Svondo 24 Regore B
Izaya 50:45-9a; Jemisi
2:14-18; Mariko 8:27-35
“Nhai imi, vanhu vanonditi ndini ani?”
Pane chimwe
chikoro Mudzidzisi Mukuru, Mr Moyo, vaitsvinyirwa kuti vaRangwani nekuti
vakanga vari varefu. Chimwe chikomana chakafunga zvekusaenda kuchikoro rimwe
zuva. Chikati zano rakanaka kufonera kuchikoro ndichiita saamai vangu,
ndovaudza kuti John ari kurwara. Chakaridza foni ichibva yadairwa nemukuru
wechikoro pachake:
VaMoyo:
Kudzidza Ishungu School. NdavaMoyo vari kutaura.
John:
Mangwanani vaRangwani. Ndinoda kukuzivisai kuti mwana wangu John ari kurwara saka haasi kuuya kuchikoro
nhasi.
VaMoyo:
Zvakanakai. Ndingazivewo here kuti
ndiyani afona?
John:
Hongu vaRangwani. Ndini amai wangu!
Kana uri mukuru
wechikoro, weparish, wemhuri, wepabasa kana weboka ripi, igaroziva kuti vanhu
vane zita rekunemera ravanokupa, risiri zita rako repachitupa. Rinodaidzwa
usinganzwi asi haritani kunamira pauri. Dzimwe nguva zita iri rinoenderana nezvauri
uye unogutsikana naro. Asi dzimwe nguva haufari nezita iri nekuti rinotaura
zvauri, sekuonekwa kwazvinoitwa nevamwe, asi iwe usingadi kuti zvizivikanwe
kana kutaurwa.
Panozoita mumwe
munhu anogona kupisira oita kuti uzive kuti vanhu vanokudaidza kuti ani. Kana
zvinoonekwa nevanhu zviri pauri zviri zvinhu zvawakasununguka nazvo, unogona
kuseka nekufara paunonzwa zita rako iri. Asi kana zita iri richikuyeuchidza
zviya zvaunoda kuti zvisafe zvakazivikanwa nemunhu, unogumbuka chaizvo. Vanhu
vazhinji vanoziva kuti vane zita ravanopihwa asi vanosarudza kusariziva, zvongovharana
zvakadaro. Iwe ungade here kuti vanhu vakuudze kuti vanokudaidza kuti ani,
zvisiri zvepachitupa?
Mudama rakanaka
ranhasi tinoona Kristo achibvunza vadzidzi wake mubvunzo uyu, wakatiomera tose:
“Nhai imi vanhu vanonditi ndini ani?” Funga baba kana amai vako, mukuru
wekubasa kwako kana kuparish kwako, akakubvunza mubvunzo uyu. Ngatitii iwe
unoziva zita raanonemerwa, ungamuudza here kuti vanhu vanokutii Hariyatsva,
kana kuti Benyumundiro, kana kuti Malema?
Kubvunza
kwaanoita uku, Kristo anotiratidza kushaya kutya kwake, kana kuti kushinga
kwake. Nekuti kuudzwa zvauri nevamwe kunoda wakashinga mwoyo. Kushinga kwakadai kunobva mukuziva zvauri
nepaumire pamberi paMwari. Kristo aive neruzivo ruzere pamusoro pehunhu hwake
nehuMwari hwake zvekuti akanga asingatyi uye asineyi nekuti vanhu vanganditi
ndini ani. Ruzivo runosunungura urwu runobva mukubatana naMwari nguva dzose,
zvikuru mukunamata. Munhu ane hukama hwakadai naMwari haatyi kana kuzeza
marehwarehwa evanhu.
Vadzidzi
vanopindura Yesu nekumuudza zvinotaurwa nevanhu pamusoro pake: “Vamwe vanokutii
Yowane mubhapatidzi, vamwe vachikutii Eriya, vamwewo vachikutii muri mumwe
wevaprofita.” Asi Kristo haagumiri ipapo, anodzikisa gejo, obvunza akavananga
ivo: “Ko imi munonditi ndini ani?” Kristo anoda kuona kuti vadzidzi vake ava
vari kumuziva zvechokwadi here kana kuti vari kungoitawo gudzamudungwe kufanana
neruzhinji.
Kuziva Kristo
kwechokwadi, kwete zvemarehwarehwa evanhu, kana zvemanzwiranzwira ndiko
kunotiponesa, uye ndicho chinhu chatinofanira kuvavarira nehupenyu hwedu hwese.
Pauro anoti: “Asi ndakaona zvinhu zvese semarara pamusana pekukosha kukuru
kwekuziva Kristo, Mambo wangu.” (VaFiripi 3:7) Anoti zvakare: “Pandaive nemi
ndakazvipira kuti handina chimwe chinhu chandichaziva kunze kwaiye Kristo ega,
iye nyakurovererwa pachipiyaniso.” (1Vakorinde 2:2). Iye Kristo pachake akati:
“Zvino hupenyu husingaperi ndihwo uhwu: kuti vakuzivei, imi Mwari mumwechete
wechokwadi, naYesu Kristo, uyo wamakatuma.” (Johane 17:3).
Kristo
zvaanobvunza vadzidzi vake, haasi kuda kuvafumura kana kuvabatikidza mazita
avanomunemera nekumutsvinyira nevanhu. Chinangwa chaKristo ndechekuti vadzidzi
vazive iye Krsito, nyakutumwa, nyakuteerera, nyakutifira, nyakumuka muvafi,
nanyakutiwanira hupenyu husingaperi. Kristo anoda kuvadyara, kuti vadzike midzi
yavo munaMwari kuburikidza nekuziva iye Kristo.
Shungu yaKristo yaakazadzikisa pamberi
pekutifira kwake ndeiyi: “Ndakaitisa kuti zita renyu rizivikanwe nevanhu avo,
vamakandisarudzira muvanhu vapasi pano, kuti muvape kwandiri. Vakanga vari
venyu mukabva mavapa kwandiri , ivowo vakachengeta dama renyu. Zvino vava
kuziva kuti zvose zvamakandipa zvakabva kwamuri; nokuti mazwi amakandipa
ndakaapawo kwavari, ivowo vakaagamuchira vakabva vaziva zvechokwadi kuti
ndakabva kwamuri, vachitenderawo kuti imi ndimi Nyakundituma.” (Johane 17:6-8).
Saka tinoona Kristo
achitaurira vadzidzi vake pachena, asingambovanzi zvekuti ayifanira
kutambudzika zvakanyanya, kurambwa, kuurayiwa nekuzomuka muvafi. Iri ndiro zita
raKristo rechokwadi raanoda kuti vadzidzi vake vabatisise. Hunhu hwake
nehuMwari hwake zvinozadzikiswa nekuzvipira kwake kutitambudzikira nekutifira.
Ndizvo zvakaporofitwa naIsaya muchidzidzo chechiposhi kuti: “Handina kuramba
kumuteerera, handisakamupa gotsi. Ndakarega vavengi vachindipura musana,
ndakarega matama angu achikakatwa ndebvu. Handina kudzivira uso hwangu kuna
vaindikanda mbama nokundipfira mate.”
Petrosi
paanonzwa izvi anoda kutsiura Kristo nekuti anotya kuti vanhu vakaziva chokwadi
ichi vangaore moyo vakatiza Kristo. Asi Kristo anodisa kuti chokwadi ichi
chizivikanwe kunyangwe dai chichirwadza sei. Kristo anotaurira vanhu pachena
kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe iye pachake, atakure
chipiyaniso chake, anditevere, nokuti uyo anoda kuzvichengeta achazvirasa, asi
uyo anozvirasa nokuda kwedama rakanaka ndiye achazviponesa.” Ndizvo zvinoreva
zita raKristo rechokwadi, ratinozvinemera naro kuzviti VaKristo!
Jemusi musande,
muchidzidzo chechipiri, anotichenjedza kuti tisaite chitendero chekutaura bedzi
chisina mabasa. MunaKristo tinoona munhu akaratidza chitendero chake nemashoko
zvese nezviito. Kristo zvaanotaura kuti achaita nudama ranakanaka ranhasi –
kutifira pachipiyaniso – anozviita chokwadi zvichionekwa nemunhu wese. Chitendero
chake nemabasa ake hazvina kuparadzana, zvakaringana. Jemusi musande ari kutikurudzira
kuti tivewo saizvozvo.
Ukaziva zita
remunhu, rechokwadi, repachitupa, unenge wave nesimba pamusoro pemunhu iyeye.
Unogona kumutsvaga ukamuwana, unogona kumutevera kusvika paanogara. Munhu
waunoziva zita rake anenge ave munhu wako. Zita remunhu harisi ruzha runobva mukanwa,
kana mavara akanyorwa pabepa bedzi. Zita remunhu rakafanana nemwoyo nemweya
wemunhu pachake. Zita remunhu rinoyera nekukosha zvakaita munhu iyeye. Zita
remunhu rinoremekedzwa nekukudzwa semuridzi waro.
Nhasi Kristo ari
kutibvunza kuti: Nhandi imi, vanhu vanonditi ndini ani? Anonenderera mberi
nekutibvunzazve kuti: Ko imi munonditi ndini ani? Iwe pachako, pauri ipapo
unopindura Kristo uchiti kudii? Ungapindure here zvizere saPetrosi kuti: “Ndimi
Kristo.” Kana ukabvunzwawo unokwanisa here kudaira kuti: “Ndiri muKristo” kana
kuti unoita saJonso akabvunzwa navaMoyo kuti ndiyani akati: “Ndini amai vangu!”
Zvese
nemunaKristo Mambo wedu. Amen.
©Fr. William
Guri, C.Ss.R., 13/09/2015, Annapolis MD USA.
No comments:
Post a Comment