SVONDO 28
REGORE B2015: KUKUMBIRA MVURA
Dhuteronomiyo 28:1-6, 11-12ab, 1
Petrosi 5:5b-7, Mateo 6:24-34
Paivapo. Kare kare kwazvo, mhuka dzesango dzakawirwa
nedambudziko remvura. Nzizi, madziva, matoro, makuvi, zvisipiti, nematsime zvose
zvakapwa kukava nekushaiwa kwemvura kukuru. Mhuka dzakagara musangano
dzichitsvaga zvekuzvibatsira nazvo. Dzakabvumirana kuti dzichere tsime.
Paakanzwa izvi, Tsuro akaoma mbabvu nekuseka: “Munofunga kuti muri vanhu here
imi vanochera matsime? Muri mhuka imi hamufi makachera tsime mukabata mvura!”
Zvisinei mhuka, hadzina kuora moyo, dzikashingirira kuchera
tsime. Mhuka yega yega, huru nediki, yakatora chijana chayo chekuchera. Tsuro
ndiye ega mhuka yakaramba kuchera nevamwe. Akati: “Handingazvinetsi nebasa
randinoziva kuti harifi rakabudirira.” Mhuka dzakachera dzikachera,
dzikagochera nokuchera dzacherazve, asi mvura yakaramba kubatwa. Tsuro
akanyanya kuseka nekunyomba mhuka dzose dzaivavarira kuchera tsime.
Zvino Kamba akauyawo akati anoda kutorawo chijana chake
chekuchera tsime. Dzimwe mhuka, naTsuro, dzakamushora dzikati: “Iwe Kamba
unechinono, haugoni kufambisa, uri kutipedzera nguva yedu. Rega isu takasimba
tinokurumidza tichere.” Asi Nzou akatsiura dzimwe mhuka achiti: “Hama dzangu, Kamba
uyu mumwe wedu. Naiyewo anoshaiwa mvura. Ngatimupewo mukana aitewo paanogona,
apedzewo shungu dzake. Hazvina mhosva kana dai achinonoka.”
Nokudaro Kamba akapihwa mukana ndokutanga kuchera, dzimwe
mhuka ndokuzorora. Kamba akatora nguva refu ari muvhu achifukura dzimwe mhuka
ndokukanganwa nezvake. Aichera achiimba chimbo chake achiti: “Chifukufuku,
kamba chinozvara matope.” Dzimwe mhuka dzakaseka chimbo ichi dzikanyanya
kunyomba Kamba, dzese naTsuro. Dzakakazokanuka kuona mvura ichiti dzutu kubva
pasi zvine mutsindo dzikasara dzazara matope. Mhuka dzose dzakazowana mvura
yakawanda yakanaka, yakadziraramisa kudzamara pakazonayazve mvura yedenga. Apa
ndipo pakaperera Sarungano.
Svondo rakapera pamberi vatenderi vekuBotswana vakaita Misa
yavo yekukumbira mvura paGaborone Dam. KuBotswana kune dambudziko guru remvura.
Ndakasiririswa kwazvo ndichiona paFace Book mifananidzo yevatenderi
vekuBotswana vakaungana padhamu ravo rakaoma kuti papata. Ndikati Mwari honai
vana venyu ava, vapeiwo mvura yavanochemera. Dai Mwari akanzwawo kuchema uku.
Svondo rino muZimbabwe vatenderi vari kuitawo Misa
yekukumbira mvura. Madhamu edu mazhinji asara nemvura shomashoma. Kana dhamu
redu reKariba, rinova rimwe remadhamu makurukuru pasi pose, rasara nemvura
shomashoma. Kushomeka kwemvura muKariba kuri kukonzeresawo kushaikwa kwemagetsi
munyika yose. Misa yemvura iri kuitwa gore rino tiri pakati pedambudziko guru
remvura, sezvo gore rakapera isina kuturuka zvakanaka.
Gore rega rega tinoita Misa iyi panguva dzino dzekuturuka
kwemvura. Misa iyi inorevei kwatiri? Ko kana mvura ikasanaya zvakanaka zvakare
gore rino mushure mekunge taita Misa iyi, zvinorevei kwatiri? Ko kana isu
tikaita Misa iyi, asi vamwe vanodawo mvura sesu vakasabatana nesu zvinorevei?
Kana mvura ikanaya zvakanaka tingati here ndisu tinenge tasakisa izvi nekuti
takaita Misa iyi?
Kana tichinamatira mvura tiri kupupura chitendero chedu
munaMwari muchengeti wedu. Tinovimba naMambo, akasika denga napasi. Tinoziva
kuti zvinhu zvose zvatiinazvo nezvatinowana zvipo zvemoyochena waMwari wedu.
Moyochena waMwari ndiwo unosaka anayise mvura kumunhu wese, akanaka neakaipa.
Kukumbira mvura kwedu kupupura chitendero chedu muna Mwari wemoyochena uyu.
Muna Dhuteronomiyo tinoona kuti mvura iri pakati pezvinhu
zvakanaka zvinotarisirwa nevanhu vaMwari vanochengeta mitemo yake. Mozesi anoti:
“Mukaramba muchiteerera Mwari Tenzi wenyu achitaura kwamuri muchaona
kukomborerwa kwamuchaitwa…Mwari achakuzarurirai denga umo maanochengeta hupfumi
hwake hwakanaka. Achanyorovesa nyika yenyu achakupai mvura yakanyatsoringana
nenguva yakafanira.”
Petrosi musande anotidzidzisa kuti Mwari anopa avo
vanozvidukupisa zvipo zvemoyochena wake. Anotikurudzira kuti tizviise pasi
peruoko rwaMwari rune simba tichizviita vaduku kuti agotisimudzira nenguva
yake. Petrosi anoti: “Turirai mutoro wose wenhuna dzenyu kwaari nokuti iye ane
hanya nemi.” Kana tichipira muteuro weMisa yekukumbira mvura, tiri kuita izvi
zvatakadzidziswa naPetrosi mupositiri.
Mudama Rakanaka Kristo anotishingisa kuti tisazvidye moyo.
Nyaya yemvura iri kutipa kuzvidya moyo kwakanyanya. Gore rino mvura ichanaya
zvakanaka here? Kana mvura ikanaya tichaguta here? Tichawana mvura inozadza
Kariba zvakare here? Pfumvu yekushaya magetsi yatiri kuona iyi ichapera
nekunaya kwemvura here? Iko kushomeka kwemvura uku asi ndiyo global warming yacho? Asi nyika yedu
yave kutoita gwenga takatarisa?
Mashoko aKristo anotiyeuchidza kuti hupenyu hwedu hukuru
pane chekudya nechokunwa. Hupenyu hwedu hwakakosha kuna Mwari, anokoshesa
kunyangwe tushiri tudikidiki twesango. Kristo anoda kuti tisakanganwe kukosha
kwedu pamusana penhamo dzatinosangana nadzo. Nhamo dzinouya dzichienda, asi
zvatakatsidzirwa naMwari zvinoramba zviripo narini. Mwari haasi munhu,
haanyengedzi uye haakundikani. Mwari haadi kuti tiparadzwe, anoda kuti
titendeuke tirarame.
Takatarisana nedambudziko remvura iri, chitendero chedu
chiri kubvunzwa kuti: “Inga munotendera muchikonona wani. Nezvo musazvidya moyo yenyu muchiti,
‘Tichadyei? Tichanwei?’ kana, Tichapfekei?’ Inga izvo zvose ndizvo
zvinomhanyirirwawo navahedheni; asi Baba venyu Nyadenga vanozviziva kuti izvi
zvose muri kuzvidawo.” Sei tichikonona?
Imwe nyanzvi yezvemunamato yakadzidzisa kuti: Minamato yedu
dai ichingova yekutenda chete, nekuti Mwari anoziva kare zvose zvatinoda. Chii
chitsva chiri panhamo dzedu chatingaudze Mwari pakukumbira kwatinoita? Nekuti
Mwari anoziva zvido zvedu zvose, tingadai tichigaromutenda kutipa kwaanoita
zvatinoda zuva rega rega. Misa muteuro wekutenda, nekuti tinoziva kuti Mwari
anotipa, nemoyochena wake, zvose zvatinoda. Saka Misa yekukumbira mvura inofanira
kupirwa nemweya wekutenda moyochena waMwari mukati mekukumbira kwatinoita.
Tinonamatira mvura kuti tidye tichiguta, kuteera kuti kana
takaguta tigone kushandira humambo hwaMwari. Zvipo zvose zvatinopihwa naMwari,
kusanganisira Mvura, zvinofanira kutibatsira kuswedera padyo naMwari. Kristo
anoti: “Kutangira zvose, tsvagai humambo hwaMwari noururami hwake, nokudaro
zvimwe izvi zvose zvichazopamhidzirwa kwamuri.”
Mhuka dzesango padzakarangana kuchera tsime, kuti dziwane
mvura hadzisi dzose dzakanga dziine chinangwa chakarurama. Paive naTsuro
anoshora vamwe, uye asingadi kubatana nevamwe. Paivawo nevamwe vanotarisira
Kamba pasi vanoda kumudzivisa kuitawo pake paanogona napo. Paive naNzou anorwira
kodzero dzaKamba. Paivewo naiye Kamba, nyakushorwa, nyakunyombwa,
nyakutarisirwa pasi, anozova ndiye nyakubata mvura. Takatarisana neMisa
yekukumbira mvura iyi, tinoona kuti mhuka dzese dziripo. Iwe uri mhuka ipi?
Tinokumbira mvura yakakwana, isina mheremhere, inotanga
nekupera nenguva yakafanira, inogutsa masango neminda, vanhu nemhuka neshiri,
inotigonesa kutsvaga humambo hwamwari takaguta, tinzweiwo Mambo. Tinokumbira
kuti mutinzwewo.
Amen.
©Fr.
William Guri, C.Ss.R., 11/10/2015, Annapolis MD, USA.
No comments:
Post a Comment