Svondo
23 Regore B
Izaya
35:4-7a; Jemisi 2:1-5; Mariko 7:31-37
Pauro Musande akati kuvaRoma: “Munhu ari
wose anodaidza zita raTenzi, achaponeswa. Asi vangamudaidze sei kana vasina
kumutendera? Ko vangamutendere sei kana vasakambomunzwa nezvake? Ko vanganzwe
nezvake sei kana pasina avaparidzira? Ko vangaparidze sei kana vasina kutumwa
kundoparidza? Nekuti ndizvo zvakanyorwa (naIzaya) kuti: “Dzakaropafadzwa tsoka
dzeuyo anoparidza dama rakanaka.’ ” (Rom:10:15-15).
Pauro anotidzidzisa kuti chitendero,
neruponeso, zvinobva mukunzwa dama rakanaka raKristo (Rom 10:17) Johane
anotanga rungano rwedama rakanaka
nekutiziviza nezveIzwi. Pakutanga kwakanga kuina Izwi, Izwi aigara
naMwari, Izwi ndiye Mwari …. Izwi akava munhu akagara nesu. Akauya kune
vekwake, asi havana kumutendera. Ani naani anotendera kuti Krsito ndiye
Mwanakomana waMwari nyakutumwa (ndiko kuti Izwi) achawana hupenyu husingaperi.
Hupenyu husingaperi kukuzivai (imi Mwari) naYesu Kristo wamakatuma.
Kutadza kunzwa dama rakanaka kutadza kunzwa
Izwi raMwari, uye kutadzawo kugamuchira ruponeso nekutadza kuwana hupenyu
husingaperi. Yesu akanga asina mashoko akareruka kune avo vaitadza kunzwa dama
rakanaka pamusana pekuomesa moyo yavo. “Ndingafananidze neiko rudzi urwu?
Rwakafanana nepwere dziri pamusika dzinoti kune vamwe vadzo, ‘Takuridzirai
hwamanda asi hamuna kutamba, tikawungudza asi hamuna kuchema…’” (Mateu
11:16-17)
Jeremiya akatukawo vana vaJakopo achiti:
“Chinzwai imi mapenzi evanhu vasina njere, mune nzeve asi hamunzwi, mune maziso
asi hamuoni…” (Jer 5:21) Izaya akatiwo: “Munonzwa asi hamunzwisisi, munoona asi
hamuonesesi” (Is 6:9). Saka Kristo
akasarudza kutaura nemadimikira nekuti vanhu vakanga vasingadi kuteerera: “Saka
ndichivataurira nemadimikira nekuti kunzwa vanonzwa asi havatongonzwi, kuona
vanoona asi havatongooni” (Mateu 13:13).
Kristo akasangana nekusada kuteerera,
nekuramba kugamuchira Izwi kwevanhu vake zvikamurwadza chaizvo. MuDama rakanaka
ranhasi anosangana nemunhu akanga asingagoni kunzwa kana kuteerera pamusana
pekuti akanga akaremara, ari matsi uye chimumumu. Kutadza kunzwa kwake kwakanga
kusiri kuomesa moyo, kana kuzviitisa. Kana dai dama rakanaka raiparidzwa aripo,
akanga asingagoni kurinzwa nekuritendera, nekuponeswa naro. Hapana chaaigona
kuita kuti Izwi apinde maari agogara ari maari.
Ko aizowanawo sei hupenyu husingaperi hunobva mukuziva Kristo,
anonzwikwa panoparidzwa dama rakanaka?
Munhu aive matsi nechimumu uyu akanga
asingagoni kuzvinzwirawo mashoko erufaro nechivimbiso akataurwa naIzaya:
“Taurirai vano moyo unotya muchiti, ‘Tsungai moyo! Rasayi kutya kwenyu! Onai
Mwari wenyu ava kuuya: anouya kuzotsividza anozoripisa vakakutadzidai. Anouya
iye pachake kuzokununurai’” Hapana kana chinhu chimwechete chaaigona kunzwa
pamashoko akanakisisa aya. Mashoko aya akanakira munhu wese saka nyakuaparidza
achinzi tsoka dzake dzakaropafadzwa mujinga megomo, uyo anounza dama rakanaka. (Is
52:7)”
Jemisi musande anotirayira kuti tisaite
rusarura mumba maMwari nekuti tingadaro tikatadzisa vamwe kunzwa dama rakanaka
reruponeso. Tikaita rusarura tafanana nemunhu anouraya nzeve dzemumwe kuti
atadze kunzwawo mashoko eruponeso. Tine muyedzo wekuchingamidza nekugamuchira
zvakanaka vapfumi, asi tichidzingira varombo kure. Mukuita izvi tinenge
tichiita kuti pamusoro pehurombo hwavo varombo vatadze kunzwawo dama rakanaka.
Jemisi anotichenjedza kuti: “Handiti Mwari akasarudza avo vanoonekwa nevadi
vezvapasi savarombo kuti vave vapfumi mukutendera, vabve vogara nhaka youmambo
hwakapikirwa avo vane rudo here?”
Saka Kristo anosangana nemunhu uyu, akanga
asingagoni kunzwa dama rakanaka, nekuriparidzawo kune vamwe. Kristo akamunzwira
tsitsi chaizvo. Akarwadzirwa munhu uyu nekuti aiziva kuti rupeneso rwaaipa
kuvanhu pachena, hwaida kuti munhu azvinzwire dama rakanaka. Kristo haana
kugona kusiya munhu uyu ari murima rekusanzwa iri. Moyo waKristo, moyo munyoro
moyo waYesu, wakakotamira kwaari. Nyasha netsitsi, tsiye nyoro nekunzwira munhu
uyu marwadzo ake ndizvo zvakaita kuti Kristo amutore aende naye parutivi,
amurape, apore. Ndokuchitanga kwake kunzwawo mashoko akanaka eruponeso.
Kristo anodisa chaizvo kuswedera padyo
nevanhu vasingagoni kunzwa dama rakanaka kuti vaponeswe. Kune zvipingaidzo
zvakawanda zvehupenyu zvinotadzisa munhu kuti anzwe dama rakanaka. Hahusi
humatsi hwega, asi rutadzo, hudzvanyiriri, kushaya ruzivo, kushaya chekubata,
kurwara nekurwarirwa, kurasikirwa nechekuraramisa, kushaya basa, kushaya
anoroora kana wekuroora, kushaya mbereko, kutadza kugarisana nehama…nezvimwe
zvigozhero zhehupenyu zvinogona kutiita matsi dzisinganzwi dama rakanaka uye
zvimumumu zvisingagoni kuparidza dama rakanaka muhupenyu hwedu nhasi. Rinoparidzwa
raparidzwazve tiripo, asi kana tiri matsi muhana dzedu, tinganzwe asi
tisinganzwisisi, tigoona tisingaonesesi.
Ngatitendeukirei kunaYesu timukumbire kuti
atirape humatsi huri hupi hwatiinahwo hunotitadzisa kugamuchira dama rakanaka
nekuritendera nekuwana hupenyu husingaperi. Tikazarura moyo yedu nepfungwa
dzedu, Kristo anouya kwatiri oti: “Ephphata!” ndiko kuti “Dzivuka!” nzeve dzedu
dzobva dzadzivuka nechinotibata rurimi chinobva charegedza, ndokubva tonzwa
nekutaura zvakanaka.
Vakanyanyokomborerwa zvavo avo vanonzwa
dama raMwari vachiritendera.
Amen.
©Fr. William Guri, C.Ss.R., 05/09/2015, Annapolis MD USA.
No comments:
Post a Comment