Svondo
22 Regore B
Dhuteronomiyo 4:1-2,6-8;
Jemisi 1:17-18, 21b-22,27; Mariko 7:1-8a, 14-15, 21-25)
Kare kare kwaiva nemumwe muprofita waMwari.
Aiva nechipo chekuona Mwari nekutaura naMwari. Ayiti kana achida kuona Mwari
ayienda kusango rinoera. Asvikako, ayinanga panzvimbo inoera, opfutsa moto
unoera. Ayiimba rwiyo runoera, onamata munamato unoera otamba mutambo unoera.
Achinge adaro Mwari aibva auya kwaari votaurirana zvavo.
Zvakazofa muprofita uyu, akasiira mudzidzi
wake chipo ichi chekuona Mwari, nekutaurira vanhu zvaidiwa naMwari,
nekutaurirawo Mwari zvaidiwa nevanhu. Zvakazofawo mudzidzi uyu, akasiirawo
chipo ichi kumudzidzi wakewo, rambe zvichingodaro kwemakore nemakore,
nezvizvarwa nezvizvarwa.
Zvakazoitika kuti kwakave nemudzidzi akanga
asingazivi kune sango rinoyera. Uyu akatsvaga nzvimbo inoera, akapfutsa moto
unoera, akaimba, akanamata nekutamba zvinoera, Mwari achibva auya kwaari,
vakataurirana zvavo.
Nekufamba kwenguva kwakazova nemudzidzi
akanga asisachazivi chero sango, nzvimbo, moto, munamato, mutambo kana rwiyo,
zvinoera zvaishandiswa nevakuru vake vekare kudaidza Mwari kuti vataurirane. Asi
akabatwa chaizvo neshungu dzekuda kutaura naMwari. Pamusana peshungu chete,
Mwari akauya kwaari, vakataurirana zvavo. Apa ndipo kanofira sarungano.
Chii chatingaite kuti Mwari auye kwatiri,
titaurirane naye, tichimuudza zvichemo zvedu, iye achitiudza zvaanoda kuti
tiite? Kuenda kunzvimbo dzinoyera here? Kuita minamato here? Kuchengeta mitemo
here? Inziyo nemitambo zvinoyera here? Kupfeka hanzu dzinoera here? Kudaidzwa
zita rinoera here?
Hukama hwedu naMwari hunotanga neshungu
dzekuda Mwari. Vakakomborerwa vane nzara nenyota yehururami. Mweya wangu une
nyota yaMwari mupenyu. Mambo anoti ndinoda rudo kwete muteuro. Humambo hwaMwari
huri mukati medu. Kare makafadzwa neropa rezvipfuwo kana nezvibereko zveminda
asi zvino munoda hupenyu hwemunhu…mwoyo nekuda kwake. Gamuchirai Mambo moyo
wangu wose…Ndilibe chuma chakupeleka kuMulungu wanga ndipeleka moyo wanga.
Kana mumoyo medu tisina shungu dzekuda Mwari,
minamato, mitemo, mipiro, mitambo, zvipo, nziyo… nemabasa edu zvingave
zvenhando. Kana ndisina rudo kutaura kwangu kunongova ruzha chete. Shungu
dzekuda Mwari idzi ndidzo dzinosaka kuti vanhu vaMwari vanzi: “Ndiudzei kuti
nderupi rudzi rukuru runa Mwari padyo narwo saTenzi Mwari wedu ari padyo nesu
nguva yose yatinochema kwaari?”
Shungu dzekuda Mwari ndidzo dzinotiita
vaitiri veshoko tisingangovi vanzwi bedzi. Ndidzowo dzinotipa “unamati chaihwo
husina netsvekwa pamberi paMwari Baba vedu…hunoti: kushanyira nherera
nechirikadzi dzinotambudzika nokuzvichengeta kunoita munhu kuti arege
kusvibiswa nezvapasi pano.”
Shungu dzekuda kugaroona Mwari
nekukurukurirana naye, dzikazadza moyo wemunhu, zvinobuda maari zvinove zvinhu
zvakanaka zvoga. Kristo anotirayira, mudama rakanaka ranhasi, kuti zvinobuda kubva mukati memunhu ndizvo
zvinosvibisa munhu kana mumoyo make makazara pfungwa dzounyangadzi, nounzenza,
noubi, nouurayi, noupombwe, noruchiva, nokuita hutsinye…nokushora Mwari…
Muprofita wandakutaurirai nezvake akanga
asingaonani nekukurukurirana naMwari pamusana penzvimbo inoera namanamatiro
nematambire ake anoera bedzi. Asati aenda kusango rinoera, aitanga azadzwa
nechishuwo chikuru, neshungu zhinji, nechido chakanyanya chekuona huso hwaMwari.
Nevadzidzi vake vose, vaivawo nemwoyo wakadai, kunyange vaya vakanga vasisazivi
kusango rinoera neminamato nemitambo zvinoera.
Dai Mwari atizadzawo, kekutanga, uye nguva
dzose, neMweya Mutsvene kuti tive neshungu, nechido, nechishuwo mumoyo medu,
chekuonana naye huso nehuso, tichimuudza nhuna dzedu, iye achitirayira kuda
kwake. Mweya Mutsvene anotigonesa kunamata kuna Mwari tichiguwa zvisingagoni
kududzirwa nemazwi. Amen.
©Fr. William Guri, C.Ss.R., 29/08/2015, Annapolis MD USA.
No comments:
Post a Comment