Saturday, September 5, 2015

"Vakakomborerwa vanonzwa dama rakanaka vachiritendera!"

Svondo 23 Regore B
Izaya 35:4-7a; Jemisi 2:1-5; Mariko 7:31-37


Pauro Musande akati kuvaRoma: “Munhu ari wose anodaidza zita raTenzi, achaponeswa. Asi vangamudaidze sei kana vasina kumutendera? Ko vangamutendere sei kana vasakambomunzwa nezvake? Ko vanganzwe nezvake sei kana pasina avaparidzira? Ko vangaparidze sei kana vasina kutumwa kundoparidza? Nekuti ndizvo zvakanyorwa (naIzaya) kuti: “Dzakaropafadzwa tsoka dzeuyo anoparidza dama rakanaka.’ ” (Rom:10:15-15).

Pauro anotidzidzisa kuti chitendero, neruponeso, zvinobva mukunzwa dama rakanaka raKristo (Rom 10:17) Johane anotanga rungano rwedama rakanaka  nekutiziviza nezveIzwi. Pakutanga kwakanga kuina Izwi, Izwi aigara naMwari, Izwi ndiye Mwari …. Izwi akava munhu akagara nesu. Akauya kune vekwake, asi havana kumutendera. Ani naani anotendera kuti Krsito ndiye Mwanakomana waMwari nyakutumwa (ndiko kuti Izwi) achawana hupenyu husingaperi. Hupenyu husingaperi kukuzivai (imi Mwari) naYesu Kristo wamakatuma.

Kutadza kunzwa dama rakanaka kutadza kunzwa Izwi raMwari, uye kutadzawo kugamuchira ruponeso nekutadza kuwana hupenyu husingaperi. Yesu akanga asina mashoko akareruka kune avo vaitadza kunzwa dama rakanaka pamusana pekuomesa moyo yavo. “Ndingafananidze neiko rudzi urwu? Rwakafanana nepwere dziri pamusika dzinoti kune vamwe vadzo, ‘Takuridzirai hwamanda asi hamuna kutamba, tikawungudza asi hamuna kuchema…’” (Mateu 11:16-17)

Jeremiya akatukawo vana vaJakopo achiti: “Chinzwai imi mapenzi evanhu vasina njere, mune nzeve asi hamunzwi, mune maziso asi hamuoni…” (Jer 5:21) Izaya akatiwo: “Munonzwa asi hamunzwisisi, munoona asi hamuonesesi” (Is 6:9).  Saka Kristo akasarudza kutaura nemadimikira nekuti vanhu vakanga vasingadi kuteerera: “Saka ndichivataurira nemadimikira nekuti kunzwa vanonzwa asi havatongonzwi, kuona vanoona asi havatongooni” (Mateu 13:13).

Kristo akasangana nekusada kuteerera, nekuramba kugamuchira Izwi kwevanhu vake zvikamurwadza chaizvo. MuDama rakanaka ranhasi anosangana nemunhu akanga asingagoni kunzwa kana kuteerera pamusana pekuti akanga akaremara, ari matsi uye chimumumu. Kutadza kunzwa kwake kwakanga kusiri kuomesa moyo, kana kuzviitisa. Kana dai dama rakanaka raiparidzwa aripo, akanga asingagoni kurinzwa nekuritendera, nekuponeswa naro. Hapana chaaigona kuita kuti Izwi apinde maari agogara ari maari.  Ko aizowanawo sei hupenyu husingaperi hunobva mukuziva Kristo, anonzwikwa panoparidzwa dama rakanaka?

Munhu aive matsi nechimumu uyu akanga asingagoni kuzvinzwirawo mashoko erufaro nechivimbiso akataurwa naIzaya: “Taurirai vano moyo unotya muchiti, ‘Tsungai moyo! Rasayi kutya kwenyu! Onai Mwari wenyu ava kuuya: anouya kuzotsividza anozoripisa vakakutadzidai. Anouya iye pachake kuzokununurai’” Hapana kana chinhu chimwechete chaaigona kunzwa pamashoko akanakisisa aya. Mashoko aya akanakira munhu wese saka nyakuaparidza achinzi tsoka dzake dzakaropafadzwa mujinga megomo, uyo anounza dama rakanaka. (Is 52:7)”

Jemisi musande anotirayira kuti tisaite rusarura mumba maMwari nekuti tingadaro tikatadzisa vamwe kunzwa dama rakanaka reruponeso. Tikaita rusarura tafanana nemunhu anouraya nzeve dzemumwe kuti atadze kunzwawo mashoko eruponeso. Tine muyedzo wekuchingamidza nekugamuchira zvakanaka vapfumi, asi tichidzingira varombo kure. Mukuita izvi tinenge tichiita kuti pamusoro pehurombo hwavo varombo vatadze kunzwawo dama rakanaka. Jemisi anotichenjedza kuti: “Handiti Mwari akasarudza avo vanoonekwa nevadi vezvapasi savarombo kuti vave vapfumi mukutendera, vabve vogara nhaka youmambo hwakapikirwa avo vane rudo here?”

Saka Kristo anosangana nemunhu uyu, akanga asingagoni kunzwa dama rakanaka, nekuriparidzawo kune vamwe. Kristo akamunzwira tsitsi chaizvo. Akarwadzirwa munhu uyu nekuti aiziva kuti rupeneso rwaaipa kuvanhu pachena, hwaida kuti munhu azvinzwire dama rakanaka. Kristo haana kugona kusiya munhu uyu ari murima rekusanzwa iri. Moyo waKristo, moyo munyoro moyo waYesu, wakakotamira kwaari. Nyasha netsitsi, tsiye nyoro nekunzwira munhu uyu marwadzo ake ndizvo zvakaita kuti Kristo amutore aende naye parutivi, amurape, apore. Ndokuchitanga kwake kunzwawo mashoko akanaka eruponeso.

Kristo anodisa chaizvo kuswedera padyo nevanhu vasingagoni kunzwa dama rakanaka kuti vaponeswe. Kune zvipingaidzo zvakawanda zvehupenyu zvinotadzisa munhu kuti anzwe dama rakanaka. Hahusi humatsi hwega, asi rutadzo, hudzvanyiriri, kushaya ruzivo, kushaya chekubata, kurwara nekurwarirwa, kurasikirwa nechekuraramisa, kushaya basa, kushaya anoroora kana wekuroora, kushaya mbereko, kutadza kugarisana nehama…nezvimwe zvigozhero zhehupenyu zvinogona kutiita matsi dzisinganzwi dama rakanaka uye zvimumumu zvisingagoni kuparidza dama rakanaka muhupenyu hwedu nhasi. Rinoparidzwa raparidzwazve tiripo, asi kana tiri matsi muhana dzedu, tinganzwe asi tisinganzwisisi, tigoona tisingaonesesi.

Ngatitendeukirei kunaYesu timukumbire kuti atirape humatsi huri hupi hwatiinahwo hunotitadzisa kugamuchira dama rakanaka nekuritendera nekuwana hupenyu husingaperi. Tikazarura moyo yedu nepfungwa dzedu, Kristo anouya kwatiri oti: “Ephphata!” ndiko kuti “Dzivuka!” nzeve dzedu dzobva dzadzivuka nechinotibata rurimi chinobva charegedza, ndokubva tonzwa nekutaura zvakanaka.

Vakanyanyokomborerwa zvavo avo vanonzwa dama raMwari vachiritendera.

Amen.  



©Fr. William Guri, C.Ss.R., 05/09/2015, Annapolis MD USA.

No comments: