Sunday, October 25, 2015

Mwanakomana waDhavhiti, ndinzwireiwo tsitsi.

SVONDO 30 REGORE B 2015

YEREMIYA 31:7-9; VAHEBERU 5:1-6; MARIKO 10:46-52

Pane munamato mukuru weMisa unoti: “Munhu akaramba kukuteererai, akachekana hukama nemi. Asi hamuna kuda kuti vanhu vafe vachirova. Makavabatsira kuti vakuzivei, vave venyu. Kazhinji kamakati kuvanhu: ‘Huyai titenderane, imi muve vangu, ini ndive wenyu.’ Makavatumira vaprofita kuzovazivisa zvekuuya kwomuponesi.” (Canon IV).

Munamato uyu unotiyeuchidza dingindira guru renhoroondo yehukama hwedu naMwari rinosanganisira kutadzira kwatinoita Mwari, uye rudo rwaMwari nesu, neshungu dzake dzekuramba achitidzora kwaari. Pamuteuro weMisa wega wega, tinodikanwa kunzi tirangarire zvatakaitirwa naMwari, zvatiri kuitirwa naMwari uye zvatakatsidzirwa naMwari kuti achatiitira. Vakakomborerwa avo vanotendera kuti zvose zvakataurwa naMambo zvichazoitika.

Vaporofita vaiva nebasa rekuyeuchidza vanhu vaMwari zvavakatsidzirwa naMwari. Nekuti kana vanhu vari mukati menhamo nematambudziko, zviri nyore kukangwanwa zvitsidzo zvaMwari kwatiri. Nhamo yangu yandiinayo nhasi, pano pandiri, inogona kundidzimaidza zvekubva ndakanganwa zvose zvakavimbiswa naMwari. Kukanganwa zvitsidzo zvaMwari ndiko kunopa kuti kana tapinda pakuyedzwa titadzire Mwari. Tikayeuka Mwari munguva yekutambudzika nekuyedzwa, tinowana simba rekukunda muyedzi. Kutya Mwari kunoita kuti moyo wako utsige, urege kukurumidzira zvinhu, kana zvaipa.

Muchidzidzo chechiposhi nhasi tinonzwa Yeremiya achitaura mashoko ekusimbisa nekukurudzira vana vaIsraeri kuti vasakanganwe, pavakanga vari mukuyedzwa kukuru. Hanzi: “Onai kuenda kwavakaita vachichema, asi ini ndichavadzosera ndichivanyaradza; ndichavasvitsa pano tunzizi tunoyerera, ndichavafambisa nenzira isina chisingavagumbuse.” Mashoko aya aitaurirwa vanhu vakanga vari pakati pekuomerwa nehupenhu chaizvo. Kuruzhinji rwevanhu mashoko aya ainzwika sekupenga chaiko nekuti zvaisava nyore kufungidzira kuti nhamu yakadai ingapere. Kusatendera uku ndiko kunosaka zvinzi: “Mwari akanunura vanhu vake, chitsama chakasara chavaIsraere.”

Vaprofita vakaparidza kuti kunyaradwa nekununurwa kwevanhu vaMwari uku kuchaitika nekuuya kweMuponesi. Munamato weMisa wandamboreva uya unotiwo: “Kuzoti nguva dzekuti mutinunure dzasvika, makaratidza rudo rwenyu nekutitumira Mwana wenyu pachenyu.” Mutsamba yekuvaHebheru tinonzwa mununuri uyu achitsanangurwa zvaari. Mupriste wegovero raMerkisedheki uyu, anosarudzwa achibva muvanhu  ozogadzwa kuti ave musvitsanisi wavo naMwari. Anogona kupfavira vasina chavanoziva navatsauki nekuti iye pachake akakomberedzwa neutera. Tsamba iyi inotitsanangurira zvakajeka hupriste hwaKristo hwaanotinunura nahwo nekutiwanira kuregererwa kwematadzo edu.  Kristo anozadzikisa kwatiri zvose zvatakavimbiswa nekutsidzirwa naMwari.

Mudama rakanaka tinosangana naye pauzimba, iye akanzi naMwari ndichakutumirai, iye nyakurehwa nevaprofita. Bhartimeo aiva bofu, asi aiziva kuti Mwari akavimbisa kununura vanhu vake sezvatanzwa kuna Yeremiya achiti: “Vachadzokera vari gurumwandira guru kwazvo, vaina mapofu nezvirema…!” Zvino Bhartimeo akanga asangana naye nyakutumwa naMwari kuti izvi zviitike. Ndizvo zvakamupa chivimbo chekumudaidza nemutupo wake uri maererano nebasa rake raakatumwa: “Imi Yesu, mwanakomana waDhavhiti, ndinzwirewo tsitsi.” Kuziva kuti Yesu ndiye Mwanakomana waDhaviti kunoreva kuziva Yesu semuponesi nemununuri waIsraere akatsidzirwa naMwari, nyakurehwa nemagwaro nevaprofita. Munhu wese wenguva yaYesu aiziva kuti ruponeso rwaMwari ruchauya nedungirwa raJesse, uye tsvimbo youtongi hwaMwari haichazobvi muchanza chechizvarwa chaYudha.

Yesu anozadzikisa chishuwo nechikumbiro chaBhartimeo. Vanhu vazhinji vakaona izvi asi havana kunzwisisa kuti chii chaiitika. Havana kuziva kuti ndiko kupenya kwembiri yaMwari pamusoro pavo. Munhu wese anosangana naYesu, akaziva kuti uyu ndiye nyakutumwa naMwari kuzotiponesa, anobva aponeswa. Ani naani anoona Mwanakomana achimutendera anowana upenyu husingaperi. Pamuteuro weMisa tinoona Mwanakomana waDhaviti: Honai Hwayana yaMwari, honai nyakubvisa matadzo apasi….


Kristo anoti kuna Bhartimeo: “Chienda zvako, kutendera kwako kwakuponesa.” Bhartimeo akagamuchira chipo chekuona kuburikidza nekutendera kwake. Akatendera kuti Kristo ndiye mwanakomana waMwari, uyo akanzi achazouya. Kana isu tikatendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari, tikamudaidza kuti atinzwirewo tsitsi, tinoponeswa kubva kuhutera hwedu, kuhupofu hwedu nekumatadzo edu. Ngatinamatirei girasiya rechitendero chakadai. Amen.

No comments: