Saturday, August 29, 2015

Moyo wangu une nyota yaMwari...

Svondo 22 Regore B
Dhuteronomiyo 4:1-2,6-8; Jemisi 1:17-18, 21b-22,27; Mariko 7:1-8a, 14-15, 21-25)

Kare kare kwaiva nemumwe muprofita waMwari. Aiva nechipo chekuona Mwari nekutaura naMwari. Ayiti kana achida kuona Mwari ayienda kusango rinoera. Asvikako, ayinanga panzvimbo inoera, opfutsa moto unoera. Ayiimba rwiyo runoera, onamata munamato unoera otamba mutambo unoera. Achinge adaro Mwari aibva auya kwaari votaurirana zvavo. 

Zvakazofa muprofita uyu, akasiira mudzidzi wake chipo ichi chekuona Mwari, nekutaurira vanhu zvaidiwa naMwari, nekutaurirawo Mwari zvaidiwa nevanhu. Zvakazofawo mudzidzi uyu, akasiirawo chipo ichi kumudzidzi wakewo, rambe zvichingodaro kwemakore nemakore, nezvizvarwa nezvizvarwa.

Zvakazoitika kuti kwakave nemudzidzi akanga asingazivi kune sango rinoyera. Uyu akatsvaga nzvimbo inoera, akapfutsa moto unoera, akaimba, akanamata nekutamba zvinoera, Mwari achibva auya kwaari, vakataurirana zvavo.

Nekufamba kwenguva kwakazova nemudzidzi akanga asisachazivi chero sango, nzvimbo, moto, munamato, mutambo kana rwiyo, zvinoera zvaishandiswa nevakuru vake vekare kudaidza Mwari kuti vataurirane. Asi akabatwa chaizvo neshungu dzekuda kutaura naMwari. Pamusana peshungu chete, Mwari akauya kwaari, vakataurirana zvavo. Apa ndipo kanofira sarungano.

Chii chatingaite kuti Mwari auye kwatiri, titaurirane naye, tichimuudza zvichemo zvedu, iye achitiudza zvaanoda kuti tiite? Kuenda kunzvimbo dzinoyera here? Kuita minamato here? Kuchengeta mitemo here? Inziyo nemitambo zvinoyera here? Kupfeka hanzu dzinoera here? Kudaidzwa zita rinoera here?

Hukama hwedu naMwari hunotanga neshungu dzekuda Mwari. Vakakomborerwa vane nzara nenyota yehururami. Mweya wangu une nyota yaMwari mupenyu. Mambo anoti ndinoda rudo kwete muteuro. Humambo hwaMwari huri mukati medu. Kare makafadzwa neropa rezvipfuwo kana nezvibereko zveminda asi zvino munoda hupenyu hwemunhu…mwoyo nekuda kwake. Gamuchirai Mambo moyo wangu wose…Ndilibe chuma chakupeleka kuMulungu wanga ndipeleka moyo wanga.

Kana mumoyo medu tisina shungu dzekuda Mwari, minamato, mitemo, mipiro, mitambo, zvipo, nziyo… nemabasa edu zvingave zvenhando. Kana ndisina rudo kutaura kwangu kunongova ruzha chete. Shungu dzekuda Mwari idzi ndidzo dzinosaka kuti vanhu vaMwari vanzi: “Ndiudzei kuti nderupi rudzi rukuru runa Mwari padyo narwo saTenzi Mwari wedu ari padyo nesu nguva yose yatinochema kwaari?”

Shungu dzekuda Mwari ndidzo dzinotiita vaitiri veshoko tisingangovi vanzwi bedzi. Ndidzowo dzinotipa “unamati chaihwo husina netsvekwa pamberi paMwari Baba vedu…hunoti: kushanyira nherera nechirikadzi dzinotambudzika nokuzvichengeta kunoita munhu kuti arege kusvibiswa nezvapasi pano.”

 Shungu dzekuda kugaroona Mwari nekukurukurirana naye, dzikazadza moyo wemunhu, zvinobuda maari zvinove zvinhu zvakanaka zvoga. Kristo anotirayira, mudama rakanaka ranhasi,  kuti zvinobuda kubva mukati memunhu ndizvo zvinosvibisa munhu kana mumoyo make makazara pfungwa dzounyangadzi, nounzenza, noubi, nouurayi, noupombwe, noruchiva, nokuita hutsinye…nokushora Mwari…

Muprofita wandakutaurirai nezvake akanga asingaonani nekukurukurirana naMwari pamusana penzvimbo inoera namanamatiro nematambire ake anoera bedzi. Asati aenda kusango rinoera, aitanga azadzwa nechishuwo chikuru, neshungu zhinji, nechido chakanyanya chekuona huso hwaMwari. Nevadzidzi vake vose, vaivawo nemwoyo wakadai, kunyange vaya vakanga vasisazivi kusango rinoera neminamato nemitambo zvinoera.

Dai Mwari atizadzawo, kekutanga, uye nguva dzose, neMweya Mutsvene kuti tive neshungu, nechido, nechishuwo mumoyo medu, chekuonana naye huso nehuso, tichimuudza nhuna dzedu, iye achitirayira kuda kwake. Mweya Mutsvene anotigonesa kunamata kuna Mwari tichiguwa zvisingagoni kududzirwa nemazwi. Amen.  


©Fr. William Guri, C.Ss.R., 29/08/2015, Annapolis MD USA.




No comments: