Saturday, October 10, 2015

Tinokumbira mvura yakakwana....

SVONDO 28 REGORE B2015: KUKUMBIRA MVURA

Dhuteronomiyo 28:1-6, 11-12ab, 1 Petrosi 5:5b-7, Mateo 6:24-34

Paivapo. Kare kare kwazvo, mhuka dzesango dzakawirwa nedambudziko remvura. Nzizi, madziva, matoro, makuvi, zvisipiti, nematsime zvose zvakapwa kukava nekushaiwa kwemvura kukuru. Mhuka dzakagara musangano dzichitsvaga zvekuzvibatsira nazvo. Dzakabvumirana kuti dzichere tsime. Paakanzwa izvi, Tsuro akaoma mbabvu nekuseka: “Munofunga kuti muri vanhu here imi vanochera matsime? Muri mhuka imi hamufi makachera tsime mukabata mvura!”

Zvisinei mhuka, hadzina kuora moyo, dzikashingirira kuchera tsime. Mhuka yega yega, huru nediki, yakatora chijana chayo chekuchera. Tsuro ndiye ega mhuka yakaramba kuchera nevamwe. Akati: “Handingazvinetsi nebasa randinoziva kuti harifi rakabudirira.” Mhuka dzakachera dzikachera, dzikagochera nokuchera dzacherazve, asi mvura yakaramba kubatwa. Tsuro akanyanya kuseka nekunyomba mhuka dzose dzaivavarira kuchera tsime.

Zvino Kamba akauyawo akati anoda kutorawo chijana chake chekuchera tsime. Dzimwe mhuka, naTsuro, dzakamushora dzikati: “Iwe Kamba unechinono, haugoni kufambisa, uri kutipedzera nguva yedu. Rega isu takasimba tinokurumidza tichere.” Asi Nzou akatsiura dzimwe mhuka achiti: “Hama dzangu, Kamba uyu mumwe wedu. Naiyewo anoshaiwa mvura. Ngatimupewo mukana aitewo paanogona, apedzewo shungu dzake. Hazvina mhosva kana dai achinonoka.”

Nokudaro Kamba akapihwa mukana ndokutanga kuchera, dzimwe mhuka ndokuzorora. Kamba akatora nguva refu ari muvhu achifukura dzimwe mhuka ndokukanganwa nezvake. Aichera achiimba chimbo chake achiti: “Chifukufuku, kamba chinozvara matope.” Dzimwe mhuka dzakaseka chimbo ichi dzikanyanya kunyomba Kamba, dzese naTsuro. Dzakakazokanuka kuona mvura ichiti dzutu kubva pasi zvine mutsindo dzikasara dzazara matope. Mhuka dzose dzakazowana mvura yakawanda yakanaka, yakadziraramisa kudzamara pakazonayazve mvura yedenga. Apa ndipo pakaperera Sarungano.

Svondo rakapera pamberi vatenderi vekuBotswana vakaita Misa yavo yekukumbira mvura paGaborone Dam. KuBotswana kune dambudziko guru remvura. Ndakasiririswa kwazvo ndichiona paFace Book mifananidzo yevatenderi vekuBotswana vakaungana padhamu ravo rakaoma kuti papata. Ndikati Mwari honai vana venyu ava, vapeiwo mvura yavanochemera. Dai Mwari akanzwawo kuchema uku.

Svondo rino muZimbabwe vatenderi vari kuitawo Misa yekukumbira mvura. Madhamu edu mazhinji asara nemvura shomashoma. Kana dhamu redu reKariba, rinova rimwe remadhamu makurukuru pasi pose, rasara nemvura shomashoma. Kushomeka kwemvura muKariba kuri kukonzeresawo kushaikwa kwemagetsi munyika yose. Misa yemvura iri kuitwa gore rino tiri pakati pedambudziko guru remvura, sezvo gore rakapera isina kuturuka zvakanaka.

Gore rega rega tinoita Misa iyi panguva dzino dzekuturuka kwemvura. Misa iyi inorevei kwatiri? Ko kana mvura ikasanaya zvakanaka zvakare gore rino mushure mekunge taita Misa iyi, zvinorevei kwatiri? Ko kana isu tikaita Misa iyi, asi vamwe vanodawo mvura sesu vakasabatana nesu zvinorevei? Kana mvura ikanaya zvakanaka tingati here ndisu tinenge tasakisa izvi nekuti takaita Misa iyi?

Kana tichinamatira mvura tiri kupupura chitendero chedu munaMwari muchengeti wedu. Tinovimba naMambo, akasika denga napasi. Tinoziva kuti zvinhu zvose zvatiinazvo nezvatinowana zvipo zvemoyochena waMwari wedu. Moyochena waMwari ndiwo unosaka anayise mvura kumunhu wese, akanaka neakaipa. Kukumbira mvura kwedu kupupura chitendero chedu muna Mwari wemoyochena uyu.

Muna Dhuteronomiyo tinoona kuti mvura iri pakati pezvinhu zvakanaka zvinotarisirwa nevanhu vaMwari vanochengeta mitemo yake. Mozesi anoti: “Mukaramba muchiteerera Mwari Tenzi wenyu achitaura kwamuri muchaona kukomborerwa kwamuchaitwa…Mwari achakuzarurirai denga umo maanochengeta hupfumi hwake hwakanaka. Achanyorovesa nyika yenyu achakupai mvura yakanyatsoringana nenguva yakafanira.”

Petrosi musande anotidzidzisa kuti Mwari anopa avo vanozvidukupisa zvipo zvemoyochena wake. Anotikurudzira kuti tizviise pasi peruoko rwaMwari rune simba tichizviita vaduku kuti agotisimudzira nenguva yake. Petrosi anoti: “Turirai mutoro wose wenhuna dzenyu kwaari nokuti iye ane hanya nemi.” Kana tichipira muteuro weMisa yekukumbira mvura, tiri kuita izvi zvatakadzidziswa naPetrosi mupositiri.

Mudama Rakanaka Kristo anotishingisa kuti tisazvidye moyo. Nyaya yemvura iri kutipa kuzvidya moyo kwakanyanya. Gore rino mvura ichanaya zvakanaka here? Kana mvura ikanaya tichaguta here? Tichawana mvura inozadza Kariba zvakare here? Pfumvu yekushaya magetsi yatiri kuona iyi ichapera nekunaya kwemvura here? Iko kushomeka kwemvura uku asi ndiyo global warming yacho? Asi nyika yedu yave kutoita gwenga takatarisa?

Mashoko aKristo anotiyeuchidza kuti hupenyu hwedu hukuru pane chekudya nechokunwa. Hupenyu hwedu hwakakosha kuna Mwari, anokoshesa kunyangwe tushiri tudikidiki twesango. Kristo anoda kuti tisakanganwe kukosha kwedu pamusana penhamo dzatinosangana nadzo. Nhamo dzinouya dzichienda, asi zvatakatsidzirwa naMwari zvinoramba zviripo narini. Mwari haasi munhu, haanyengedzi uye haakundikani. Mwari haadi kuti tiparadzwe, anoda kuti titendeuke tirarame.

Takatarisana nedambudziko remvura iri, chitendero chedu chiri kubvunzwa kuti: “Inga munotendera muchikonona wani.  Nezvo musazvidya moyo yenyu muchiti, ‘Tichadyei? Tichanwei?’ kana, Tichapfekei?’ Inga izvo zvose ndizvo zvinomhanyirirwawo navahedheni; asi Baba venyu Nyadenga vanozviziva kuti izvi zvose muri kuzvidawo.” Sei tichikonona?

Imwe nyanzvi yezvemunamato yakadzidzisa kuti: Minamato yedu dai ichingova yekutenda chete, nekuti Mwari anoziva kare zvose zvatinoda. Chii chitsva chiri panhamo dzedu chatingaudze Mwari pakukumbira kwatinoita? Nekuti Mwari anoziva zvido zvedu zvose, tingadai tichigaromutenda kutipa kwaanoita zvatinoda zuva rega rega. Misa muteuro wekutenda, nekuti tinoziva kuti Mwari anotipa, nemoyochena wake, zvose zvatinoda. Saka Misa yekukumbira mvura inofanira kupirwa nemweya wekutenda moyochena waMwari mukati mekukumbira kwatinoita.

Tinonamatira mvura kuti tidye tichiguta, kuteera kuti kana takaguta tigone kushandira humambo hwaMwari. Zvipo zvose zvatinopihwa naMwari, kusanganisira Mvura, zvinofanira kutibatsira kuswedera padyo naMwari. Kristo anoti: “Kutangira zvose, tsvagai humambo hwaMwari noururami hwake, nokudaro zvimwe izvi zvose zvichazopamhidzirwa kwamuri.”

Mhuka dzesango padzakarangana kuchera tsime, kuti dziwane mvura hadzisi dzose dzakanga dziine chinangwa chakarurama. Paive naTsuro anoshora vamwe, uye asingadi kubatana nevamwe. Paivawo nevamwe vanotarisira Kamba pasi vanoda kumudzivisa kuitawo pake paanogona napo. Paive naNzou anorwira kodzero dzaKamba. Paivewo naiye Kamba, nyakushorwa, nyakunyombwa, nyakutarisirwa pasi, anozova ndiye nyakubata mvura. Takatarisana neMisa yekukumbira mvura iyi, tinoona kuti mhuka dzese dziripo. Iwe uri mhuka ipi?

Tinokumbira mvura yakakwana, isina mheremhere, inotanga nekupera nenguva yakafanira, inogutsa masango neminda, vanhu nemhuka neshiri, inotigonesa kutsvaga humambo hwamwari takaguta, tinzweiwo Mambo. Tinokumbira kuti mutinzwewo.

Amen.

©Fr. William Guri, C.Ss.R., 11/10/2015, Annapolis MD, USA.


No comments: