SVONDO 30 REGORE B 2015
YEREMIYA 31:7-9; VAHEBERU 5:1-6; MARIKO 10:46-52
Pane munamato mukuru weMisa unoti: “Munhu akaramba
kukuteererai, akachekana hukama nemi. Asi hamuna kuda kuti vanhu vafe
vachirova. Makavabatsira kuti vakuzivei, vave venyu. Kazhinji kamakati kuvanhu:
‘Huyai titenderane, imi muve vangu, ini ndive wenyu.’ Makavatumira vaprofita
kuzovazivisa zvekuuya kwomuponesi.” (Canon IV).
Munamato uyu unotiyeuchidza dingindira guru renhoroondo
yehukama hwedu naMwari rinosanganisira kutadzira kwatinoita Mwari, uye rudo
rwaMwari nesu, neshungu dzake dzekuramba achitidzora kwaari. Pamuteuro weMisa
wega wega, tinodikanwa kunzi tirangarire zvatakaitirwa naMwari, zvatiri
kuitirwa naMwari uye zvatakatsidzirwa naMwari kuti achatiitira. Vakakomborerwa
avo vanotendera kuti zvose zvakataurwa naMambo zvichazoitika.
Vaporofita vaiva nebasa rekuyeuchidza vanhu vaMwari
zvavakatsidzirwa naMwari. Nekuti kana vanhu vari mukati menhamo nematambudziko,
zviri nyore kukangwanwa zvitsidzo zvaMwari kwatiri. Nhamo yangu yandiinayo
nhasi, pano pandiri, inogona kundidzimaidza zvekubva ndakanganwa zvose
zvakavimbiswa naMwari. Kukanganwa zvitsidzo zvaMwari ndiko kunopa kuti kana
tapinda pakuyedzwa titadzire Mwari. Tikayeuka Mwari munguva yekutambudzika
nekuyedzwa, tinowana simba rekukunda muyedzi. Kutya Mwari kunoita kuti moyo
wako utsige, urege kukurumidzira zvinhu, kana zvaipa.
Muchidzidzo chechiposhi nhasi tinonzwa Yeremiya achitaura
mashoko ekusimbisa nekukurudzira vana vaIsraeri kuti vasakanganwe, pavakanga
vari mukuyedzwa kukuru. Hanzi: “Onai kuenda kwavakaita vachichema, asi ini
ndichavadzosera ndichivanyaradza; ndichavasvitsa pano tunzizi tunoyerera,
ndichavafambisa nenzira isina chisingavagumbuse.” Mashoko aya aitaurirwa vanhu
vakanga vari pakati pekuomerwa nehupenhu chaizvo. Kuruzhinji rwevanhu mashoko
aya ainzwika sekupenga chaiko nekuti zvaisava nyore kufungidzira kuti nhamu
yakadai ingapere. Kusatendera uku ndiko kunosaka zvinzi: “Mwari akanunura vanhu
vake, chitsama chakasara chavaIsraere.”
Vaprofita vakaparidza kuti kunyaradwa nekununurwa kwevanhu
vaMwari uku kuchaitika nekuuya kweMuponesi. Munamato weMisa wandamboreva uya
unotiwo: “Kuzoti nguva dzekuti mutinunure dzasvika, makaratidza rudo rwenyu
nekutitumira Mwana wenyu pachenyu.” Mutsamba yekuvaHebheru tinonzwa mununuri
uyu achitsanangurwa zvaari. Mupriste wegovero raMerkisedheki uyu, anosarudzwa
achibva muvanhu ozogadzwa kuti ave
musvitsanisi wavo naMwari. Anogona kupfavira vasina chavanoziva navatsauki
nekuti iye pachake akakomberedzwa neutera. Tsamba iyi inotitsanangurira
zvakajeka hupriste hwaKristo hwaanotinunura nahwo nekutiwanira kuregererwa
kwematadzo edu. Kristo anozadzikisa
kwatiri zvose zvatakavimbiswa nekutsidzirwa naMwari.
Mudama rakanaka tinosangana naye pauzimba, iye akanzi
naMwari ndichakutumirai, iye nyakurehwa nevaprofita. Bhartimeo aiva bofu, asi
aiziva kuti Mwari akavimbisa kununura vanhu vake sezvatanzwa kuna Yeremiya
achiti: “Vachadzokera vari gurumwandira guru kwazvo, vaina mapofu nezvirema…!”
Zvino Bhartimeo akanga asangana naye nyakutumwa naMwari kuti izvi zviitike.
Ndizvo zvakamupa chivimbo chekumudaidza nemutupo wake uri maererano nebasa rake
raakatumwa: “Imi Yesu, mwanakomana waDhavhiti, ndinzwirewo tsitsi.” Kuziva kuti
Yesu ndiye Mwanakomana waDhaviti kunoreva kuziva Yesu semuponesi nemununuri
waIsraere akatsidzirwa naMwari, nyakurehwa nemagwaro nevaprofita. Munhu wese
wenguva yaYesu aiziva kuti ruponeso rwaMwari ruchauya nedungirwa raJesse, uye
tsvimbo youtongi hwaMwari haichazobvi muchanza chechizvarwa chaYudha.
Yesu anozadzikisa chishuwo nechikumbiro chaBhartimeo. Vanhu
vazhinji vakaona izvi asi havana kunzwisisa kuti chii chaiitika. Havana kuziva
kuti ndiko kupenya kwembiri yaMwari pamusoro pavo. Munhu wese anosangana
naYesu, akaziva kuti uyu ndiye nyakutumwa naMwari kuzotiponesa, anobva
aponeswa. Ani naani anoona Mwanakomana achimutendera anowana upenyu
husingaperi. Pamuteuro weMisa tinoona Mwanakomana waDhaviti: Honai Hwayana
yaMwari, honai nyakubvisa matadzo apasi….
Kristo anoti kuna Bhartimeo: “Chienda zvako, kutendera kwako
kwakuponesa.” Bhartimeo akagamuchira chipo chekuona kuburikidza nekutendera
kwake. Akatendera kuti Kristo ndiye mwanakomana waMwari, uyo akanzi achazouya.
Kana isu tikatendera kuti Kristo ndiye Mwanakomana waMwari, tikamudaidza kuti
atinzwirewo tsitsi, tinoponeswa kubva kuhutera hwedu, kuhupofu hwedu
nekumatadzo edu. Ngatinamatirei girasiya rechitendero chakadai. Amen.
No comments:
Post a Comment