Svondo 4 Advent C 2005
Mika 5:1-4a; VaHeberu 10:5-10; Ruka 1:39-45
Mugoni zvenyu imi makatendera!
Maria paanoshanyira hama yake Elizabeth panoitika chishamiso
chikuru chaMwari. Mwana akanga anzi achazozvarwa naMaria aizonzi Emmanuel,
kureva kuti Mwari anesu. Elizabeth paanokwaziswa naMaria anobva aziva kuti zvechokwadi
Mwari anesu. Kusangana kwehama mbiri idzi uku kunovawo kuvapo kwaMwari. Mwari
anesu pose patinosangana muzita rake. Mwari anesu pose patinochingamidzana,
patinogamuchirana, patinoshanyirana, patinokwazisana nemumwe munhu sehama yedu
yepedyo.
Elizabeth akanga aine hama zhinji kwazvo dzakaita saMaria,
asi Maria chete pakati pevanhu vose vehukama, ndiye akaita kuti Elizabeth azive
kuti Mwari anesu. PachiManyika tine chirevo chinoti: “Ngewepo ungodaro,”
chinowanzoshandiswa nemunhu ari kufarira kushanyirwa kwaaitwa nehama yake. Maria akagona kuita izvi nekuti akasimuka
pamusha pake akaenda kunaElizabeth. Kana tikasimuka pamusha, tikaenda kune
mumwe, tikashanyira vamwe, tinokwanisa kuvagonesa kuziva kuti Mwari anesu.
Maria haana kuramba ari pamusha pake, akazvipira kushanyira mumwe wake.
SaMaria, tiri midziyo yaMwari yaanoshanyira nayo vanhu vake nekuvaratidza kuti
Mwari anesu.
Maria aifanira kuti afambe rwendo rurefu nemumakomo kuti
asvike kunaElizabeth. Maria naElizabeth vakanga vakasiyana nemakore akawanda
chaizvo pakuberekwa. Maria aifanira kuti akunde kusiyana kwavo mumakore uku
kuti awadzane naElizabeth. Maria akakunda zvipingidzo izvi zverwendo rurefu,
nekusiyana kwavo pamakore, akavavarira kuti asvike chete pane hama yake
Elizabeth, nekuti hukama hwavo hwakanga hwakakosha. Vakuri vedu vaiti: “Kure
kwegava ndokusina mutsubvu.” “Kusina amai hakuendwi.” “Kune wako hakuna kure.”
Mwari anoshandisa hukama hwakagara huripo uhu pakati paMaria naElizabeth
kuratidza ivo vaviri, nesu tose, kuti Mwari anoshanyira vanhu vake. Chivanhu
chakanaka, netsika dzakanaka, ndihwo hwaro hwakanaka hweDama Rananaka.
Mweya Mutsvene uyo anozoburutsirwa
pane vapositori paPentecoste mushure mekunge Kristo akwira kudenga, tinotanga
kunzwa nezvake panoudzwa Maria naAngere kuti achava nepamuviri paYesu. Tinonzwa
nezvaMwaya Mutsvene kechipiri panokwazisana Maria naElizabeth. Elizabeth
paanonzwa kwaziso yaMaria anonzwawo kusagadzikana kukuru mumuviri wake wose.
Kana nemwanawo ari mumimba make anopfakanyika. Semunhu akanga aine chitendero,
uye akanga akamirira kuzadzikiswa kwezvakatsidzirwa naMwari, Elizabeth haana
kunonoka kuziva kuti kusagadzikana kwake nemwana wake uku rudaviro rwavo kuna
Mwari akanga avashanyira. Haana dzimwe pfungwa dzakaipa dzakapinda maari.
Pachivanhu zvinonzi ukasangana nemunhu ane ropa rakaipa anogona kukukuvadzira
mwana ari mudumbu. Elizabeth paakanzwa kusagadzikana mukati make uku akabva
azadzwa naMweya Mutsvene waMwari.
Mweya Mutsvene anonzi naPauro anonamata ari matiri achiguva
zvisingagoni kududzirwa nemazwi, ndiye anogonesa Elizabeth kupupura
kukomborerwa kwaMaria achiti: “Imi makakomborerwa pakati pevakadzi vose,
akakomborerwawo mwana wemimba yenyu.” Mashoko aya anobva mukuzadzwa kwake naMweya
Mutsvene. Mashoko akataurwa nemunhu anga akasvikirwa, kana kuti anga akagarwa
naMweya Mutsvene. Dai Mweya Mutsvene anga asina kumuzadza, hameno kuti
Elizabeth angadai akati kudii kuna Mariya mushure mekunge avhiringidzwa panyama
nekwaziso yake kudaro. Pamwe angadai akati: “Nhaiwe Maria, ukati kwakanaka?
Nhasi ndinopona ini? Nekutika zvandangozwa izwi rako handichatonzwi zvakanaka.
Kana mwana ari mandiri haachina kugandzikana. Asi unondishura nhai Maria?”
Pamusana paMweya Mutsvene waakapihwa, Elizabeth akaona
kuvhunduka kwakaita muviri wake paakaona Maria sechikomborero chikuru chisina
ani akamboona. Anotobatikana nekutya nekuziva kusakodzera kwake. Semunhu aiva
nechitendero chevanhu vaMwari, vaimirira kuuya kwemununuri mune zvinhu zvose,
akazadzwa nerufaro rukuru pakuziva kuti zviya zvaigarorehwa zvazoitika, uye
zvaitika kwaari. Saka achiti: “Zvandibvira nepikowo, kuti ndishanyirwe kudai
naamai vaMambo wangu?” Maria haana kunge awana mukana wekutsanangurira hama
yake zvekushanyirwa kwake naangere Gabriel nezvekunzi achava nepamuviri. Asi,
pamusana paMweya Mutsvene akanga agara maari, tinoona Elizabeth ave kutoziva
kuti Maria uyu, iko kahama kake kamwana kadiki aka, ndivo Amai vaMambo.
Chitendero chakadai chinogoneswa bedzi naMweya Mutsvene. Kana pasina Mweya
Mutsene waMwari zvakaoma kugamuchira nekutenda kuti Maria ndiye Amai vaMambo. Kana
pasina Mweya Mutsvene zvinonetsa kukudza nekuremekedza Amai vaMambo
sezvavakakodzera.
Elizabeth chaanoona chinomushamisa, uye chaanoyemura
nekukoshesa munaMaria chitendero chaMaria: “Mugoni zvenyu imi makatendera,
nokuti zvakataurwa naMambo kwamuri zvichazoitika.” Anomuti “mugoni” nekuti
havasi vose vanotendera. Kunyangwe dai Mwari ainesu nguva dzose, achitishanyira
munhamo nematambudziko, achivapo nesu pane vaviri kana vatatu, hatisi tose
tinotendera nguva dzose. Tinokundikana kutendera zvatakatsidzirwa naMwari.
Tinorasa chitendero nechitarisiro. Tinokonona nekushaya hanya. Tinoneta
nekurukutika. Tinorasa moyo nekushaya simba. Tinganziwo vagoni zvedu
tikatsungirira, tikashingirira, kuramba tichitendera, tichitarisira, tichiita
chido. Elizabeth akaona kushinga kwechitendero uku munaMaria saka akamuti
‘mugoni,’ uye ‘makakomborerwa.’
Vadzimai vaviri ava, Maria naElizabeth, ndivo vanhu
vanotanga kuzadzwa naMweya Mutsvene muChitenderano Chitsva. Mweya Mutsvene
anoshanda mavari chinyararire achigadzirira humambo hwaMwari. Yesu naYowane
mubhapatidzi ndivo zvibereko zvaMweya Mutsvene nechitendero chemadzimai maviri
aya. Hukama hwavo hunotiratidza
zvishamiso zvikuru zvaMwari. Muhukama hwavo, Izwi akava munhu akagara nesu.
Muhukama hwavo tinoona kuti Mwari anesu. Muhukama hwavo tinoona kushanda
kwaMweya Mutsvene. Muhukama hwavo tinoona rufaro runounzwa neDama rakanaka
unova mucherechedzo wekuti humambo hwaMwari hwasvika pakati pedu.
Tichigadzirira kupemberera kuzvarwa kwaKristo paChristmas,
tinotarisa Maria naElizabeth, tichiyemura kushanyirana kwavo kwakanga kwakazara
negirasya raMwari. Dai kushanyirana kwedu, nekukwazisana kwedu, panguva ino
yeChristmas, kukatigonesawo kuziva kuti Mwari anesu, nekutizadza naMweya
Mutsvene. Dai kurumbidza nekurememkedza kwatinoita Maria Musande, Amai waMambo,
kwabva munaMweya Mutsvene watakapihwa. Dai kutendera kwedu kuti Mwari
achatiitira zvose zvaakatitsidzira, kwatiitawo vagoni, uye vanhu vakakomborerwa.
Amen.