Sunday, November 22, 2015

Kutenda Moyochena

Paivapo.
Kare kare kwazvo.
Kune imwe nyika iri kure kure kwazvo.
Kwaiva nomumwe Mambo akanga akanakisisa kwazvo.

Rimwe zuva Mambo uyu akaitira varanda vake vose mabiko makuru. Paiva nemachikichori chaiwo. Nyama ine mafuta, hupfu hwakatsetseka, doro rakasvinwa zvakanakisisa, miriwo minyoro, michero nemichero, huchi nemukaka.

Tsika dzakanaka dzose dzakauya dzikafadzwa nemutambo uyu chaizvo.

Kuzvidukupisa aivepo, ndiye akanga akazvigarira zvake kwekupedzisira kumacheto chaiko. Akanga akazvirereka achizvininipisa hake.

Rudo akanga aripowo. Rudo ndiye aipakura zvekudya achingoita chipavhurire  kupa kunenge kuramwa. Nyama yakanga isingaverengwi mundiro naRudo. Rudo ndiwo maitire ake, haatyi kuti zvingapere, anongopa, sachireranherera anorera nedzisi dzake.

Kutirira aivepowo. Akanga asingaiti hanya nekuti pane amuonawo here. Haana kuita basa kana dai akazova iye aipedzisira kupihwa chekudya. Kushingirira, kumirira, nekusakurumidza kuvhunduka ndiwo aitire ake muchinda uyu.

Rukudzo aivepowo. Akanga achingozvirigira pasi pamberi paani naani. Aingonzwa kuzadzwa neruremekedzo, achingotyora muzura, kurereka musoro, nekubatanidza maoko.

Chitendero aivepowo. Akanga azere nekutenda zvose zvaaiona zvichiitika, pasina chaanokonona. Chitendero haatsvagi tsanangudzo kana zvikonzero, anongogashira zvinhu sekupiwa kwazvinge zvaitwa.

Chitarisiro aivepowo. Akanga agere zvake padyo naChitendero azere nechivimbo chekuti mutambo ucharamba uchingofadza vanhu vachingodya nekunwa, vachidakara zvavo. Kana zvinhu zviipe sei Chitarisiro haarasi chivimbo.

Munhu wese akanga achifara chaizvo pamabiko akaisvonakisisa aya. Vaifara sekufara kunoita vanhu pakukohwa, sekufara kunoita vanhu pakugowana nyama yemhuka. Vaifara zvisina mukare akamboona.

Mutambo wakati zvino wapfumbira, vanhu vari kufara zvekufara zviya izvi, Mambo ndipo paakacherechedza kuti pane vanhu vaviri vaiita kunge vasingazivani. Mambo pachake aiziva kuti vanhu vaviri ava vanofanira kugara pamwechete ndiko kusaka akavapa zvigaro pamwechete. Asi zvakamushamisa kuona kuti Moyochena naKutenda vainge vasingazivani. Nokudaro Mambo akaswedera kwavari akati:

“Nhai Moyochena, wamboti wambosanganawo naKutenda? Iwe Kutenda, wakamboonanawo naMoyochena uyu here? Nekutika zviri kuita kunge vaviri imi hamuzivani? Kuti kutadza kuona kwangu?”

“Ah, Mambo nhai? Kuti nditi Kutenda uyu mumwe wangu, haa ndinenge ndakunyeperai. Hamufungiwo kudaro? Nekutika ndinongomuonawo pano nepapo, nenguva iri kure, pandinenge ndichishanda zvangu,” akadaro Moyochena.

“Ini kumuona Moyochena uyu, ndinomuona, handingarambi. Asi kuti pane akambotiwo tizivane, haa, apo kwete Tenzi, handingadi kukunyeperai. Kashoma kuona  munhu  anotibatanidza,” akadaro Kutenda.

Tsika dzakanaka mbiri idzi, Moyochena naKutenda, dzakashamisika chaizvo padzakazozivana. Kutenda ndiye akazoti kunaMoyochena:

“Ufunge hako, tinofanira kugara tiri tose nguva dzose. Panowanikwa Moyochena panofanira kuva neKutenda. Asi vanhu vakagamuchira Moyochena, vanokanganwa kutenda!”


Apa ndipo pakafira Sarungano.

No comments: