Saturday, September 19, 2015

Rambai muchiparidza zverufu rwaMambo

Svondo 25 Regore B 2015
Ungwaru 2:12,17-20; Jemisi 3:16-4:3; Mariko 9:30-37


Kuudza mwana hupedzisira. Svondo rakapera takanzwa mudama rakanaka, Mambo wedu Yesu Kristo achitaurira  vadzidzi vake nezverufu nekumuka kwake. Svondo rino tinoonazve Kristo achidzokorora nyaya iyi. Sei Kristo achiramba achidzikorora nyaya iyi yekufa kwake?

Muchidzidzo chechiposhi tinonzwa kufanotaurwa kwakaitwa zvekufa kwaKristo mubhuku reUngwaru. “Kana mururami ari mwana waMwari….ngatimuedzei neutsinye…tione kuzvibata kwaanoita…Ngatimuti afe rufu runonyadzisa.”  Vadzidzi vaifanira kuziva zvakaprofitwa kare izvi kuti ndizvo zvichaitika. Zvakanga zvakanyorwa mumagwaro.

Tikanyatsoverenga bhaibheri tinoona kuti muChitendero Chekare ndimo mune mviromviro dzeChitendero Chitsva. Dama rakanaka raMateu rinosimbisisa chaizvo kuti zvese zviri maererano naKristo zvakarehwa kare mumagwaro anoera. Kristo ndiye anozadzikisa zvizere, zvose zvakafanonyeverwa naMwari kuburikudza nevaporofita vakare.

Kuzoti nguva yakafanira yaMwari yasvika, zviri mumagwaro zvakazadzikiswa. Asi ruzhinji rwevanhu, kusanganisira nevadzidzi vaKristo, haruna kuziva kuti uku ndiko kuzadzikiswa kwezvakarehwa. Munhu mumwe chete anokurumidza kubata kuti kuuya kwaKristo ndiko kuzadzikiswa kwemagwaro anoera, ndiMaria Musande. Tinonzwa Erizabheti achimukwazisa achiti: “Wakakomborerwa hako, nekuti wakatendera kuti zvose zvakataurwa naMwari zvichaitika…”

Vadzidzi havana kuziva zvairehwa naKristo, zvekufa nekumuka kwake. Havana kuziva kuti uku ndiko kuzadzikiswa kwemagwaro anoera kuri kutoitika pamberi pavo. Pamusoro pazvo vakatya kubvunza. Panzvimbo pekubvunza zvairehwa vanotanga kukakavadzana pakati pavo vachitsvaga kuti ndeupi wedu mukuru patiri. Paanovabvunza kuti manga muchitaura nezvei, havana chavanopindura. Zviri pachena kuti nyaya yekukosha kwekufa nekumuka kwaKristo yaipinda nemunzeve yerudyu yobuda nemunzeve yeruboshwe, ivo pasina chavabata.

Kukakavadzana kunoita vadzidzi uku, vachikarira hukuru pakati pavo, ndiyo nyaya iri kutaurwa naJemisi muchidzidzo chechipiri. “Vadikanwi, pane shanje nenharo dzoundingoveni ndipo pane manyongori nehuipi hwose.” “Chiiko chinosakisa kurwisana kwamapato nokukakavadzana kwavanhu mukati menyu?”

Vadzidzi vanokakavadzana nekuti vanoshayiwa ungwaru hunobva kumusoro. Dai vainzwisisa kuti kufa nekumuka kwaKristo kunorevei vangadai vasina kupedza nguva vachikakavadzana zvenhando. Panguva ino vakanga vasati vapihwa Mweya Musande. Panozoburukira Mweya Musande pamusoro pavo, ndipo pavanochizoti bengenu, voona pachena kuti zvairehwa mumagwaro anoera zvainangana naKristo. 

Jemisi anotidzidzisa kuti ngwaru hunodikanwa kuti pave nehunhu huzere. Ungwaru hunobva kunaMwari ndihwo hunotigonesa kunzwisisa kutambudzika nekufa kwaifanira kuita Kristo. Kristo haana kutiponesa nekuparidza, kuita zvishamiso, kudzidzisa, nekuporesa varwere bedzi. Kristo akatiponesa nekutifira kwaakaita pachipiyaniso nekumuka kwake muvafi. Marwadzo nerufu rwaKristo ndicho chishamiso chikuru chekununurwa kwedu.

Pamuteuro weMisa wega wega tinodaidzwa kuti tipemberere Mununuri wedu. Tinodaira tichiti: “Tinokurumbidzai Mambo, imi makatifira, imi makamuka, muchazouyazve.” Tikatadza kubata ipapa apa panoti Kristo akatifira akamuka muvafi, tinenge tapotsa Misa.

Pamuteuro weMisa mupriste anosimbisisa nyaya iyi yekutifira nekumuka kwakaita Kristo chero akasarudza munamato upi:

“Mwari Baba, tinoita zvinotiyeuchidza Mwanakomana wenyu Yesu Kristo. Nezvo isu, vana venyu, tinoyeuka kutambudzika kwake nekumuka kwake muvafi, nokukwira kwake kudenga…” (Canon I).

“Mwari Baba, tinopira kwamuri mupiro uyu wechingwa cheupenyu nemukombe weruponeso. Tinoupira tichiyeuka kutifira nekumuka kwakaita Kristo…” (Canon II).

“Mwari Baba, tiri kuyeuka kutifira kwakaita Mwana wenyu nokumuka kwake kunoshamisa nokukwira kwake kudenga…” (Canon III).

“Mwari Baba vedu, uyu ndiwo mupiro watakanunurwa nawo. Unotiyeuchidza kutifira kwaKristo nokuenda kwake kuvafi. Tinopemberera nawo kumuka kwake nokukwira kwake kudenga…” (Canon IV).

Saka Dama Rakanaka ranhasi riri kutiyeuchidza zvakare nyaya yakanyanyokosha iyi, yekutifira nekumuka muvafi kwakaita Kristo. Ndatanga nekubvunza kuti sei Kristo achiramba achidzokorora nyaya iyi? Anoramba achiidzokorora nekuti kutifira nekumuka kwake ndiko kwaakatinunura nako, uye ndiko kwaanoramba achitinunura nako nanhasi. Kirike rinodawo kuti tigare tichidzikorora kurangarira kufa nekumuka kwaKristo. Saka vanotaura vachiti: Dzokororo ine simba. Uye vakuru vakareva vakati: Kuudza mwana hupedzisira.

Ngatinamatei:
Mwari baba tipeiwo simba rekuti tirambe tichifunga, upenyu nekufa, nekumuka muvafi kwaMambo wedu, Yesu Kristo…


Amen.

____________________________________________
©Fr William Guri, C.Ss.R., Annapolis, MD. 19/09/2015


No comments: