Saturday, September 12, 2015

"Nhai imi, vanhu vanonditi ndini ani?"

Svondo 24 Regore B

Izaya 50:45-9a; Jemisi 2:14-18; Mariko 8:27-35

“Nhai imi, vanhu vanonditi ndini ani?”

Pane chimwe chikoro Mudzidzisi Mukuru, Mr Moyo, vaitsvinyirwa kuti vaRangwani nekuti vakanga vari varefu. Chimwe chikomana chakafunga zvekusaenda kuchikoro rimwe zuva. Chikati zano rakanaka kufonera kuchikoro ndichiita saamai vangu, ndovaudza kuti John ari kurwara. Chakaridza foni ichibva yadairwa nemukuru wechikoro pachake:

VaMoyo: Kudzidza Ishungu School. NdavaMoyo vari kutaura.
John: Mangwanani vaRangwani. Ndinoda kukuzivisai kuti mwana wangu     John ari kurwara saka haasi kuuya kuchikoro nhasi.
VaMoyo: Zvakanakai. Ndingazivewo  here kuti ndiyani afona?
John: Hongu vaRangwani. Ndini amai wangu!

Kana uri mukuru wechikoro, weparish, wemhuri, wepabasa kana weboka ripi, igaroziva kuti vanhu vane zita rekunemera ravanokupa, risiri zita rako repachitupa. Rinodaidzwa usinganzwi asi haritani kunamira pauri. Dzimwe nguva zita iri rinoenderana nezvauri uye unogutsikana naro. Asi dzimwe nguva haufari nezita iri nekuti rinotaura zvauri, sekuonekwa kwazvinoitwa nevamwe, asi iwe usingadi kuti zvizivikanwe kana kutaurwa.

Panozoita mumwe munhu anogona kupisira oita kuti uzive kuti vanhu vanokudaidza kuti ani. Kana zvinoonekwa nevanhu zviri pauri zviri zvinhu zvawakasununguka nazvo, unogona kuseka nekufara paunonzwa zita rako iri. Asi kana zita iri richikuyeuchidza zviya zvaunoda kuti zvisafe zvakazivikanwa nemunhu, unogumbuka chaizvo. Vanhu vazhinji vanoziva kuti vane zita ravanopihwa asi vanosarudza kusariziva, zvongovharana zvakadaro. Iwe ungade here kuti vanhu vakuudze kuti vanokudaidza kuti ani, zvisiri zvepachitupa?

Mudama rakanaka ranhasi tinoona Kristo achibvunza vadzidzi wake mubvunzo uyu, wakatiomera tose: “Nhai imi vanhu vanonditi ndini ani?” Funga baba kana amai vako, mukuru wekubasa kwako kana kuparish kwako, akakubvunza mubvunzo uyu. Ngatitii iwe unoziva zita raanonemerwa, ungamuudza here kuti vanhu vanokutii Hariyatsva, kana kuti Benyumundiro, kana kuti Malema?

Kubvunza kwaanoita uku, Kristo anotiratidza kushaya kutya kwake, kana kuti kushinga kwake. Nekuti kuudzwa zvauri nevamwe kunoda wakashinga mwoyo.  Kushinga kwakadai kunobva mukuziva zvauri nepaumire pamberi paMwari. Kristo aive neruzivo ruzere pamusoro pehunhu hwake nehuMwari hwake zvekuti akanga asingatyi uye asineyi nekuti vanhu vanganditi ndini ani. Ruzivo runosunungura urwu runobva mukubatana naMwari nguva dzose, zvikuru mukunamata. Munhu ane hukama hwakadai naMwari haatyi kana kuzeza marehwarehwa evanhu.

Vadzidzi vanopindura Yesu nekumuudza zvinotaurwa nevanhu pamusoro pake: “Vamwe vanokutii Yowane mubhapatidzi, vamwe vachikutii Eriya, vamwewo vachikutii muri mumwe wevaprofita.” Asi Kristo haagumiri ipapo, anodzikisa gejo, obvunza akavananga ivo: “Ko imi munonditi ndini ani?” Kristo anoda kuona kuti vadzidzi vake ava vari kumuziva zvechokwadi here kana kuti vari kungoitawo gudzamudungwe kufanana neruzhinji.

Kuziva Kristo kwechokwadi, kwete zvemarehwarehwa evanhu, kana zvemanzwiranzwira ndiko kunotiponesa, uye ndicho chinhu chatinofanira kuvavarira nehupenyu hwedu hwese. Pauro anoti: “Asi ndakaona zvinhu zvese semarara pamusana pekukosha kukuru kwekuziva Kristo, Mambo wangu.” (VaFiripi 3:7) Anoti zvakare: “Pandaive nemi ndakazvipira kuti handina chimwe chinhu chandichaziva kunze kwaiye Kristo ega, iye nyakurovererwa pachipiyaniso.” (1Vakorinde 2:2). Iye Kristo pachake akati: “Zvino hupenyu husingaperi ndihwo uhwu: kuti vakuzivei, imi Mwari mumwechete wechokwadi, naYesu Kristo, uyo wamakatuma.” (Johane 17:3).

Kristo zvaanobvunza vadzidzi vake, haasi kuda kuvafumura kana kuvabatikidza mazita avanomunemera nekumutsvinyira nevanhu. Chinangwa chaKristo ndechekuti vadzidzi vazive iye Krsito, nyakutumwa, nyakuteerera, nyakutifira, nyakumuka muvafi, nanyakutiwanira hupenyu husingaperi. Kristo anoda kuvadyara, kuti vadzike midzi yavo munaMwari kuburikidza nekuziva iye Kristo.

 Shungu yaKristo yaakazadzikisa pamberi pekutifira kwake ndeiyi: “Ndakaitisa kuti zita renyu rizivikanwe nevanhu avo, vamakandisarudzira muvanhu vapasi pano, kuti muvape kwandiri. Vakanga vari venyu mukabva mavapa kwandiri , ivowo vakachengeta dama renyu. Zvino vava kuziva kuti zvose zvamakandipa zvakabva kwamuri; nokuti mazwi amakandipa ndakaapawo kwavari, ivowo vakaagamuchira vakabva vaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, vachitenderawo kuti imi ndimi Nyakundituma.” (Johane 17:6-8).

Saka tinoona Kristo achitaurira vadzidzi vake pachena, asingambovanzi zvekuti ayifanira kutambudzika zvakanyanya, kurambwa, kuurayiwa nekuzomuka muvafi. Iri ndiro zita raKristo rechokwadi raanoda kuti vadzidzi vake vabatisise. Hunhu hwake nehuMwari hwake zvinozadzikiswa nekuzvipira kwake kutitambudzikira nekutifira. Ndizvo zvakaporofitwa naIsaya muchidzidzo chechiposhi kuti: “Handina kuramba kumuteerera, handisakamupa gotsi. Ndakarega vavengi vachindipura musana, ndakarega matama angu achikakatwa ndebvu. Handina kudzivira uso hwangu kuna vaindikanda mbama nokundipfira mate.”

Petrosi paanonzwa izvi anoda kutsiura Kristo nekuti anotya kuti vanhu vakaziva chokwadi ichi vangaore moyo vakatiza Kristo. Asi Kristo anodisa kuti chokwadi ichi chizivikanwe kunyangwe dai chichirwadza sei. Kristo anotaurira vanhu pachena kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe iye pachake, atakure chipiyaniso chake, anditevere, nokuti uyo anoda kuzvichengeta achazvirasa, asi uyo anozvirasa nokuda kwedama rakanaka ndiye achazviponesa.” Ndizvo zvinoreva zita raKristo rechokwadi, ratinozvinemera naro kuzviti VaKristo!

Jemusi musande, muchidzidzo chechipiri, anotichenjedza kuti tisaite chitendero chekutaura bedzi chisina mabasa. MunaKristo tinoona munhu akaratidza chitendero chake nemashoko zvese nezviito. Kristo zvaanotaura kuti achaita nudama ranakanaka ranhasi – kutifira pachipiyaniso – anozviita chokwadi zvichionekwa nemunhu wese. Chitendero chake nemabasa ake hazvina kuparadzana, zvakaringana. Jemusi musande ari kutikurudzira kuti tivewo saizvozvo.

Ukaziva zita remunhu, rechokwadi, repachitupa, unenge wave nesimba pamusoro pemunhu iyeye. Unogona kumutsvaga ukamuwana, unogona kumutevera kusvika paanogara. Munhu waunoziva zita rake anenge ave munhu wako. Zita remunhu harisi ruzha runobva mukanwa, kana mavara akanyorwa pabepa bedzi. Zita remunhu rakafanana nemwoyo nemweya wemunhu pachake. Zita remunhu rinoyera nekukosha zvakaita munhu iyeye. Zita remunhu rinoremekedzwa nekukudzwa semuridzi waro.

Nhasi Kristo ari kutibvunza kuti: Nhandi imi, vanhu vanonditi ndini ani? Anonenderera mberi nekutibvunzazve kuti: Ko imi munonditi ndini ani? Iwe pachako, pauri ipapo unopindura Kristo uchiti kudii? Ungapindure here zvizere saPetrosi kuti: “Ndimi Kristo.” Kana ukabvunzwawo unokwanisa here kudaira kuti: “Ndiri muKristo” kana kuti unoita saJonso akabvunzwa navaMoyo kuti ndiyani akati: “Ndini amai vangu!”

Zvese nemunaKristo Mambo wedu. Amen.



©Fr. William Guri, C.Ss.R., 13/09/2015, Annapolis MD USA.


No comments: