Saturday, January 9, 2016

Uyu ndiye Mwanakomana wangu wadiwa...


Kubhapatidzwa kwaYesu 2016

Isaya 42: 1-4,  6-7; Mabasa 10:34-38; Ruka 3:15-16, 21-22

Yesu paanozvipira kuti abhapatidzwe, Yowane anoda kumudzivisa: “Ini ndini ndinofanira kubhapatidzwa nemi, imi mungagouya kwandiri seiko?” (Mateo 3:13-14) Nekuti Yowane aiziva kuti rubhapatidzo rwake rwemvura rwaive rwekuti vanhu vasukwe matadzo, vatendeuke. Saka aiona Yesu asingakodzere rubhapatidzo urwi nekuti akanga asina mhaka yerutadzo.

Yowane aiziva kuti rubhapatidzo rwake rwaive rwekugadzirira vanhu kuti vazogamuchire rubhapatidzo rwaYesu: “Ini ndakakubhapatidzai nemvura, asi iye achakubhapatidzai naMweya Mutsvene.” (Mako 1:8). Yowane naiye aimirirawo rubhapatidzo urwu, saka zvakamushamisa kuti Yesu angauye kunobhapatidzwa naye.

Yesu akaziva kushushikana kwaiita Yowane. Kana dai Yesu akati kuna Yowane: “Nhai hama yangu, ndisunungurirewozve ruhanda rweshangu yangu,” aiziva kuti Yowane haaibvuma.  Yowane aizviona asingakodzeri kusunungura ruhanda rweshangu yaYesu (Mako 1:7), aizokwanisa sei kubhapatidza Yesu?

Yesu anoshingisa Yowane kuti amubhapatidze: “Iwe rega zvichiitwa zvino; takakodzera kuti tizadzise ururami hwose.” (Mateo 3:15). Yowane ndokubva azobvuma. Yesu akabhapatidza kuti azadzise ururami hwose. Izvi zvinorevei?

Yesu akanga asina chikonzero chekuti abhapatidzwe, iye pachake, sesu tine chikonzero chekuti tibhapatidzwe kuti tisukwe matadzo. Tinobhapatidzwa kuti tive vana vaMwari asi Yesu akangogara ari mwana waMwari. Yesu akabhapatidzwa pamusana pedu.

Zvinhu zvose zvinoitwa naYesu anozviita pamusana pedu. Chikonzero chimwechete chinosakisa Yesu kuti aite zvose zvaakaita ndechekuti atiponese, atiite vana vaMwari, tive vake narini. Pamusana pekuti Mwari akada nyika zvakadai, akapa Mwanakomana wake mumwe chete oga, kuti ani naani anomutendera ave nehupenyu husingaperi. (Johane 3:16)

Yesu akazvarirwesu, akazvipira hupenyu hwake hwose kuti atiponese, kudzamara atifira pachipiyaniso. Saka rubhapatidzo rwake akabhapatidzirwesu. Ndiko kuzadzikisa ururami hwose kwaanotaurira Yowane. Yesu haana kutsauka mukuzadzisa ururami; haana kutsauka pakuita kuda kwaBaba vake, akateerera kusvika mukufa.

Mushure mekunge abhapatidzwa tinoona Yesu achinamata. Anonamata kunaBaba vake. Anonamata achiudza Baba vake kuti ndabhapatidzwa, dzazadzisa rururami hwose, ndiri kuita kuda kwenyu sekundituma kwamakaita.

Kunamata kwaYesu mushure nerubhapatidzo uku kunoita kuti denga ribve razaruka, Mweya Mutsvene ndokuburukura paari. Panguva imwechete iyi Hutatu Husande hwaMwari hwose hunobva hwaratidzwa kwatiri – Mwari Mwanakomana anonamata kunaMwari Baba avo vanoburutsira Mwari Mweya Mutsvene paari. Parubhapatidzo rwaYesu tinoratidzwa zvizere chimisteriyo chikuru cheHutatu Husande hwaMwari mumwechete.

Mwari Baba vanoratidza kufadzwa nekuzadzisa ururami hwose kwaYesu nezwi rakabva kudenga richiti: “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu, mudiwa wandinofarira.” (Ruka 3:22). Ndizvowo zvakanga zvakafanotaurwa mumagwaro naIsaya kuti: “Mambo anoti: Uyu ndiye muranda wangu wandinotsigira, ndiye wandakasarudza, ndinomufarira. Ndakamupa mweya wangu kuti asvitse hururami kuvanhu vemarudzi ose.” (Isaya 42:1ff)

Rubhapatidzo runoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vana vaMwari. Petrosi Musande anopurura achiti: Zvino ndiri kuona zvechokwadi zviro kwazvo, Mwari haana rusarudzo pakati pevanhu, asi anogamuchira munhu ari upi worudzi rupi norupi zvarwo anenge achimutya nokuitawo zvakarurama.” (Mabasa 10: 34ff)

Yesu pachake akasiya arayira vadzidzi vake achiti: “Endai pasi pose mundoparidzire zvisikwa zvose mashoko akanaka. Munhu anenge atenda akabhapatidzwa, asi uyo asingatendi achatonga…” (Mako 16:15). Akati zvakare: “Endai mundodzidzise vanhu vemarudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba, neMwanakomana naMweya Mutsvene.” (Mateo 28:19).

Mushure mekunge aparidza zvine mutsindo vanhu vakati kunaPetrosi Musande nevamwe vadzidzi: “Vehama, ko isu tingaitei?” Petrosi akati kwavari: “Tendeukai, mumwe nemumwe wenyu mubhapatidzwe muzita raYesu Kristo kuti matadzo enyu aregererwe; uye kuti mugamuchire chipo chaMweya Mutsvene.” (Mabasa 2: 37-39).

Saka nhasi tiri kupemberera zuva rekubhapatidzwa kwaYesu. Yesu akabhapatidzwa pamusana pedu, kuti isu tizobhapatidzwewo, tigovewo vana vaMwari. Murubhapatidzo rwedu tinogamuchira chipo chaMweya Mutsvene.


Pane munamato weMisa unoti: “Mwari Baba tinokutendai nekuti makatisika nenzira inoshamisa kwazvo. Kushamisa kwekutisika kwamakatiita kunopfuurwa chete nekunyanyoshamisa kwekutizvara patsva kwamunotiita munaKristo.” Ngatitendei Mwari anotida zvakanyanya, akatiita vana vake nerubhapatidzo.
__________________________________________________
©Fr. William Guri, C.Ss.R., Annapolis MD, 10 January 2016.