Paivapo.
Kare kare kwazvo.
Kune imwe nyika iri kure kure kwazvo.
Kwaiva nomumwe Mambo akanga akanakisisa kwazvo.
Rimwe zuva Mambo uyu akaitira varanda vake vose mabiko
makuru. Paiva nemachikichori chaiwo. Nyama ine mafuta, hupfu hwakatsetseka,
doro rakasvinwa zvakanakisisa, miriwo minyoro, michero nemichero, huchi
nemukaka.
Tsika dzakanaka dzose dzakauya dzikafadzwa nemutambo uyu
chaizvo.
Kuzvidukupisa aivepo, ndiye akanga akazvigarira zvake
kwekupedzisira kumacheto chaiko. Akanga akazvirereka achizvininipisa hake.
Rudo akanga aripowo. Rudo ndiye aipakura zvekudya achingoita
chipavhurire kupa kunenge kuramwa. Nyama
yakanga isingaverengwi mundiro naRudo. Rudo ndiwo maitire ake, haatyi kuti
zvingapere, anongopa, sachireranherera anorera nedzisi dzake.
Kutirira aivepowo. Akanga asingaiti hanya nekuti pane
amuonawo here. Haana kuita basa kana dai akazova iye aipedzisira kupihwa
chekudya. Kushingirira, kumirira, nekusakurumidza kuvhunduka ndiwo aitire ake
muchinda uyu.
Rukudzo aivepowo. Akanga achingozvirigira pasi pamberi paani
naani. Aingonzwa kuzadzwa neruremekedzo, achingotyora muzura, kurereka musoro,
nekubatanidza maoko.
Chitendero aivepowo. Akanga azere nekutenda zvose zvaaiona
zvichiitika, pasina chaanokonona. Chitendero haatsvagi tsanangudzo kana
zvikonzero, anongogashira zvinhu sekupiwa kwazvinge zvaitwa.
Chitarisiro aivepowo. Akanga agere zvake padyo naChitendero
azere nechivimbo chekuti mutambo ucharamba uchingofadza vanhu vachingodya
nekunwa, vachidakara zvavo. Kana zvinhu zviipe sei Chitarisiro haarasi
chivimbo.
Munhu wese akanga achifara chaizvo pamabiko akaisvonakisisa
aya. Vaifara sekufara kunoita vanhu pakukohwa, sekufara kunoita vanhu
pakugowana nyama yemhuka. Vaifara zvisina mukare akamboona.
Mutambo wakati zvino wapfumbira, vanhu vari kufara zvekufara
zviya izvi, Mambo ndipo paakacherechedza kuti pane vanhu vaviri vaiita kunge
vasingazivani. Mambo pachake aiziva kuti vanhu vaviri ava vanofanira kugara
pamwechete ndiko kusaka akavapa zvigaro pamwechete. Asi zvakamushamisa kuona
kuti Moyochena naKutenda vainge vasingazivani. Nokudaro Mambo akaswedera
kwavari akati:
“Nhai Moyochena, wamboti wambosanganawo naKutenda? Iwe
Kutenda, wakamboonanawo naMoyochena uyu here? Nekutika zviri kuita kunge vaviri
imi hamuzivani? Kuti kutadza kuona kwangu?”
“Ah, Mambo nhai? Kuti nditi Kutenda uyu mumwe wangu, haa
ndinenge ndakunyeperai. Hamufungiwo kudaro? Nekutika ndinongomuonawo pano
nepapo, nenguva iri kure, pandinenge ndichishanda zvangu,” akadaro Moyochena.
“Ini kumuona Moyochena uyu, ndinomuona, handingarambi. Asi
kuti pane akambotiwo tizivane, haa, apo kwete Tenzi, handingadi kukunyeperai.
Kashoma kuona munhu anotibatanidza,” akadaro Kutenda.
Tsika dzakanaka mbiri idzi, Moyochena naKutenda, dzakashamisika
chaizvo padzakazozivana. Kutenda ndiye akazoti kunaMoyochena:
“Ufunge hako, tinofanira kugara tiri tose nguva dzose.
Panowanikwa Moyochena panofanira kuva neKutenda. Asi vanhu vakagamuchira
Moyochena, vanokanganwa kutenda!”
Apa ndipo pakafira Sarungano.
No comments:
Post a Comment