Saturday, August 22, 2015

Ndirori shoko renyu Tenzi wangu!


SVONDO 21 REGORE B
Zvidzidzo: Yoshuwa 24:1-2a, 15-17, 18b; VaEfeso 5:21-32; Yowane 6:60-69

Pane rwiyo rwandinofarira chaizvo runoimbwa tichigadzirira kunzwa shoko raMwari pamisa:

“Ndirori shoko renyu Tenzi wangu,
Shoko ramakareva, kumuranda wenyu rakandipa tariro
Shoko rinondinyaradza, munhamo dzangu
Shoko ramakandipikira, rinondiraramisa
Kunyangwe vaya vanodada vakandiseka zvikuru
Handina kutsauka pamurawo wenyu.”

Rwiyo urwu runotiyeuchidza nekutikurudzira chitendero chakasimba chatinodzidziswa neKirike mushoko raMwari. Yowane muvhangeri anotidzidzisa kuti pakutangatanga kwanganga kuina Izwi, aigara naMwari uye anovawo Mwari. Chishamiso chikurukuru chechitendero chedu ndechichi: Izwi akava munhu akagara nesu. Mambo wedu Yesu Kristo ndiye Izwi anotaurwa nezvake uyu. Ruponeso rwedu runouya nekugamuchira Izwi, anova ndiye Mwari.

Izwi rake ndiye chipo chaMwari chinoshamisa chaanopa kwatiri, pamusana perudo rwake kwatiri rwakanyanya. Rudo rwaMwari kwatiri runoshamisa nekuti rwakasiyana nerudo rwatinopanana sevanhu. Tinoda munhu anotidawo, uye anotiitira zvakanaka. Asi Mwari anotida kunyangwe tiri vatadzi vanomuitira zvakaipa. Ndosaka tichidaira tichiti: “Mambo handikodzeri kuti mupinde muneni, ingotaurai izwi chete, mweya wangu unoponeswa.” Chokwadi hatikodzerani naMwari. Asi, kunyangwe dai tisingakodzeri rudo rwaMwari, Izwi raMwari rinotiponesa.

Muchidzidzo chechiposhi tinosangana nemhinduro inopihwa nevanhu vaMwari pavanobvunzwa nemuranda waMwari kuti vakamira papi chaizvo. Muhupenyu panosvika nguva iya inonzi naTuku: Handiende kudzamara wandiudza pumire chaipoipo. Yoshuwa nevana vaIsrael vaaitungamirira vakanga vasvika panguva yakadai murwendo rwavo sevanhu vakasarudzwa naMwari. Vanofanira kuti vasarudze zviri pachena, kuramba vari panaMwari wevadzibaba wavo here, kana kuti vochiita havo madiro aJojina, vachizvisarudzira vamwe vamwari.

Sarudzo iyi yakaoma nekuti mukufamba muchitendero kwatinoita, tinosangana nemiyedzo inoda kutitsaudza kubva pana Mwari wedu, wechibarirwe, wechipikirwa, wemadzibaba edu. Matinofamba, matinogara, matinoshanda, matinoswera, matinotsvaga chekurarama nacho, matinotsvaga mafaro epanyama nepamweya, tinosangana negakavhenge, saruraude yevamwari vakasiyanasiyana. Vamwari ava vanotivimbisa kupona, kupfuma, kufara, kugarika, kudiwa, kukudzwa chiriporipo. Vanoita kuti zvatinoona Mwari wedu achinge munhu anoswererera ivo vamwari ava vanogona kubva vangotiitira nekutipa ipapo ipapo.

Saka zuva rega rega takatarisana nemuyedzo wekusiya Mwari wedu tichitanga kutevera vamwe vamwari. Dai zvaibuda pachena kuti tiri panguva yekududza patimire chaipoipo, zvaiva nyore. Asi vamwari ava vanoita setsvimbo inorova isina maungira. Vanoita sekamoto kamberevere kanozopisa matanda mberi. Vanoruma vachifurudzira segonzo. Munhu anozotongokanuka atorasa Mwari wechokwadi, amira nevamwari venhema. Nzira dzemunyengedzi dzine hutesveri hunosvosva mweya wemunhu zvinyoronyoro kudzamara munhu arasikirwa nemweya wake pachake. Inga Kristo akatsiura wani akati: Ko iye munhu anobatsirwa neiko, kuzviwanira zvapasi zvose asi achirasikirwa nemweya wake pachake?

