Zvidzidzo:
Yoshuwa 24:1-2a, 15-17, 18b; VaEfeso 5:21-32; Yowane 6:60-69
Pane rwiyo rwandinofarira chaizvo runoimbwa tichigadzirira kunzwa
shoko raMwari pamisa:
“Ndirori shoko renyu Tenzi wangu,
Shoko ramakareva, kumuranda wenyu rakandipa tariro
Shoko rinondinyaradza, munhamo dzangu
Shoko ramakandipikira, rinondiraramisa
Kunyangwe vaya vanodada vakandiseka zvikuru
Handina kutsauka pamurawo wenyu.”
Rwiyo urwu runotiyeuchidza nekutikurudzira chitendero chakasimba
chatinodzidziswa neKirike mushoko raMwari. Yowane muvhangeri anotidzidzisa kuti
pakutangatanga kwanganga kuina Izwi, aigara naMwari uye anovawo Mwari.
Chishamiso chikurukuru chechitendero chedu ndechichi: Izwi akava munhu akagara
nesu. Mambo wedu Yesu Kristo ndiye Izwi anotaurwa nezvake uyu. Ruponeso rwedu
runouya nekugamuchira Izwi, anova ndiye Mwari.
Izwi rake ndiye chipo chaMwari chinoshamisa chaanopa kwatiri,
pamusana perudo rwake kwatiri rwakanyanya. Rudo rwaMwari kwatiri runoshamisa
nekuti rwakasiyana nerudo rwatinopanana sevanhu. Tinoda munhu anotidawo, uye
anotiitira zvakanaka. Asi Mwari anotida kunyangwe tiri vatadzi vanomuitira
zvakaipa. Ndosaka tichidaira tichiti: “Mambo handikodzeri kuti mupinde muneni,
ingotaurai izwi chete, mweya wangu unoponeswa.” Chokwadi hatikodzerani naMwari.
Asi, kunyangwe dai tisingakodzeri rudo rwaMwari, Izwi raMwari rinotiponesa.
Muchidzidzo chechiposhi tinosangana nemhinduro inopihwa nevanhu
vaMwari pavanobvunzwa nemuranda waMwari kuti vakamira papi chaizvo. Muhupenyu
panosvika nguva iya inonzi naTuku: Handiende kudzamara wandiudza pumire
chaipoipo. Yoshuwa nevana vaIsrael vaaitungamirira vakanga vasvika panguva
yakadai murwendo rwavo sevanhu vakasarudzwa naMwari. Vanofanira kuti vasarudze
zviri pachena, kuramba vari panaMwari wevadzibaba wavo here, kana kuti vochiita
havo madiro aJojina, vachizvisarudzira vamwe vamwari.
Sarudzo iyi yakaoma nekuti mukufamba muchitendero kwatinoita,
tinosangana nemiyedzo inoda kutitsaudza kubva pana Mwari wedu, wechibarirwe,
wechipikirwa, wemadzibaba edu. Matinofamba, matinogara, matinoshanda,
matinoswera, matinotsvaga chekurarama nacho, matinotsvaga mafaro epanyama
nepamweya, tinosangana negakavhenge, saruraude yevamwari vakasiyanasiyana.
Vamwari ava vanotivimbisa kupona, kupfuma, kufara, kugarika, kudiwa, kukudzwa
chiriporipo. Vanoita kuti zvatinoona Mwari wedu achinge munhu anoswererera ivo
vamwari ava vanogona kubva vangotiitira nekutipa ipapo ipapo.
Saka zuva rega rega takatarisana nemuyedzo wekusiya Mwari wedu
tichitanga kutevera vamwe vamwari. Dai zvaibuda pachena kuti tiri panguva
yekududza patimire chaipoipo, zvaiva nyore. Asi vamwari ava vanoita setsvimbo
inorova isina maungira. Vanoita sekamoto kamberevere kanozopisa matanda mberi.
Vanoruma vachifurudzira segonzo. Munhu anozotongokanuka atorasa Mwari
wechokwadi, amira nevamwari venhema. Nzira dzemunyengedzi dzine hutesveri
hunosvosva mweya wemunhu zvinyoronyoro kudzamara munhu arasikirwa nemweya wake
pachake. Inga Kristo akatsiura wani akati: Ko iye munhu anobatsirwa neiko,
kuzviwanira zvapasi zvose asi achirasikirwa nemweya wake pachake?
