
waMwari….ngatimuedzei neutsinye…tione kuzvibata kwaanoita…Ngatimuti afe rufu
runonyadzisa.” Vadzidzi vaifanira kuziva
zvakaprofitwa kare izvi kuti ndizvo zvichaitika. Zvakanga zvakanyorwa
mumagwaro.
Tikanyatsoverenga bhaibheri tinoona kuti
muChitendero Chekare ndimo mune mviromviro dzeChitendero Chitsva. Dama rakanaka
raMateu rinosimbisisa chaizvo kuti zvese zviri maererano naKristo zvakarehwa
kare mumagwaro anoera. Kristo ndiye anozadzikisa zvizere, zvose
zvakafanonyeverwa naMwari kuburikudza nevaporofita vakare.
Kuzoti nguva yakafanira yaMwari yasvika, zviri
mumagwaro zvakazadzikiswa. Asi ruzhinji rwevanhu, kusanganisira nevadzidzi
vaKristo, haruna kuziva kuti uku ndiko kuzadzikiswa kwezvakarehwa. Munhu mumwe
chete anokurumidza kubata kuti kuuya kwaKristo ndiko kuzadzikiswa kwemagwaro
anoera, ndiMaria Musande. Tinonzwa Erizabheti achimukwazisa achiti: “Wakakomborerwa
hako, nekuti wakatendera kuti zvose zvakataurwa naMwari zvichaitika…”
Vadzidzi havana kuziva zvairehwa naKristo,
zvekufa nekumuka kwake. Havana kuziva kuti uku ndiko kuzadzikiswa kwemagwaro anoera
kuri kutoitika pamberi pavo. Pamusoro pazvo vakatya kubvunza. Panzvimbo
pekubvunza zvairehwa vanotanga kukakavadzana pakati pavo vachitsvaga kuti
ndeupi wedu mukuru patiri. Paanovabvunza kuti manga muchitaura nezvei, havana
chavanopindura. Zviri pachena kuti nyaya yekukosha kwekufa nekumuka kwaKristo
yaipinda nemunzeve yerudyu yobuda nemunzeve yeruboshwe, ivo pasina chavabata.
Kukakavadzana kunoita vadzidzi uku,
vachikarira hukuru pakati pavo, ndiyo nyaya iri kutaurwa naJemisi muchidzidzo
chechipiri. “Vadikanwi, pane shanje nenharo dzoundingoveni ndipo pane
manyongori nehuipi hwose.” “Chiiko chinosakisa kurwisana kwamapato
nokukakavadzana kwavanhu mukati menyu?”
Vadzidzi vanokakavadzana nekuti vanoshayiwa
ungwaru hunobva kumusoro. Dai vainzwisisa kuti kufa nekumuka kwaKristo
kunorevei vangadai vasina kupedza nguva vachikakavadzana zvenhando. Panguva ino
vakanga vasati vapihwa Mweya Musande. Panozoburukira Mweya Musande pamusoro
pavo, ndipo pavanochizoti bengenu, voona pachena kuti zvairehwa mumagwaro
anoera zvainangana naKristo.
Jemisi anotidzidzisa kuti ngwaru hunodikanwa
kuti pave nehunhu huzere. Ungwaru hunobva kunaMwari ndihwo hunotigonesa
kunzwisisa kutambudzika nekufa kwaifanira kuita Kristo. Kristo haana kutiponesa
nekuparidza, kuita zvishamiso, kudzidzisa, nekuporesa varwere bedzi. Kristo
akatiponesa nekutifira kwaakaita pachipiyaniso nekumuka kwake muvafi. Marwadzo
nerufu rwaKristo ndicho chishamiso chikuru chekununurwa kwedu.
Pamuteuro weMisa wega wega tinodaidzwa kuti
tipemberere Mununuri wedu. Tinodaira tichiti: “Tinokurumbidzai Mambo, imi
makatifira, imi makamuka, muchazouyazve.” Tikatadza kubata ipapa apa panoti
Kristo akatifira akamuka muvafi, tinenge tapotsa Misa.
Pamuteuro weMisa mupriste anosimbisisa nyaya
iyi yekutifira nekumuka kwakaita Kristo chero akasarudza munamato upi:
“Mwari Baba, tinoita zvinotiyeuchidza
Mwanakomana wenyu Yesu Kristo. Nezvo isu, vana venyu, tinoyeuka kutambudzika
kwake nekumuka kwake muvafi, nokukwira kwake kudenga…” (Canon I).
“Mwari Baba, tinopira kwamuri mupiro uyu
wechingwa cheupenyu nemukombe weruponeso. Tinoupira tichiyeuka kutifira
nekumuka kwakaita Kristo…” (Canon II).
“Mwari Baba, tiri kuyeuka kutifira kwakaita
Mwana wenyu nokumuka kwake kunoshamisa nokukwira kwake kudenga…” (Canon III).
“Mwari Baba vedu, uyu ndiwo mupiro
watakanunurwa nawo. Unotiyeuchidza kutifira kwaKristo nokuenda kwake kuvafi.
Tinopemberera nawo kumuka kwake nokukwira kwake kudenga…” (Canon IV).
Saka Dama Rakanaka ranhasi riri kutiyeuchidza
zvakare nyaya yakanyanyokosha iyi, yekutifira nekumuka muvafi kwakaita Kristo.
Ndatanga nekubvunza kuti sei Kristo achiramba achidzokorora nyaya iyi? Anoramba
achiidzokorora nekuti kutifira nekumuka kwake ndiko kwaakatinunura nako, uye
ndiko kwaanoramba achitinunura nako nanhasi. Kirike rinodawo kuti tigare
tichidzikorora kurangarira kufa nekumuka kwaKristo. Saka vanotaura vachiti:
Dzokororo ine simba. Uye vakuru vakareva vakati: Kuudza mwana hupedzisira.
Ngatinamatei:
Mwari baba tipeiwo simba rekuti tirambe
tichifunga, upenyu nekufa, nekumuka muvafi kwaMambo wedu, Yesu Kristo…
Amen.
____________________________________________
©Fr William Guri, C.Ss.R., Annapolis, MD. 19/09/2015
No comments:
Post a Comment