Saka Yoshuwa anobvunza vana vaIsrael: “Kana musingadi kuteerera Mwari, sarudzai nhasi mutaure pachena kuti wamunoda kuteerera ndiyani?” Vasati vapindura iye anobva avabudira pachena paamire chaipoipo: “Kana zviri zvangu ini nevedzinza rangu, tichateerera tenzi.” Zvino zvave kwavari kufuga kana kuwarira. Vakakomborera avo vanowana mukana uyu wekupenengura hana dzavo vachisarudza zvavanoda kuita. Vazhinji vanoshaya mukana uyu saka vachizongoitawo zindoendawo rezongororo rinozodzoka ranzwa kuti rabondera. Vachingoitawo gudzamudungwe inenge yehwiza inongotevera nevakananga mudondo. Vazhinji vanongoitawo hwedhongi rinoperekedza n’ombe kudhibhi asi iro risingandotiwi.

Nekuti vakapihwa mukana uyu naYoshuwa vanhu vaMwari vakakwanisa kuona zvinhu sezvazviri, chitema kana chichena, chakanaka kana chakaipa. Tinoshayiwa vatungamiriri pamweya vanotipa mukana uyu wekupenengura hana dzedu kuti tigone kuita sarudzo dzakanaka muhupenyu. Nokudaro vana vaIsrael vakapindura zvine mutsindo kuti: “Hazvibviri kuti tiparadzane naTenzi titeerere vamwe vamwari! Handiye Tenzi Mwari wedu here akatiburitsa isu navadzibaba vedu munyika yeIjipiti mataigara tiri vatapwa? Handi Tenzi here akaita zvishamiso zviya tichizviona? Handiye here akatichengeta rwendo rwese rwatakafamba…. Aiwa nesuwo tichateerera Tenzi, nokuti iye ndiye Mwari wedu.”

Vanhu vanga varasika ava, vachitorwa mwoyo nezvimwari zvenyika itsva yavakanga vapinda zvisina maturo vachirasa Tenzi Mwari wavo akanga abva navo kure uye avaitira mabasa mazhinji anoshamisa. Kana isu tinogaroimba zuva nezuva kuti: “Haiwa Mambo mabasa enyu anoshamisa kwazvo,” tinogona kuvarairwa tikatorwa mwoyo nevamwari vasiri ivo. Kurasika inyore, asi kudzoka kunorema. Kudzoka kunorema kana tikashaya mukokeri anenge Yoshuwa, anotiyeuchidza kwatakabva nezvatakaitirwa naMwari, uye anotipa mukana wekupika pakare sekuimba kwatinoita: “Ndinoda kupika, kupika pakare kutevedza zvose zvandakatsidzira kuita…”

Zviri nyore kufuratira chitendero chechokwadi pamusana pekuti chave chekare tichimhanyirira zvitsva. Asika Kristo ndiyeye wanezuro, wanhasi, newamangwana. Chimwe chitsva chatichada nezvaKristo chii? Pauro anokurudzira Timoti achiti: “Rangarira chitendero chaambuya vako Loise, chaivawo munaamai vako Eunice, uye chandinovimba kuti chirimowo mauri…” Zviri nyore kukanganwa zvinhu zvakanaka zvakawanda zvatakaitirwa naMwari tichimhanyirira zvitsva zvatisina chokwadi nzvo. Hanzi naMacheso: “Ngwarira kurasa chiri mumaoko nekuda kuombera chavimbiswa, izvo muzere mhepo.”