Saka Yoshuwa anobvunza vana vaIsrael: “Kana musingadi kuteerera
Mwari, sarudzai nhasi mutaure pachena kuti wamunoda kuteerera ndiyani?” Vasati
vapindura iye anobva avabudira pachena paamire chaipoipo: “Kana zviri zvangu
ini nevedzinza rangu, tichateerera tenzi.” Zvino zvave kwavari kufuga kana
kuwarira. Vakakomborera avo vanowana mukana uyu wekupenengura hana dzavo vachisarudza
zvavanoda kuita. Vazhinji vanoshaya mukana uyu saka vachizongoitawo zindoendawo
rezongororo rinozodzoka ranzwa kuti rabondera. Vachingoitawo gudzamudungwe
inenge yehwiza inongotevera nevakananga mudondo. Vazhinji vanongoitawo
hwedhongi rinoperekedza n’ombe kudhibhi asi iro risingandotiwi.
Nekuti vakapihwa mukana uyu naYoshuwa vanhu vaMwari vakakwanisa
kuona zvinhu sezvazviri, chitema kana chichena, chakanaka kana chakaipa.
Tinoshayiwa vatungamiriri pamweya vanotipa mukana uyu wekupenengura hana dzedu
kuti tigone kuita sarudzo dzakanaka muhupenyu. Nokudaro vana vaIsrael
vakapindura zvine mutsindo kuti: “Hazvibviri kuti tiparadzane naTenzi titeerere
vamwe vamwari! Handiye Tenzi Mwari wedu here akatiburitsa isu navadzibaba vedu
munyika yeIjipiti mataigara tiri vatapwa? Handi Tenzi here akaita zvishamiso
zviya tichizviona? Handiye here akatichengeta rwendo rwese rwatakafamba…. Aiwa
nesuwo tichateerera Tenzi, nokuti iye ndiye Mwari wedu.”
Vanhu vanga varasika ava, vachitorwa mwoyo nezvimwari zvenyika itsva
yavakanga vapinda zvisina maturo vachirasa Tenzi Mwari wavo akanga abva navo
kure uye avaitira mabasa mazhinji anoshamisa. Kana isu tinogaroimba zuva nezuva
kuti: “Haiwa Mambo mabasa enyu anoshamisa kwazvo,” tinogona kuvarairwa
tikatorwa mwoyo nevamwari vasiri ivo. Kurasika inyore, asi kudzoka kunorema.
Kudzoka kunorema kana tikashaya mukokeri anenge Yoshuwa, anotiyeuchidza
kwatakabva nezvatakaitirwa naMwari, uye anotipa mukana wekupika pakare sekuimba
kwatinoita: “Ndinoda kupika, kupika pakare kutevedza zvose zvandakatsidzira
kuita…”
Zviri nyore kufuratira chitendero chechokwadi pamusana pekuti chave
chekare tichimhanyirira zvitsva. Asika Kristo ndiyeye wanezuro, wanhasi,
newamangwana. Chimwe chitsva chatichada nezvaKristo chii? Pauro anokurudzira
Timoti achiti: “Rangarira chitendero chaambuya vako Loise, chaivawo munaamai
vako Eunice, uye chandinovimba kuti chirimowo mauri…” Zviri nyore kukanganwa
zvinhu zvakanaka zvakawanda zvatakaitirwa naMwari tichimhanyirira zvitsva
zvatisina chokwadi nzvo. Hanzi naMacheso: “Ngwarira kurasa chiri mumaoko nekuda
kuombera chavimbiswa, izvo muzere mhepo.”
MuDama Rakanaka tinoona Mambo wedu Yesu Kristo achimisa vadzidzi
vake panzvimbo imwechete pakamiswa vana vaIsrael naYoshuwa kuti vaite sarudzo
yakakosha iyi. Zita rekuti Yesu nerekuti Yeshuwa nderimwe chete – rinoreva kuti
‘Mwari anoponesa.’ Yesu na Yeshuwa vanotiratidza basa rinofanira kuitwa
nemutumwa waMwari – kumisa vanhu panzvimbo yekuti vagone kuita sarudzo. Mozesi
akazviitawo izvi: “Nhasi ndonoisa pamberi penyu mvura nemoto, hupenyu
nekugarika, rufu nekuparadzwa.
Chisarudzai nhasi kuda Tenzi Mwari wenyu, kufamba munzira dzake nekuchengeta
mitemo yake, kuti muwande mubudirire, iye Mwari agokukomborerai munyika yamave
kupinda…”
Mushure mekunge Yesu agutsa vanhu vazhinji nechingwa chishomashoma
anodisa kuvadzidzisa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi asi neshoko (izwi)
riri rose rinobva mumuromo waMwari. Nekuti vanhu vakanga vasina kubata hudzamu
hwechishamiso ichi chinotaura zvakakomba pamusoro pemweya kudarika hupenyu
hwenyama. Yukaristiya Sande yatinopemberera nanhasi ine hudzamu hwedzidziso
iyi, yenyama neropa, chingwa chehupenyu husingaperi, muviri waKristo.
Nokudaro tinoona nhoroondo refu iri muchitsauko chechitanhatu
chevhangeri yaYowane, apo Yesu anotaura nezvechingwa chehupenyu husingaperi.
Paanovataurira kuti nyama yake neropa rake iye Yesu ndizvo chokudya chinopa
hupenyu husingaperi, vanhu vanokahadzika nazvo. Kwavari nyama yemunhu neropa
remunhu hazvingadyiwi. Kudya munhu huroyi hunorambwa nevanhu vose pasi rose.
Munhu anodya nyama yemunhu anoti kutyisa ogoti kuvengwa nevanhu. Ndosaka
vazhinji vevadzidzi vaYesu “vakan’un’uzhikira shoko iri” vachiti: Shoko iri
rinosvotesa kwazvo, ndiani angagone kurinzwa?”
Zviri nyore chaizvo kurarama hupenyu panyama bedzi, pasina kufunga
nezvemweya. Varungu vane tsumo inoti: “Rudo rwembwa ruri mudumbu.” Kureva kuti
imbwa inoita rudo newe kana uchiipa chekudya. Vanhu vakaita rudo rwakadai
naYesu mushure mekunge avagutsa nechingwa. Vaitoda kukumanikidza kuti ave mambo
wavo, vagogara zvavo vachidya chingwa chemahara! Asi Yesu paanoda kuvakwevera
kuhudzamu hwemweya tinoona vanhu vachiti du du du kudzokera shure. Vakuru
vakati: Munhu anonzi gara tidye, kwete gara tife. Yesu paanotanga kutaura
nezverufu rwake runotiponesa, vazhinji tinotanga kudududza kudzokera shure.
Yesu haatyi kuti zvino ndave kurasikirwa nevanhu. Haati chiregai
ndingorambe ndichivafadza kuti vasandisiye. Haana kuramba achidzokorora
zvishamiso kuti vanhu vanakidzwe varambe vainaye. Mazuwano tinoona vatungamiri
vanoita zvose zvavanogona kuti ruzhinji rurambe ruinavo. Vanosarudza kurega
kutaura nezvechipiyaniso chaKristo nekuti zvingaite kuti vanhu van’un’uzhike
vavasiye. Saka, vanosimbirira zvekupfumiswa, nekubudirira, zvekuwanda
kwemakomborero nekuzara kwezvipo. Vanodaro nekuti vanotya kuti vangatizwe
nevanhu. Vanobudirira nekuti vanhu havadi zvinhu zvinovanetsa, vanofadzwa
neminana inonakidza nzeve nemaziso kunyangwe dai zviri zvenguva pfupi.
Kristo haatyi kuti angatizwe nevanhu. Akadzidzisa kuti pindai waro
nenzira yakamanikana nekuti nzira yakafaranuka inoenda kundoparadzwa. Kristo
akati kana munhu achindida ngaatakure chipiyaniso chake anditeere. Akati kuJaya
Mupfumi enda undotengese zvose zvauinazvo upe varombo wouya unditevere. Akati
zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde
muhumambo hwedenga. Akatizve kana munhu asingadyi nyama yangu nekunwa ropa
rangu haangavi nehupenyu husingaperi. Dzidziso yakadai iyi inokonzeresa kuti
vanhu van’un’uzhike, asi Kristo haatsukunyuki paakamira panyaya iyi. Anoramba
akamira semusambangwena.
Panzvimbo yekunyengetedza vain’un’uzhika nekupfavisa dzidziso yake
kuti igamuchirike nyore, vanhu vafare, varambe vakamuunganira, Kristo
anotoramba akasimba asingatsukunyuki. Ndizvo zvinonzi nevaManyika: “Hatidzori
tsvimbo ngekuti mutiro abata kuhope!” Ndizvo zvaiimbwa nemagandanga muhondo
kuti: “Hatinyengerere povo, kana kurambana nayo.” Kangani katakatsvaga
kurerutsa mitemo yaMwari kana mitemo yeKirike nekutya kuti tingatizwe nevanhu?
Kangani katakadzokera shure pazvisungo zvedu semhuri nekutya kuti tingasare
tega? Kangani katakatadza kumirira chokwadi chatinoziva nekutya kuti vanhu
vanozotitiza?
Kristo ari kuti kana dzidziso iyi ikakuomerai endai zvenyu handityi
kusara ndega. Saka anotendeukira kune vane gumi, vaya vaakasarudza kuti vave
pamwechete naye mubasa rake, ovabvunza asingatsengi mazwi ake kuti: “Nemiwo
mava kuda kuparadzana neni here?” Kana paine munhu anonzi wako chaiye ndeuya
asingatyi kukubvunza mubvunzo wakadai. Anokuda zvenhema anoda kukufadza
nenhema, asi munhu anokuda zvechokwadi anozvipira kukubvunza mubvunzo wakaoma
kudai. Haatyi kuti angarasikirwe newe. Vazhinji vanodaidzwa, asi vashoma
vanosarudzwa. Aya ndiwo masarudzirwe anoitwa vashoma kubva muvazhinji.
Petere ndiye akapindura, nekuti Petere ndiye mukuru wevapositori.
Kirike rinokoshesa hukuru hwaPetere uhu, nekudaro rinoramba rakamirawo
nemhinduro yaPetere iyi: “Nhayi Mambo, tingaende kunaaniko, imi muri’mi muna
mazwi oupenyu husingaperi? Uye isu takatendera, tikaziva kuti imi ndimi
Mutsvene waMwari.” Kune chirevo chechiLatin chinoti: Roma locuta causa finita est – chinoreva kuti panenge paine nyaya
dzinenge dzichinetsa muchitendero zvinenge zvataurwa nemubhishopi weRoma ndizvo
zvinopedza gakava. Chirevo ichi chinobva pakucherechedza kunoita Kirike kukosha
kwemhinduro yaPetere iyi.
Takatarisana nesarudzo yevana vaIsarael pakati pevamwe vamwari
naTenzi Mwari. Takatarisanazve nesarudzo yevadzidzi pakati pekugamuchira shoko
raKristo nekuriramba. Takatarisanawo muhupenyu hwedu zuva nezuva nesarudzo pakati pechakanaka nechakaipa.
Pachitendero chedu takatarisanawo nesarudzo pakati paMwari wechokwadi nevamwe
vamwari vevadisi vezvapasi vangotekeshera kudai. Ngatisarudzei sevana vaIsrael.
Ngatisarudzei sevapostori vachidairirwa naPetere. Ngatisarudzei Izwi raMwari
akava munhu akagara nesu.
“Ndirori shoko renyu Tenzi wangu,
Shoko ramakareva, kumuranda wenyu rakandipa tariro
Shoko rinondinyaradza, munhamo dzangu
Shoko ramakandipikira, rinondiraramisa
Kunyangwe vaya vanodada vakandiseka zvikuru
Handina kutauka pamurawo wenyu.”
Ngatikumbirei Mwari kuti atisimbise patinosangana nemuyedzo
wekutevera vamwe vamwari vasiri ivo zvakaita vana vaIsrael. Ngatikumbireiwo
chitendero chinenge chaPetere nevapositori vakaziva kuti Kristo ndiye ane
mashoko ehupenyu. Ngatinamatei kuti Mweya muSande atizadze nechitendero
chakasimba nechitarisiro chizere nechido chisingaperi. Amen.
©Fr. William Guri, C.Ss.R., 23/08/2015, Annapolis MD USA.