MuDama Rakanaka tinoona Mambo wedu Yesu Kristo achimisa vadzidzi vake panzvimbo imwechete pakamiswa vana vaIsrael naYoshuwa kuti vaite sarudzo yakakosha iyi. Zita rekuti Yesu nerekuti Yeshuwa nderimwe chete – rinoreva kuti ‘Mwari anoponesa.’ Yesu na Yeshuwa vanotiratidza basa rinofanira kuitwa nemutumwa waMwari – kumisa vanhu panzvimbo yekuti vagone kuita sarudzo. Mozesi akazviitawo izvi: “Nhasi ndonoisa pamberi penyu mvura nemoto, hupenyu nekugarika,  rufu nekuparadzwa. Chisarudzai nhasi kuda Tenzi Mwari wenyu, kufamba munzira dzake nekuchengeta mitemo yake, kuti muwande mubudirire, iye Mwari agokukomborerai munyika yamave kupinda…”

Mushure mekunge Yesu agutsa vanhu vazhinji nechingwa chishomashoma anodisa kuvadzidzisa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi asi neshoko (izwi) riri rose rinobva mumuromo waMwari. Nekuti vanhu vakanga vasina kubata hudzamu hwechishamiso ichi chinotaura zvakakomba pamusoro pemweya kudarika hupenyu hwenyama. Yukaristiya Sande yatinopemberera nanhasi ine hudzamu hwedzidziso iyi, yenyama neropa, chingwa chehupenyu husingaperi, muviri waKristo.

Nokudaro tinoona nhoroondo refu iri muchitsauko chechitanhatu chevhangeri yaYowane, apo Yesu anotaura nezvechingwa chehupenyu husingaperi. Paanovataurira kuti nyama yake neropa rake iye Yesu ndizvo chokudya chinopa hupenyu husingaperi, vanhu vanokahadzika nazvo. Kwavari nyama yemunhu neropa remunhu hazvingadyiwi. Kudya munhu huroyi hunorambwa nevanhu vose pasi rose. Munhu anodya nyama yemunhu anoti kutyisa ogoti kuvengwa nevanhu. Ndosaka vazhinji vevadzidzi vaYesu “vakan’un’uzhikira shoko iri” vachiti: Shoko iri rinosvotesa kwazvo, ndiani angagone kurinzwa?”

Zviri nyore chaizvo kurarama hupenyu panyama bedzi, pasina kufunga nezvemweya. Varungu vane tsumo inoti: “Rudo rwembwa ruri mudumbu.” Kureva kuti imbwa inoita rudo newe kana uchiipa chekudya. Vanhu vakaita rudo rwakadai naYesu mushure mekunge avagutsa nechingwa. Vaitoda kukumanikidza kuti ave mambo wavo, vagogara zvavo vachidya chingwa chemahara! Asi Yesu paanoda kuvakwevera kuhudzamu hwemweya tinoona vanhu vachiti du du du kudzokera shure. Vakuru vakati: Munhu anonzi gara tidye, kwete gara tife. Yesu paanotanga kutaura nezverufu rwake runotiponesa, vazhinji tinotanga kudududza kudzokera shure.

Yesu haatyi kuti zvino ndave kurasikirwa nevanhu. Haati chiregai ndingorambe ndichivafadza kuti vasandisiye. Haana kuramba achidzokorora zvishamiso kuti vanhu vanakidzwe varambe vainaye. Mazuwano tinoona vatungamiri vanoita zvose zvavanogona kuti ruzhinji rurambe ruinavo. Vanosarudza kurega kutaura nezvechipiyaniso chaKristo nekuti zvingaite kuti vanhu van’un’uzhike vavasiye. Saka, vanosimbirira zvekupfumiswa, nekubudirira, zvekuwanda kwemakomborero nekuzara kwezvipo. Vanodaro nekuti vanotya kuti vangatizwe nevanhu. Vanobudirira nekuti vanhu havadi zvinhu zvinovanetsa, vanofadzwa neminana inonakidza nzeve nemaziso kunyangwe dai zviri zvenguva pfupi.

Kristo haatyi kuti angatizwe nevanhu. Akadzidzisa kuti pindai waro nenzira yakamanikana nekuti nzira yakafaranuka inoenda kundoparadzwa. Kristo akati kana munhu achindida ngaatakure chipiyaniso chake anditeere. Akati kuJaya Mupfumi enda undotengese zvose zvauinazvo upe varombo wouya unditevere. Akati zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muhumambo hwedenga. Akatizve kana munhu asingadyi nyama yangu nekunwa ropa rangu haangavi nehupenyu husingaperi. Dzidziso yakadai iyi inokonzeresa kuti vanhu van’un’uzhike, asi Kristo haatsukunyuki paakamira panyaya iyi. Anoramba akamira semusambangwena.

Panzvimbo yekunyengetedza vain’un’uzhika nekupfavisa dzidziso yake kuti igamuchirike nyore, vanhu vafare, varambe vakamuunganira, Kristo anotoramba akasimba asingatsukunyuki. Ndizvo zvinonzi nevaManyika: “Hatidzori tsvimbo ngekuti mutiro abata kuhope!” Ndizvo zvaiimbwa nemagandanga muhondo kuti: “Hatinyengerere povo, kana kurambana nayo.” Kangani katakatsvaga kurerutsa mitemo yaMwari kana mitemo yeKirike nekutya kuti tingatizwe nevanhu? Kangani katakadzokera shure pazvisungo zvedu semhuri nekutya kuti tingasare tega? Kangani katakatadza kumirira chokwadi chatinoziva nekutya kuti vanhu vanozotitiza?

Kristo ari kuti kana dzidziso iyi ikakuomerai endai zvenyu handityi kusara ndega. Saka anotendeukira kune vane gumi, vaya vaakasarudza kuti vave pamwechete naye mubasa rake, ovabvunza asingatsengi mazwi ake kuti: “Nemiwo mava kuda kuparadzana neni here?” Kana paine munhu anonzi wako chaiye ndeuya asingatyi kukubvunza mubvunzo wakadai. Anokuda zvenhema anoda kukufadza nenhema, asi munhu anokuda zvechokwadi anozvipira kukubvunza mubvunzo wakaoma kudai. Haatyi kuti angarasikirwe newe. Vazhinji vanodaidzwa, asi vashoma vanosarudzwa. Aya ndiwo masarudzirwe anoitwa vashoma kubva muvazhinji.

Petere ndiye akapindura, nekuti Petere ndiye mukuru wevapositori. Kirike rinokoshesa hukuru hwaPetere uhu, nekudaro rinoramba rakamirawo nemhinduro yaPetere iyi: “Nhayi Mambo, tingaende kunaaniko, imi muri’mi muna mazwi oupenyu husingaperi? Uye isu takatendera, tikaziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Kune chirevo chechiLatin chinoti: Roma locuta causa finita est – chinoreva kuti panenge paine nyaya dzinenge dzichinetsa muchitendero zvinenge zvataurwa nemubhishopi weRoma ndizvo zvinopedza gakava. Chirevo ichi chinobva pakucherechedza kunoita Kirike kukosha kwemhinduro yaPetere iyi.

Takatarisana nesarudzo yevana vaIsarael pakati pevamwe vamwari naTenzi Mwari. Takatarisanazve nesarudzo yevadzidzi pakati pekugamuchira shoko raKristo nekuriramba. Takatarisanawo muhupenyu hwedu zuva nezuva  nesarudzo pakati pechakanaka nechakaipa. Pachitendero chedu takatarisanawo nesarudzo pakati paMwari wechokwadi nevamwe vamwari vevadisi vezvapasi vangotekeshera kudai. Ngatisarudzei sevana vaIsrael. Ngatisarudzei sevapostori vachidairirwa naPetere. Ngatisarudzei Izwi raMwari akava munhu akagara nesu.

“Ndirori shoko renyu Tenzi wangu,
Shoko ramakareva, kumuranda wenyu rakandipa tariro
Shoko rinondinyaradza, munhamo dzangu
Shoko ramakandipikira, rinondiraramisa
Kunyangwe vaya vanodada vakandiseka zvikuru
Handina kutauka pamurawo wenyu.”

Ngatikumbirei Mwari kuti atisimbise patinosangana nemuyedzo wekutevera vamwe vamwari vasiri ivo zvakaita vana vaIsrael. Ngatikumbireiwo chitendero chinenge chaPetere nevapositori vakaziva kuti Kristo ndiye ane mashoko ehupenyu. Ngatinamatei kuti Mweya muSande atizadze nechitendero chakasimba nechitarisiro chizere nechido chisingaperi.  Amen.


©Fr. William Guri, C.Ss.R., 23/08/2015, Annapolis MD USA.

No comments: